< 2 Samuel 1 >

1 Saulo wu akyi no, Dawid san fii nkonim a odii Amalekfo so no mu bɛtenaa Siklag nnaanu.
Mushure mokufa kwaSauro, Dhavhidhi akadzoka kubva kuhondo yaakakunda vaAmareki uye akagara paZikiragi kwamazuva maviri.
2 Ne nnansa so no, ɔbarima bi fi Saulo nsraban mu a watetew ne ntade mu, atu mfutuma agu ne ti mu, de rekyerɛ sɛ ɔretwa adwo bae. Oduu Dawid nkyɛn no, ɔdan ne ho hwee fam nidi mu.
Pazuva rechitatu mumwe murume akasvika achibva kumusasa waSauro, zvipfeko zvake zvakabvaruka uye musoro wake uzere guruva. Paakasvika paiva naDhavhidhi, akazviwisira pasi achiratidza rukudzo.
3 Dawid bisaa no se, “Ɛhe na wufi?” Obuae se, “Maguan afi Israel nsraban mu.”
Dhavhidhi akabvunza akati, “Wabvepiko?” Iye akapindura akati, “Ndapunyuka kumisasa yavaIsraeri.”
4 Dawid bisaa no se, “Na ɛyɛɛ dɛn? Ɔko no kosii dɛn?” Ɔkae se, “Mmarima no guan fii akono. Bebree totɔe. Na Saulo ne ne babarima Yonatan nso atotɔ.”
Dhavhidhi akabvunza akati, “Chii chaitika ikoko? Ndiudze.” Iye akati, “Vanhu vatiza kubva pavanga vachirwira. Vazhinji vavo vafa. Sauro nomwanakomana wake Jonatani vafa.”
5 Enti Dawid bisaa aberante a ɔbɛbɔɔ no saa amanneɛ no se, “Ɛyɛɛ dɛn na wuhuu sɛ Saulo ne ne babarima Yonatan awuwu?”
Ipapo Dhavhidhi akabvunza jaya rakanga rauya neshoko iri akati, “Unoziva sei kuti Sauro nemwanakomana wake Jonatani vafa?”
6 Aberante no buae se, “Mikofii Gilboa bepɔw so, na mekɔtoo sɛ Saulo sɛn ne peaw so a atamfo no nteaseɛnam ne nʼapɔnkɔsotefo mmɛn no ara.
Jaya riya rakati, “Ini ndakanga ndiri pamusoro peGomo reGiribhoa, uye ndikaona Sauro akasendamira papfumo rake, ipapo ngoro dzavarwi navatasvi zvichivirima zvotosvika paari.
7 Ɔdan ne ho a ohuu me no, ɔteɛɛ mu frɛɛ me se memmra. Mibisaa no se, ‘Menyɛ dɛn?’
Zvino iye akati acheuka akandiona, akandidana, ini ndikati, ‘Ndiri pano?’
8 “Obisaa me se, ‘Wo ne hena?’ “Mibuaa no se, ‘Meyɛ Amalekni.’
“Akandibvunza akati, ‘Ndiwe aniko?’ “Ndakamupindura ndikati, ‘Ndiri muAmareki.’
9 “Na ɔsrɛɛ me se, ‘Begyina me so na kum me, na me ho yeraw me yiye, na mepɛ sɛ me wu.’
“Ipapo iye akati kwandiri, ‘Uya umire pandiri undiuraye! Ndiri mukurwadziwa kukuru asi ndichiri mupenyu.’
10 “Enti migyinaa ne so kum no, efisɛ na minim sɛ tebea a ɔwɔ mu no, ɔrennya nkwa. Na mituu nʼahenkyɛw a ɛhyɛ no no ne nʼabasa so atweaban no sɛ mede rebrɛ wo, me wura.”
“Naizvozvo ndakamira paari ndikamuuraya, nokuti ndaiziva kuti mushure mokunge awira pasi haaizorarama. Uye ndakatora korona yakanga iri mumusoro make norundarira rwaiva muruoko rwake, uye ndauya nazvo kuno kuna ishe wangu.”
11 Dawid ne ne mmarima no tee asɛm no, wɔde awerɛhow sunsuan wɔn ntade mu.
Ipapo Dhavhidhi navarume vose vaakanga anavo vakabata nguo dzavo vakadzibvarura.
12 Wotwaa ho agyaadwo, sui, bua daa da mu no nyinaa wɔ Saulo ne ne babarima Yonatan wu ne Awurade asraafo ne Israelman sɛ wɔn mu pii wuwuu saa da no.
Vakachema nokuungudza vakazvinyima zvokudya kusvikira manheru nokuda kwaSauro nomwanakomana wake Jonatani, uye nokuda kwehondo yaJehovha neimba yaIsraeri, nokuti vakanga vaurayiwa nomunondo.
13 Na Dawid bisaa aberante a ɔbɛbɔɔ wɔn saa amanneɛ no se, “Wufi he?” Na obuae se, “Meyɛ ɔhɔho Amalekni a mete mo asase so.”
