< Hesekiel 25 >
1 Awurade asɛm baa me nkyɛn se:
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 “Onipa ba, fa wʼani kyerɛ Amonfo so na hyɛ nkɔm tia wɔn.
“Mwanakomana womunhu, ringira chiso chako pamusoro pavaAmoni uprofite pamusoro pavo.
3 Ka kyerɛ wɔn se, ‘Muntie Otumfo Awurade asɛm. Sɛɛ na Otumfo Awurade se: Esiane sɛ wokaa “Ɛhɛɛ” guu me kronkronbea so bere a woguu ho fi ne Israel asase bere a ɛdaa mpan, ne Yudafo bere a wɔkɔɔ nnommum mu
Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raIshe Jehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti imi makati, “Toko waro!” pamusoro penzvimbo yangu tsvene panguva yayakasvibiswa napamusoro penyika yeIsraeri payakaparadzwa, napamusoro pavanhu veJudha pavakaenda kuutapwa,
4 nti, mede mo rebɛma nnipa a wofi Apuei fam na wɔde mo ayɛ wɔn de. Wɔbɛkyekye wɔn nsraban, asisi wɔn ntamadan wɔ mo mu; wobedi mo nnuaba na wɔanom mo nufusu.
naizvozvo ndichakuisai kuvanhu vokuMabvazuva kuti muve vavo. Vachadzika misasa yavo uye vachamisa matende avo pakati penyu; vachadya michero yenyu uye vachanwa mukaka wenyu.
5 Mɛdan Raba ayɛ no yoma adidibea na Amon ayɛ faako a nguan gye wɔn ahome. Afei mubehu sɛ mene Awurade no.
Ndichashandura Rabha rikava mafuro engamera uye Amoni kuti ive nzvimbo inozororera makwai. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
6 Na sɛɛ na Otumfo Awurade se: Esiane sɛ moabɔ mo nsam de mo anan apempem hɔ, na mode koma mu bɔne nyinaa adi ahurusi atia Israel asase nti,
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti makauchira maoko enyu mukadzana-dzana netsoka dzenyu muchifara noruvengo rwose rwemwoyo yenyu rwamunovenga narwo nyika yeIsraeri,
7 mɛteɛ me nsa atia mo na moayɛ asade ama amanaman no. Metwa mo afi amanaman no mu na matɔre mo ase wɔ nsase no so. Mɛsɛe mo na mubehu sɛ mene Awurade no.’”
naizvozvo ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro penyu ndigokupai kuti mupambwe nendudzi. Ndichakubvisai chose kubva kundudzi uye ndigokupedzai munyika dzose. Ndichakuparadzai; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’”
8 “Sɛɛ na Otumfo Awurade se: ‘Esiane sɛ Moab ne Seir kae se, “Monhwɛ, Yudafi ayɛ sɛ amanaman a aka no”
“Zvanzi naIshe Jehovha: ‘Nokuda kwokuti Moabhu neSeiri vakati, “Tarirai, imba yaJudha yafanana nedzimwe ndudzi,”
9 nti, mebue Moab nkyɛn mu, afi nkurow a ɛdeda nʼahye so, Bet-Yesimot, Baal-Meon ne Kiriataim, a ɛyɛ asase no anuonyam.
naizvozvo ndichaisa pachena rutivi rwaMoabhu, kutangira pamavambo maguta okumuganhu anoti Bheti Jeshimoti, Bhaari Meoni neKiriataimi iko kukudzwa kwenyika iyoyo.
10 Na mede Moab bɛka Amonfo ho ama nnipa a wɔwɔ Apuei fam de ayɛ wɔn de, sɛnea ɛbɛyɛ a wɔrenkae Amonfo wɔ amanaman no mu;
Ndichapa Moabhu pamwe chete navaAmoni kuvanhu vokuMabvazuva kuti vave vavo, kuti vaAmoni varege kuzorangarirwa pakati pendudzi;
11 na mɛtwe Moab aso. Na wobehu sɛ mene Awurade no.’”
uye ndicharanga Moabhu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’”
12 “Sɛɛ na Otumfo Awurade se: Esiane sɛ Edom tɔɔ were wɔ Yudafi so na ɔnam so dii fɔ no nti,
“Zvanzi naIshe Jehovha: ‘Nokuda kwokuti Edhomu akatsiva pamusoro peimba yaJudha vakava nemhosva huru pakuita izvozvo,
13 nea Otumfo Awurade se ni: ‘Mɛteɛ me nsa atia Edom na makum ne mmarima ne ne mmoa, mɛma asase a ɛda Teman kosi Dedan ada mpan, na wɔbɛtotɔ wɔ afoa ano.
naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro peEdhomu ndigouraya vanhu vose varo nezvipfuwo zvavo. Ndichariparadza uye kubva kuTemani kusvika kuDhedhani vachaurayiwa nomunondo.
14 Me nkurɔfo Israelfo bɛyɛ nsa a mɛfa so atɔ Edom so were na wɔne no bedi no sɛnea mʼabufuw ne mʼabufuwhyew te; wobehu mʼaweretɔ, Otumfo Awurade asɛm ni.’”
Ndichatsiva Edhomu noruoko rwavanhu vangu, uye vachaitira Edhomu zvakafanira kutsamwa kwangu nehasha dzangu; vachaziva kutsiva kwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’”
15 “Sɛɛ na Otumfo Awurade se: ‘Esiane sɛ Filistifo tɔɔ were, na wɔde koma mu nsusuw bɔne na ɛyɛɛ saa, na wɔde ɔtan a efi tete sɛee Yuda nti,
“Zvanzi naIshe Jehovha: ‘Nokuda kwokuti vaFiristia vakazvitsivira vakatsiva noruvengo mumwoyo yavo, uye noruvengo rwamakore namakore vakatsvaka kuparadza Judha,
16 sɛnea Otumfo Awurade se ni: Merebɛteɛ me nsa atia Filistifo, na matwa Keretifo no agu na masɛe wɔn a wɔaka wɔ mpoano hɔ no.
naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokutambanudza ruoko rwangu pamusoro pavaFiristia, uye ndichauraya vaKereti ndigoparadza vaya vakasara pamhenderekedzo.
17 Mɛtɔ wɔn so were a ɛso na matwe wɔn aso wɔ mʼabufuwhyew mu. Na sɛ metɔ wɔn so were a, wobehu sɛ mene Awurade no.’”
Ndichatsiva nokutsiva kukuru pamusoro pavo uye ndichavaranga muhasha dzangu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichatsiva pamusoro pavo.’”