< Süleyman'In Özdeyişleri 17 >

1 Huzur içinde kuru bir lokma, Kavga ve ziyafet dolu evden iyidir.
Zviri nani kuva nechimedu chakaoma chechingwa uine rugare norunyararo pane imba izere namabiko, ine kupesana.
2 Sağduyulu köle, Ailesini utanca sokan oğula egemen olur Ve kardeşlerle birlikte mirastan pay alır.
Muranda akachenjera achatonga mwanakomana anonyadzisa, uye achagoverwa nhaka somumwe wehama.
3 Altın ocakta, gümüş potada arıtılır, Yüreği arıtansa RAB'dir.
Hari ndeyokunyautsira sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe, asi Jehovha ndiye anoedza mwoyo.
4 Kötü kişi fesat yüklü dudakları dinler, Yalancı da yıkıcı dile kulak verir.
Munhu akaipa anoteerera miromo yakaipa; murevi wenhema anorerekera nzeve yake kururimi runoparadza.
5 Yoksulla alay eden, onu yaratanı hor görür. Felakete sevinen cezasız kalmaz.
Uyo anoseka varombo anozvidza Musiki wavo, ani naani anofarira njodzi dzavamwe haangaregi kurangwa.
6 Torunlar yaşlıların tacıdır, Çocukların övüncü anne babalarıdır.
Vana vevana ikorona kune vakwegura, uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo.
7 Kurumlu sözler ahmağa nasıl yakışmazsa, Soyluya da yalancı dudaklar hiç yakışmaz.
Kutaura kuna manyawi hakuna kufanira benzi, zvikuru sei kutaura nhema kwomubati!
8 Sahibinin gözünde rüşvet bir tılsımdır. Ne yapsa başarılı olur.
Fufuro inofadza uyo anoipa; kwose kwose kwaanoenda, anobudirira.
9 Sevgi isteyen kişi suçları bağışlar, Olayı diline dolayansa can dostları ayırır.
Uyo anofukidzira kudarika kwomumwe anotsvaka rudo, asi ani naani anomutsazve mhaka anoparadzanisa shamwari dzepedyo.
10 Akıllı kişiyi azarlamak, Akılsıza yüz darbe vurmaktan etkilidir.
Kutsiurwa kunofadza munhu ane njere kupfuura kurohwa kwebenzi kazana.
11 Kötü kişi ancak başkaldırmaya eğilimlidir, Ona gönderilecek ulak acımasız olacaktır.
Munhu akaipa anongotsvaka kumukira chete; nhume isina tsitsi ichatumirwa kundomurwisa.
12 Azgınlığı üstünde bir akılsızla karşılaşmak, Yavrularından edilmiş dişi ayıyla karşılaşmaktan beterdir.
Zviri nani kusangana nechikara chatorerwa vana vacho pane benzi muupenzi hwaro.
13 İyiliğin karşılığını kötülükle ödeyenin Evinden kötülük eksik olmaz.
Kana munhu akaripira zvakanaka nezvakaipa zvakaipa hazvizombobvi paimba yake.
14 Kavganın başlangıcı su sızıntısına benzer, Bir patlamaya yol açmadan çekişmeyi bırak.
Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura yedhamu; saka rega nharo kurwa kusati kwatanga.
15 Kötüyü aklayan da, doğruyu mahkûm eden de RAB'bi tiksindirir.
Kupembedza ane mhosva nokupomera asina mhaka, Jehovha anozvivenga zvose.
16 Akılsız biri bilgelik satın almak için niye para harcasın? Zaten sağduyudan yoksun!
Ine basa reiko mari kana iri muruoko rwebenzi, sezvo risina chishuvo chokuwana uchenjeri?
17 Dost her zaman sever, Kardeş sıkıntılı günde belli olur.
Shamwari inoda panguva dzose, uye hama yakaberekerwa kupikisana.
18 Sağduyudan yoksun kişi el sıkışıp Başkasına kefil olur.
Munhu anoshayiwa njere ndiye anombunda noruoko rwake pamhiko, uye anoitira muvakidzani wake rubatso.
19 Başkaldırıyı seven kavgayı sever, Kapısını yüksek yapan yıkımına davetiye çıkarır.
Uyo anoda zvokukakavara anoda chivi; uyo anovaka suo refu anotsvaka kuparadzwa.
20 Sapık yürekli kişi iyilik beklememeli. Diliyle aldatan da belaya düşer.
Munhu ane mwoyo wakaipa haabudiriri; uyo ane rurimi runonyengera achawira mudambudziko.
21 Akılsız kendisini doğurana derttir, Ahmağın babası sevinç nedir bilmez.
Kuva nomwanakomana benzi kunouyisa kurwadziwa; baba vebenzi havana mufaro.
22 İç ferahlığı sağlık getirir, Ezik ruh ise bedeni yıpratır.
Mwoyo wakafara mushonga wakanaka, asi mweya wakaputsika unoomesa mapfupa.
23 Kötü kişi adaleti saptırmak için Gizlice rüşvet alır.
Munhu akaipa anogamuchira fufuro muchivande, kuti aminamise nzira dzokururamisira.
24 Akıllı kişi gözünü bilgelikten ayırmaz, Akılsızın gözüyse hep sağda soldadır.
Munhu ane njere anoisa uchenjeri pamberi, asi meso ebenzi anosvika kumagumo enyika.
25 Akılsız çocuk babasına üzüntü, Annesine acı verir.
Mwanakomana benzi anorwadzisa baba vake, uye anoitisa shungu uyo akamubereka.
26 Ne suçsuza ceza kesmek iyidir, Ne de görevliyi dürüst davrandığı için dövmek...
Hazvina kunaka kuranga munhu asina mhosva, kana kurova machinda nokuda kwokururama kwavo.
27 Bilgili kişi az konuşur, Akıllı kişi sakin ruhludur.
Munhu ano ruzivo anoshandisa mashoko achizvidzora, uye munhu anonzwisisa akadzikama.
28 Çenesini tutup susan ahmak bile Bilge ve akıllı sayılır.
Kunyange benzi, kana rakanyarara, rinonzi rakachenjera, uye rikabata muromo waro rinonzi rakangwara.

< Süleyman'In Özdeyişleri 17 >