Dhavhidhi akati kujaya rakanga rauya neshoko kwaari, “Iwe unobvepiko?” Akapindura akati, “Ndiri mwanakomana womutorwa, muAmareki.”
14 Dawid bisaa no se, “Na wunsuro sɛ wukum obi a Awurade asra no no?”
Dhavhidhi akamubvunza akati, “Sei iwe usina kutya kusimudza ruoko rwako uchiparadza muzodziwa waJehovha?”
15 Dawid ka kyerɛɛ ne mmarima no mu baako se, “Kum no!” Enti ɔbarima no twee nʼafoa de wɔɔ Amalekni no, kum no.
Ipapo Dhavhidhi akadana mumwe wavarume vaaiva navo akati, “Enda, umuuraye!” Naizvozvo akamubaya, akafa.
16 Na Dawid kae se, “Wʼano ayi mmusu ama wo ama woawu, efisɛ wo ara na wokae se woakum obi a Awurade asra no no.”
Nokuti Dhavhidhi akanga ati kwaari, “Ropa rako ngarive pamusoro pako. Muromo wako ndiwo wazvipupurira pawati, ‘Ndauraya muzodziwa waJehovha.’”
17 Na Dawid too kwadwom maa Saulo ne Yonatan.
Dhavhidhi akaimba rwiyo urwu rwokuchema Sauro nomwanakomana wake Jonatani,
18 Na ɔhyɛɛ sɛ wɔnkyerɛ nnipa a wɔwɔ Yuda nyinaa to. Wɔtoo no din sɛ agyan dwom a wɔakyerɛw wɔ Yasar Nhoma mu.
uye akarayira kuti vanhu veJudha vadzidziswe rwiyo urwu rwokuchema rwouta (rwakanyorwa mubhuku raJashari):
19 “Wʼanuonyam ne wʼahosɛpɛw, Israel, awu da mmepɔw so! Akofo akɛse atotɔ!
“Haiwa Israeri, kubwinya kwako kwaparadzwa pamitunhu yako yakakwirira. Haiwa, vane simba wawira pasi sei!
20 “Monnka asɛm yi wɔ Gat, na Filistifo abɔ ose! Monnka wɔ Askelon mmɔnten so, na abosonsomfo anserew ahosɛpɛw mu.
“Musazvireva muGati, musazviparidza mumigwagwa yeAshikeroni, kuti vanasikana vavaFiristia vasazofara, kuti vanasikana vevasina kudzingiswa varege kupembera.
21 “Gilboa mmepɔw, mma obosu anaa osu ntɔ ngu wo so anaa wo nsian so. Efisɛ ɛhɔ na woguu ɔkofo kɛse no akokyɛm ho fi; wɔremfa ngo nsra Saulo nkatabo ho bio.
“Haiwa imi makomo eGiribhoa, ngakurege kuva nedova kana mvura pamusoro penyu, kana minda inobereka zviyo zvakawanda. Nokuti ipapo ndipo pakasvibiswa nhoo yemhare, iyo nhoo yaSauro, isisina kuzorwa mafuta.
22 “Saulo ne Yonatan kunkum wɔn atamfo ahoɔdenfo! Wɔamfi akono amma no nsapan.
Kubva muropa ravakaurayiwa, kubva munyama yemhare, uta hwaJonatani hahuna kudzoka, munondo waSauro hauna kudzoka usina kugutswa.
23 Ɔdɔ ne ahoɔfɛ bɛn na na Saulo ne Yonatan nni, wɔn mu antetew da, nkwa ne owu mu. Na wɔn ho yɛ hare kyɛn akɔre; na wɔn ho yɛ den kyɛn gyata.
“Sauro naJonatani, muupenyu vaidikanwa uye vakanaka, nomurufu havana kuparadzaniswa. Vaimhanya kupfuura makondo, vaiva vakasimba kupfuura shumba.
24 “Israel mmabea, munsu Saulo, efisɛ ofuraa mo ntama pa, hyehyɛɛ mo sikakɔkɔɔ agude.
“Haiwa vanasikana veIsraeri, chemai nokuda kwaSauro, iye aikupfekedzai zvishongo zvitsvuku uye zvakaisvonaka, aishongedza nguo dzenyu nezvishongo zvegoridhe.
25 “Akofo akɛse atotɔ akono. Yonatan awu da mmepɔw no so.
“Haiwa vane simba vawira pasi sei muhondo! Jonatani avete, aurayiwa pamitunhu yenyu yakakwirira.
26 Misu wo, me nua Yonatan! Na wosom me bo yiye. Na wo dɔ a wowɔ ma me no yɛ nwonwa; emu dɔ sen ɔbea dɔ!
Ndiri kutambudzika kwazvo pamusoro pako, Jonatani mununʼuna wangu; wakanga uchikosha kwazvo kwandiri. Rudo rwako kwandiri rwaishamisa, rwaishamisa kudarika rwavakadzi.
27 “Hwɛ sɛnea akofo akɛse atotɔ! Ɔko mu akode ayerayera!”
“Haiwa vane simba vakawira pasi sei! Zvombo zvehondo zvaparadzwa!”

< 2 Samuel 1 >