< Mezmurlar 26 >
1 Davut'un mezmuru Beni haklı çıkar, ya RAB, Çünkü dürüst bir yaşam sürdüm; Sarsılmadan RAB'be güvendim.
Pisarema raDhavhidhi. Nditongerei, imi Jehovha, nokuti ndakararama upenyu husina chahungapomerwa; ndakavimba naJehovha ndisingazungunuki.
2 Dene beni, ya RAB, sına; Duygularımı, düşüncelerimi yokla.
Ndiedzei, imi Jehovha, ndinzverei, nzverai mwoyo wangu nendangariro dzangu;
3 Çünkü sevgini hep göz önünde tutuyor, Senin gerçeğini yaşıyorum ben.
nokuti rudo rwenyu rwuri pamberi pangu nguva dzose, uye ndinogara ndichifamba muzvokwadi yenyu.
4 Yalancılarla oturmam, İkiyüzlülerin suyuna gitmem.
Handigari navanhu vanonyengera, kana kufambidzana navanyengeri;
5 Kötülük yapanlar topluluğundan nefret ederim, Fesatçıların arasına girmem.
ndinovenga ungano yavaiti vezvakaipa, uye ndinoramba kugara navakaipa.
6 Suçsuzluğumu göstermek için ellerimi yıkar, Sunağının çevresinde dönerim, ya RAB,
Ndinoshamba maoko angu ndisina mhaka, uye ndinofamba-famba paaritari yenyu, imi Jehovha,
7 Yüksek sesle şükranımı duyurmak Ve bütün harikalarını anlatmak için.
ndichiparidza rumbidzo yenyu nenzwi guru, uye ndichireva zvamabasa enyu ose anoshamisa.
8 Severim, ya RAB, yaşadığın evi, Görkeminin bulunduğu yeri.
Ndinoda imba yamunogara, imi Jehovha, nzvimbo inogara kubwinya kwenyu.
9 Günahkârların, Eli kanlı adamların yanısıra canımı alma.
Regai kubatanidza mweya wangu navatadzi, noupenyu hwangu navanoteura ropa,
10 Onların elleri kötülük aletidir, Sağ elleri rüşvet doludur.
vana maoko akabata zvakaipa, vazere nefufuro mumaoko avo orudyi.
11 Ama ben dürüst yaşarım, Kurtar beni, lütfet bana!
Asi ini ndinogara upenyu husina chahungapomerwa; ndidzikinurei uye mundinzwire ngoni.
12 Ayağım emin yerde duruyor. Topluluk içinde sana övgüler sunacağım, ya RAB.
Tsoka dzangu dzimire pakati chechetere; ndicharumbidza Jehovha paungano huru.