< 2 Samuel 22 >
1 Bere a Awurade gyee Dawid fii nʼatamfo nyinaa ne Saulo nsam akyi no, ɔtoo saa dwom yi de yii Awurade ayɛ.
Dhavhidhi akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva muruoko rwavavengi vake vose nomuruoko rwaSauro.
2 Nsɛm a ɛwɔ dwom no mu ni: “Awurade yɛ me botan, mʼaban ne mʼagyenkwa;
Akati: “Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu uye mununuri wangu;
3 me Nyankopɔn yɛ me botan; ne mu na minya guankɔbea. Ɔyɛ me kyɛm, me nkwagye mu ahoɔden, mʼabandennen, mʼagyenkwa, nea ogye me fi basabasayɛ mu.
Mwari wangu ndiye dombo rangu, ndinovanda maari, nhoo yangu, norunyanga rworuponeso rwangu. Ndiye nhare yangu, utiziro hwangu nomuponesi wangu, munondiponesa pavanhu vanoita nechisimba.
4 “Misu frɛ Awurade; ɔno na ayeyi sɛ no, efisɛ ogye me fi mʼatamfo nsam.
Ndinodana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.
5 Owu asorɔkye twaa me ho hyiae; ɔsɛe yiri faa me so.
“Mafungu orufu akandikomba; mvura zhinji yokuparadza yakandifukidza.
6 Ɔda mu hama kyekyeree me; mihyiaa owu mfiri. (Sheol )
Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakandivinga. (Sheol )
7 “Na mʼamanehunu mu no, misu frɛɛ Awurade. Yiw, mefrɛɛ me Nyankopɔn pɛɛ mmoa. Ɔtee me nne fii ne kronkronbea. Me sufrɛ duu nʼasom.
Mukutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadanidzira kuna Mwari wangu. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika munzeve dzake.
8 Na asase wosowee na ehinhimii; ɔsoro fapem wosowee; wɔwosowee, nʼabufuw nti.
“Nyika yakadedera uye ikazungunuka, nheyo dzokudenga dzakadengenyeka; dzakadedera nokuti akanga atsamwa.
9 Wusiw fii ne hwene mu; ogyaframa fii nʼanom; na nnyansramma dɛw fii mu.
Utsi hwakakwira kubva mumhino dzake; moto unoparadza wakabuda mumuromo make, mazimbe anopisa akapfutamo.
10 Ofii ɔsoro baa fam; na omununkum kabii duruu nʼanan ase.
Akakamura matenga akaburuka pasi; makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.
11 Ɔte kerubim so tui; gyaagyaa ne ho wɔ mframa ntaban so.
Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka mudenga denga pamapapiro emhepo.
12 Ɔde sum kataa ne ho hyiae, ɔde osu mununkum dii nʼanim kan.
Akaita kuti rima rimupoteredze setende, iwo makore matema emvura yokudenga.
13 Hann kɛse hyerɛn wɔ nʼanim, na anyinam pa fii mu.
Kubva pakupenya kwokuvapo kwake mabhananʼana emheni akapenya.
14 Awurade bobɔɔ mu fi ɔsoro; Ɔsorosoroni no teɛɛ mu dennen.
Jehovha akatinhira ari kudenga; inzwi reWokumusoro-soro rakanzwikazve.
15 Ɔtow nʼagyan maa nʼatamfo hwetee; anyinam twa ma wɔyɛɛ basaa.
Akapfura miseve akaparadzira vavengi, mabhananʼana emheni akavaparadza.
16 Awurade kasae, na wiase nnyinaso no nyinaa daa hɔ. Wotumi huu ɛpo ase, na asase fapem ho daa hɔ.
Mipata yegungwa yakaiswa pachena uye nheyo dzenyika dzakabudiswa pachena nokutuka kwaJehovha, nokufema kwomweya wemhino dzake.
17 “Ofi ɔsoro baa fam besoo me mu; ɔtwee me fii asu a emu dɔ mu.
“Akatambanudza ruoko ari kudenga akandibata; akandibudisa kubva pamvura yakadzika.
