< Ɔsɛnkafo 2 >

1 Mekaa wɔ me koma mu se, “Afei bra, mede anigye bɛsɔ wo ahwɛ na yɛahu nea eye.” Nanso ankosi hwee.
Ndakati mumwoyo mangu, “Uya zvino, ndichakuedza nomufaro kuti uzive chakanaka.” Asi naizvozviwo hazvina maturo.
2 Mekae se, “Ɔserew yɛ nkwaseade. Na dɛn na anigye tumi yɛ?”
Ndakati, “Kuseka upenzi, uyezve mafaro anobatsireiko?”
3 Mepɛɛ sɛ mihu nea eye pa ara ma yɛn wɔ bere tiaa a yɛwɔ wɔ asase yi so no. Enti meyɛɛ mʼadwene sɛ mede nsa bɛsɛpɛw me ho na mahwehwɛ, ahu nkwaseasɛm nkyerɛase, a na nyansa da so bɔ mʼankasa mʼadwene ho ban.
Ndakaedza kuzvifadza newaini, uye kumbundikira upenzi, pfungwa dzangu dzichinditungamirira nouchenjeri. Ndaida kuona kuti chii chakafanira kuti vanhu vaite pasi pedenga mumazuva mashoma oupenyu hwavo.
4 Mede me nsa hyɛɛ nnwuma akɛse ase; misisii adan yɛɛ bobe nturo.
Ndakaita mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba ndikazvirimira minda yemizambiringa.
5 Meyɛɛ nturo ne ahomegyebea na miduaduaa nnuaba ahorow bebree wɔ mu.
Ndakazvigadzirira mapindu, neminda yemiti uye ndikasimamo miti yemichero yendudzi dzose.
6 Misisii nsukorae a mɛtwe nsu afi mu, de agugu nnua a ɛrenyin no so.
Ndakavaka madhamu kuti ndidiridzire sango remiti yaikura.
7 Metɔɔ nkoa ne mfenaa, na minyaa ebinom nso a wɔwoo wɔn wɔ me fi. Afei nso, minyaa anantwi ne nguan bebree sen obiara a wadi mʼanim wɔ Yerusalem.
Ndakatenga varandarume navarandakadzi, uye ndaiva navamwe varanda vakaberekerwa mumba mangu. Ndaivawo nepfuma zhinji yemombe namakwai, kupfuura ani zvake akanditangira kuvapo paJerusarema.
8 Mepɛɛ dwetɛ ne sikakɔkɔɔ, gyigyee ahemfo ne amantam no ademude kaa ho. Mefaa mmarima ne mmea nnwontofo, pɛɛ mmea atenae nso; nea ɛyɛ ɔbarima koma anigyede biara.
Ndakazviunganidzira sirivha negoridhe, uye nepfuma yamadzimambo uye neyamatunhu. Ndakatsvaka vaimbi, varume navakadzi, uye nezviridzwa, nezvinofadza vanakomana vavanhu, navarongowo vazhinji.
9 Migyee din sen obiara a wadi mʼanim wɔ Yerusalem. Eyinom nyinaa mu no me nimdeɛ kɔɔ so yɛɛ adwuma.
Saka ndakava mukuru kwazvo kupfuura ani zvake akanditangira paJerusarema. Mune izvi zvose uchenjeri hwangu hwakaramba huneni.
10 Nea mʼani hwehwɛe biara mamfa ankame no; mansiw me koma anigye ho kwan. Me koma ani gyee me nnwuma nyinaa ho, na eyi yɛ mʼadwumayɛ so akatua.
Handina kuzvirambidza zvinhu zvaidiwa nameso angu, handina kurambidza mwoyo wangu mufaro. Mwoyo wangu wakafadzwa nebasa rangu rose, uye uyu ndiwo wakava mubayiro wokushanda kwangu kwose.
11 Nanso sɛ mehwɛ nea me nsa ayɛ nyinaa ne nea mabrɛ anya a, ne nyinaa nka hwee, ɛte sɛnea wotu mmirika taa mframa mannya mfaso biara wɔ owia yi ase.
Asi pandakaongorora mabasa ose akanga aitwa namaoko angu uye zvandakatambudzikira kuti ndiwane, zvose zvakanga zvisina maturo, kwaingova kudzingana nemhepo; hapana chaibatsira pasi pezuva.
12 Mede mʼadwene kɔɔ nimdeɛ, adammɔsɛm ne nkwaseasɛm so. Dɛn bio na nea wadi ɔhene ade betumi ayɛ asen nea wɔayɛ dedaw no?
Naizvozvo ndakapindura pfungwa dzangu kuti ndicherechedze uchenjeri, urema uye noupenzi. Chii chimwe chingaitwa nomunhu anotevera mumwe paumambo kunze kwezvakatoitwa kare?
13 Mihuu sɛ nimdeɛ ye sen nkwaseasɛm, sɛnea hann yɛ sen sum no.
Ndakaona kuti uchenjeri huri nani pano upenzi, sezvo chiedza chiri nani pane rima.
