< Ezgiler Ezgisi 5 >

1 Bahçeme girdim, kızkardeşim, yavuklum, Mürümü topladım baharatımla, Gümecimi, balımı yedim, Şarabımı, sütümü içtim. Yiyin, için, ey dostlar! Mest olun aşktan, ey sevgililer!
Ndauya zvangu mubindu rangu, hanzvadzi yangu, iwe mwenga wangu; ndaunganidza mura yangu pamwe chete nezvinonhuhwira zvangu. Ndadya zinga rangu rouchi nouchi hwangu; ndanwa waini yangu nomukaka wangu. Shamwari Idyai, imi shamwari, uye munwe; inwai mugute, imi vanodanana.
2 Ben uyuyordum ama yüreğim uyanıktı. Dinleyin! Sevgilim kapıyı vuruyor. “Aç bana, kızkardeşim, aşkım, eşsiz güvercinim! Sırılsıklam oldu başım çiyden, Kaküllerim gecenin neminden.”
Ndakavata asi mwoyo wangu wakanga wakasvinura. Inzwai! Mudiwa wangu ari kugogodza, achiti, “Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu, njiva yangu, wangu asina chinongo. Musoro wangu wanyorova nedova, bvudzi rangu ranyoroveswa nounyoro hweusiku.”
3 Entarimi çıkardım, Yine giyinmeli miyim? Ayaklarımı yıkadım, Yine kirletmeli miyim?
Ndabvisa nguo yangu, ndoipfekazve here? Ndashambidza tsoka dzangu, ndodzisvibisazve here?
4 Kapı deliğinden uzattı elini sevgilim, Aşk duygularım kabardı onun için.
Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake nepahwangwadza yomukova; mwoyo wangu wakatanga kumudokwairira.
5 Kalktım, sevgilime kapıyı açayım diye, Mür elimden damladı, Parmaklarımdan aktı Sürgü tokmakları üzerine.
Ndakasimuka kuti ndizarurire mudiwa wangu, maoko angu akadonha mura, mimwe yangu ichiyerera mura, pazvibato zvechizarira.
6 Kapıyı açtım sevgilime, Ama sevgilim yoktu, gitmişti! Kendimden geçmişim o konuşurken. Aradım onu, ama bulamadım, Seslendim, ama yanıt vermedi.
Ndakazarurira mudiwa wangu, asi mudiwa wangu akanga abva; akanga atoenda. Mwoyo wangu wakarwadziwa nokuenda kwake. Ndakamutsvaka asi handina kumuwana. Ndakamudana asi haana kupindura.
7 Kenti dolaşan bekçiler buldu beni, Dövüp yaraladılar. Sur bekçileri alıp götürdü şalımı.
Varindi vakandiona pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta. Vakandirova, vakandikuvadza; vakanditorera jasi rangu, ivavo varindi vamasvingo!
8 Size ant içiriyorum, ey Yeruşalim kızları! Eğer sevgilimi bulursanız, Söyleyin ona, aşk hastasıyım ben.
Imi vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai, kana mukaona mudiwa wangu, muchamuudzeiko? Mumuudze kuti ndinorwara nerudo.
9 Farkı ne sevgilinin öbürlerinden, Ey güzeller güzeli? Farkı ne ki, bize böyle ant içiriyorsun?
Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii, iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi? Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii, zvaunotirayira kudaro?
10 Sevgilimin teni pembe-beyaz, ışıl ışıl yanıyor! Göze çarpıyor on binler arasında.
Mudiwa wangu akanaka uye mutsvuku, anokunda vanokwana zviuru gumi.
11 Başı saf altın, Kakülleri kıvır kıvır, kuzgun gibi siyah.
Musoro wake igoridhe chairo; bvudzi rake rinoyevedza uye rakasviba segunguo.
12 Akarsu kıyısındaki Güvercinler gibi gözleri; Sütle yıkanmış, Yuvasındaki mücevher sanki.
Meso ake akafanana nenjiva dziri pahova dzemvura, dzakashambidzwa mumukaka, akarongwa sezvishongo.
13 Yanakları güzel kokulu tarhlar gibi, Nefis kokular saçıyor. Dudakları zambak gibi, Mür yağı damlatıyor.
Matama ake akaita semihomba yezvinonhuhwira inobereka zvinonhuhwira. Miromo yake yakaita samaruva amahapa anodonha mura.
14 Elleri, üzerine sarı yakut kakılmış altın çubuklar, Gövdesi laciverttaşıyla süslenmiş cilalı fildişi.
Maoko ake itsvimbo dzegoridhe dzakaiswa mabwe anokosha ekrisorite. Muviri wake wakaita senyanga dzenzou dzinobwinya dzakashongedzwa nesafire.
15 Mermer sütun bacakları Saf altın ayaklıklar üzerine kurulmuş. Boyu bosu Lübnan dağları gibi, Lübnan'ın sedir ağaçları gibi eşsiz.
Makumbo ake imbiru dzamabwe machena akamiswa pazvigadziko zvegoridhe rakanatswa. Chimiro chake chakaita seRebhanoni, chakanakisisa semisidhari yayo.
16 Ağzı çok tatlı, Tepeden tırnağa güzel. İşte böyledir sevgilim, böyledir yarim, ey Yeruşalim kızları!
Muromo wake inhapitapi pachayo; zvirokwazvo akaisvonaka. Uyu ndiye mudiwa wangu, ndiye shamwari yangu, imi vanasikana veJerusarema.

< Ezgiler Ezgisi 5 >