18 Ogyee me fii mʼatamfo a wɔyɛ den nsam, atamfo a wokyi me na wɔn ho yɛ den pa ara sen me.
Akandinunura kubva pamuvengi wangu ane simba, kubva kuvavengi, vakanga vachindikurira pasimba.
19 Wɔbaa me so wɔ mʼamanehunu da, nanso Awurade pagyaw me.
Vakandivinga muzuva renjodzi yangu, asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.
20 Ɔde me baa baabi a bammɔ wɔ; ogyee me, efisɛ nʼani kum me ho.
Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana; akandinunura nokuti akanga achindifarira.
21 “Awurade atua me papayɛ so ka; me bem a midi no, wahyɛ me anan mu.
“Jehovha akandiitira zviri maererano nokururama kwangu; maererano nokuchena kwamaoko angu, akandipa mubayiro.
22 Efisɛ manantew Awurade akwan so; mentwee me ho mfii me Nyankopɔn ho nkɔyɛɛ bɔne.
Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha; handina kuita chakaipa ndichitsauka kubva kuna Mwari wangu.
23 Ne mmara nyinaa gu mʼanim; mentwee me ho mfii ne nhyehyɛe ho.
Mirayiro yake yose iri pamberi pangu; handina kutsauka kubva pamitemo yake.
24 Me ho nni asɛm wɔ Onyankopɔn anim; matwe me ho afi bɔne ho.
Ndakanga ndisina chandinopomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndirege kutadza.
25 Awurade tuaa me papayɛ so ka, efisɛ minni fɔ wɔ nʼanim.
Jehovha akandipa mubayiro maererano nokururama kwangu, maererano nokuchema kwangu pamberi pake.
26 “Woda wo ho adi sɛ ɔnokwafo kyerɛ wɔn a wodi nokware, wɔn a wodi mu nso wo kyerɛ wɔn sɛ wodi mu.
“Kune vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu, kune vasina chavanopomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,
27 Wuyi wo kronkronyɛ kyerɛ ɔkronkronni, nanso amumɔyɛfo de wukyi wɔn.
kune vakachena munozviratidza makachena, asi kune vasakarurama munozviratidza nehasha.
28 Wugye ahobrɛasefo, nanso wʼani kɔ ahantanfo so sɛ wobɛbrɛ wɔn ase.
Munoponesa vanozvininipisa, asi meso enyu ari pamusoro pavanozvikudza kuti muvaderedze.
29 Wo Awurade, woyɛ me kanea. Yiw, Awurade woma me sum dan hann.
Imi muri mwenje wangu, Jehovha; Jehovha anoshandura rima rangu kuti rive chiedza.
30 Wʼahoɔden mu, metumi aka asraafokuw agu; me Nyankopɔn nti, mitumi foro ɔfasu.
Norubatsiro rwenyu ndinogona kuenda kundorwa neboka ravarwi; naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.
31 “Onyankopɔn de, nʼakwan yɛ pɛ; Awurade bɔhyɛ nyinaa ba mu. Ɔyɛ nkatabo ma wɔn a wɔhwehwɛ bammɔ wɔ ne mu.
“Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo; shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari.
32 Hena ne Onyankopɔn, gye sɛ Awurade? Hena ne ɔbotantim no, gye sɛ yɛn Nyankopɔn?
Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?
33 Onyankopɔn ne mʼaban a ɛyɛ den; wagye me, na wama me kwan so ayɛ pɛ.
NdiMwari anondishongedza nesimba uye anoruramisa nzira yangu.
34 Ɔma mʼanammɔn ho yɛ hare sɛ ɔforote de; Ɔma me gyina sorɔnsorɔmmea.
Anoita tsoka dzangu kuti dzive setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.
35 Osiesie me ma ɔko; na me basa tumi kuntun kɔbere mfrafrae tadua.
Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira.
36 Woama me wo nkwagye kyɛm. Wo mmoa ama mayɛ ɔkɛse.
Munondipa nhoo yenyu yokukunda, munokotamira pasi kuti mundikurise.