14 Onyansafo ani wɔ ne tirim, na ɔkwasea de, ɔnantew sum mu; nanso mihuu sɛ wɔn nyinaa nkrabea yɛ pɛ.
Meso omunhu akachenjera ari mumusoro make, nokuno rumwe rutivi benzi richifamba murima; asi ndakasvika pakuziva kuti vose vanowirwa nedambudziko rimwe chete.
15 Afei misusuw wɔ me koma mu se, “Ɔkwasea nkrabea bɛto me nso. Enti sɛ mihu nyansa a mfaso bɛn na minya?” Mekaa wɔ me koma mu se, “Eyi nso nka hwee.”
Ipapo ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Magumo ebenzi achandiwanawo neni. Chii zvino chandinowana pakuva munhu akachenjera?” Ndakati mumwoyo mangu, “Izviwo hazvina maturo.”
16 Te sɛ ɔkwasea no, onyansafo nso, wɔrenkae no daa; nna a ɛreba no mu, wɔrenkae wɔn baanu no. Te sɛ ɔkwasea no, onyansafo nso bewu!
Nokuti munhu akachenjera akafanana nebenzi pakusarangarirwa; mumazuva anouya vose vachazokanganwikwa. Kufanana nebenzi, akachenjera anofanira kufawo!
17 Ɛno nti asetena fonoo me, na adwuma a yɛyɛ wɔ owia yi ase no haw me. Ne nyinaa yɛ ahuhude, te sɛnea wotu mmirika taa mframa.
Saka ndakavenga upenyu, nokuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandirwadza kwazvo. Zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo.
18 Mikyii nea mayɛ adwuma apɛ nyinaa wɔ owia yi ase, efisɛ ɛsɛ sɛ migyaw hɔ ma nea obedi mʼade.
Ndakavenga zvinhu zvose zvandakashingairira pasi pezuva, nokuti ndinofanira kuzvisiyira anonditevera.
19 Na hena na onim sɛ onipa ko no bɛyɛ onyansafo anaa ɔkwasea? Nanso nea mabiri me mogya ani apɛ wɔ owia yi ase nyinaa bɛkɔ ne nsam. Eyi nso yɛ ahuhude.
Uye ndiani angaziva kana achizova akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pebasa rose randakatamburira nesimba nounyanzvi hwangu pasi pezuva. Izviwo hazvina maturo.
20 Enti mepaa abaw wɔ owia yi ase adwumaden ho.
Saka mwoyo wangu wakatanga kushungurudzika pamusoro pokutambudzika nokushanda kwangu pasi pezuva.
21 Na onipa befi ne nimdeɛ, nyansa ne adwumayɛ ho nimdeɛ mu ayɛ nʼasɛde, na afei ɛsɛ sɛ ogyaw nʼadwumayɛ so aba ma obi a ɔnyɛɛ adwuma biara. Eyi nso yɛ ahuhude, na ɛhaw adwene.
Nokuti munhu angaite basa rake nouchenjeri, noruzivo uye nounyanzvi, zvino ipapo ozofanira kusiya zvose zvaanazvo kuno mumwe asina kuzvishandira. Naizvozviwo hazvina maturo uye chinhu chakaipa kwazvo.
22 Dɛn na onipa nya fi ne brɛ ne dadwen a ɔde yɛ adwuma wɔ owia yi ase mu?
Munhu anowanei pakushanda kwose nokushingaira kwomwoyo nokuda kwokushanda kwake pasi pezuva?
23 Ne nkwanna nyinaa, nʼadwumayɛ yɛ ɔyaw ne ɔhaw; anadwo mpo nʼadwene yɛ adwuma. Eyi nso yɛ ahuhude.
Mazuva ake ose basa rake kurwadziwa nokusuwa; kunyange nousiku pfungwa dzake hadzizorori. Naizvozviwo hazvina maturo.
24 Biribiara nsen sɛ onipa bedidi na wanom na wanya ahotɔ wɔ adwumayɛ mu. Eyi nso mihuu sɛ efi Onyankopɔn,
Munhu haana chaangaita chinopfuura kudya nokunwa kuti awane kugutswa pakushanda kwake. Naizvozviwo, ndinoona kuti zvinobva muruoko rwaMwari,
25 efisɛ ɛnyɛ ɔno a anka hena na obetumi adidi anaasɛ obenya ahotɔ?
nokuti kana pasina iye, ndiani angadya kana kuwana mufaro?
26 Onipa a ɔsɔ Onyankopɔn ani no, ɔma no nimdeɛ, nyansa ne anigye, nanso omumɔyɛfo de, ɔma ɔboaboa ahonyade ano ma nea ɔsɔ Onyankopɔn ani. Eyi nso yɛ ahuhude, sɛnea wɔde mmirikatu taa mframa no.
Kuno munhu anomufadza, Mwari anopa uchenjeri, nezivo nomufaro asi kuno mutadzi, anopa basa rokuunganidza nokuchengetera upfumi kuti agozvipa uyo anofadza Mwari. Naizvozviwo hazvina maturo, kudzingana nemhepo.

< Ɔsɛnkafo 2 >