< Yeşaya 50 >

1 RAB şöyle diyor: “Boşadığım annenizin boşanma belgesi nerede? Hangi alacaklıma sattım sizi? Suçlarınız yüzünden satıldınız, Anneniz isyanlarınız yüzünden dışlandı.
Zvanzi naJehovha: “Ko, rugwaro rwokurambwa kwamai venyu rwuripiko rwandakavadzinga narwo? Uye ndevapiko vandakakwereta ndikazokutengesai kwavari? Makatengeswa nokuda kwezvivi zvenyu; mai venyu vakadzingwa nokuda kwokudarika kwenyu.
2 Geldiğimde neden kimse yoktu, Çağırdığımda niçin yanıt veren olmadı? Sizi kurtaramayacak kadar kısa mı elim, Ya da gücüm yok mu sizi özgür kılmaya? Azarlayarak denizi kurutur, Irmakları çöle çeviririm. Su kalmayınca balıklar ölür ve kokar.
Sei ndakashaya munhu, pandakauya? Sei pasina akapindura pandakadana? Ko, ruoko rwangu rwakanga rwakapfupika here kuti ndikudzikinurei? Handina simba rokukununurai here? Nokungorayira chete ndinopwisa gungwa; ndinoshandura nzizi dzikava gwenga; hove dzadzo dzinoora nokushayiwa mvura, uye dzinofa nenyota.
3 Göklere karalar giydirir, Çul ederim onların örtüsünü.”
Ndinoshongedza denga nerima uye ndinoita masaga chifukidzo charo.”
4 Yorgunlara sözle destek olmayı bileyim diye Egemen RAB bana eğitilmişlerin dilini verdi. Eğitilenler gibi dinleyeyim diye kulağımı uyandırır her sabah.
Ishe Jehovha akandipa rurimi rwakadzidziswa, kuziva shoko rinosimbisa vakarukutika. Anondimutsa mangwanani namangwanani, anomutsa nzeve yangu kuti iteerere somunhu anodzidziswa.
5 Egemen RAB kulağımı açtı, Karşı koymadım, geri çekilmedim.
Ishe Jehovha akazarura nzeve dzangu, uye handina kumumukira; handina kudzokera shure.
6 Bana vuranlara sırtımı açtım, Yanaklarımı uzattım sakalımı yolanlara. Aşağılamalardan, tükürükten yüzümü gizlemedim.
Ndakapa musana wangu kuna avo vaindirova, namatama angu kuna avo vakadzura ndebvu dzangu; Handina kuvanza chiso changu pakusekwa nokupfirwa mate.
7 Egemen RAB bana yardım ettiği için Utanç duymam. Kararımdan dönmem, Utandırılmayacağımı bilirim.
Nokuti Ishe Jehovha anondibatsira, handizonyadziswi. Naizvozvo ndakaita kuti chiso changu chive sebwe romusarasara, uye ndinoziva kuti handizonyadziswi.
8 Beni haklı çıkaran yakınımda. Benden davacı olan kim, yüzleşelim, Kimdir hasmım, karşıma çıksın.
Iye anondiruramisira ari pedyo. Ndianiko zvino achandipa mhosva? Ngatitarisanei! Ndianiko mupomeri wangu? Ngaanangane neni!
9 Bana yardım eden Egemen RAB'dir, Kim suçlu çıkaracak beni? Onların hepsi giysi gibi eskiyecek, Tümünü güve yiyip bitirecek.
Ndiye Ishe Jehovha anondibatsira. Ndianiko achandipa mhosva? Vose vachasakara senguo; vachadyiwa nezvipfuno.
10 Aranızda RAB'den korkan, Kulunun sözünü dinleyen kim var? Karanlıkta yürüyen, ışığı olmayan, RAB'bin adına güvensin, Tanrısı'na dayansın.
Ndiani pakati penyu anotya Jehovha, uye anoteerera shoko romuranda wake? Ngaafambe murima, iye asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha uye avimbe naMwari wake.
11 Ama ateş yakan, Alevli oklar kuşanan sizler, hepiniz, Ateşinizin aydınlığında, Tutuşturduğunuz alevli okların arasında yürüyün. Benden alacağınız şudur: Azap içinde yatacaksınız.
Asi zvino, imi mose munotungidza moto muchava nemwenje inopfuta, endai, mufambe muchiedza chomoto wenyu nechemwenje yamakabatidza. Izvi ndizvo zvamuchagamuchira kubva paruoko rwangu: Muchavata pasi mukurwadziwa.

< Yeşaya 50 >