37 Woabɔ kwan tɛtrɛɛ ama mʼanan sɛnea me nkotodwe rengurow.
Munotambanudza nzira pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutsauka.
38 “Metaa mʼatamfo sɛee wɔn; mannyina kosii sɛ wodii nkogu.
“Ndakatevera vavengi vangu ndikavaparadza; handina kudzoka kusvikira vaparadzwa.
39 Meyam wɔn, mebɔɔ wɔn hwee fam, na wɔantumi ansɔre; wɔhwehwee ase wɔ mʼanan ase.
Ndakavaparadza zvachose, uye havana kugona kumuka; vakawira pasi petsoka dzangu.
40 Wohyɛɛ me ahoɔden maa ɔko; woaka mʼatamfo ahyɛ mʼanan ase.
Makandishongedza nesimba rokurwa; makaita kuti vadzivisi vangu vakotame patsoka dzangu.
41 Womaa wɔdan wɔn ani guanee, na mesɛe wɔn a wɔtan me nyinaa.
Makaita kuti vavengi vangu vatize pakurwa, uye ndakaparadza vavengi vangu.
42 Wosu pɛɛ mmoa, nanso obiara ammegye wɔn. Wosu frɛɛ Awurade, nanso wannye wɔn so.
Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna munhu akavaponesa, kunyange kuna Jehovha, asi haana kupindura.
43 Meyam wɔn ma wɔyɛɛ sɛ asase so mfutuma; mepraa wɔn guu suka mu sɛ wura.
Ndakavapwanya vakatsetseka seguruva renyika; ndakavatswa uye ndikavatsika sedope riri munzira dzomumusha.
44 “Womaa me nkonimdi wɔ wɔn a wɔbɔ me kwaadu so. Woahwɛ sɛ mɛyɛ amanaman sodifo; na nnipa a minnim wɔn som me.
“Makandinunura kubva pakurwisa kwavanhu vangu; makandichengetedza somutungamiri wendudzi. Vanhu vandakanga ndisingazivi vava pasi pangu.
45 Ananafo brɛ wɔn ho ase ma me; wɔte me nka pɛ ara a, wɔde wɔn ho ma me.
Uye vatorwa vanouya kwandiri vachidedera, pavanongondinzwa vanonditeerera.
46 Wɔn nyinaa bɔ huboa, na wɔde ahopopo fi wɔn nsraban mu ba.
Vose vanoora mwoyo; vanouya vachidedera kubva panhare dzavo.
47 “Awurade te ase! Ayeyi nka me botan, ma wɔmma Onyankopɔn, me nkwagye botan so.
“Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe! Ngaakudzwe Mwari, iye Dombo, Muponesi wangu!
48 Ɔno ne Onyankopɔn a ɔtɔ wɔn a wɔhaw me so were; ɔka amanaman no hyɛ mʼase
Ndiye Mwari anonditsivira, anoisa ndudzi pasi pangu,
49 na ogye me fi mʼatamfo nsam. Wode me si baabi a mʼatamfo nnu, wugye me fi atutuwpɛfo a wotia me nsam.
anondisunungura kubva kuvavengi vangu. Imi makandikudza pamusoro pavavengi vangu; kubva kuvanhu vanoita nechisimba, makandinunura.
50 Awurade eyi nti, mɛkamfo wo wɔ amanaman mu, Ao Awurade. Mɛto ayeyi dwom ama wo din.
Naizvozvo ndichakurumbidzai, imi Jehovha, pakati pendudzi; ndicharumbidza zita renyu nenziyo.
51 “Wode nkonimdi akɛse ama wo hene; woda ɔdɔ a ɛnsa da adi kyerɛ nea woasra no ngo, wode kyerɛ Dawid, ne nʼasefo afebɔɔ.”
“Iye anopa mambo wake kukunda kukuru; anoratidza unyoro hwake kumuzodziwa wake, kuna Dhavhidhi nezvizvarwa zvake nokusingaperi.”