< Yaratiliş 48 >
1 Bir süre sonra, “Baban hasta” diye Yusuf'a haber geldi. Yusuf iki oğlu Manaşşe'yle Efrayim'i yanına alıp yola çıktı.
Shure kwaizvozvo Josefa akaudzwa kuti, “Baba vako vanorwara.” Saka akatora vanakomana vake vaviri Manase naEfuremu pamwe chete naye.
2 Yakup'a, “Oğlun Yusuf geliyor” diye haber verdiler. İsrail kendini toparlayıp yatağında oturdu.
Jakobho akati audzwa kuti, “Mwanakomana wako Josefa auya,” Israeri akazvisimbaradza uye akagara panhoo.
3 Yusuf'a, “Her Şeye Gücü Yeten Tanrı Kenan ülkesinde, Luz'da bana görünerek beni kutsadı” dedi,
Jakobho akati kuna Josefa, “Mwari Wamasimba Ose akazviratidza kwandiri paRuzi munyika yeKenani, uye akandiropafadza ipapo,
4 “Bana, ‘Seni verimli kılacak, çoğaltacağım’ dedi, ‘Soyundan birçok ulus doğuracağım. Senden sonra bu ülkeyi sonsuza dek mülk olarak senin soyuna vereceğim.’
uye akati kwandiri, ‘Ndichakuita kuti ubereke vana uye ndichaita kuti muwande. Ndichakuita vanhu vazhinji, uye ndichakupa nyika ino kuti ive yako nokuzvizvarwa zvako nokusingaperi.’
5 “Ben Mısır'a gelmeden önce burada doğan iki oğlun benim sayılır. Efrayim'le Manaşşe benim için Ruben'le Şimon gibidir.
“Ipapo zvino, vanakomana vako vaviri vawakaberekerwa muIjipiti ndisati ndasvika kwauri kuno vachanzi ndevangu; Efuremu naManase vachava vangu, saRubheni naSimeoni vari vangu.
6 Onlardan sonra doğacak çocuklar senin olsun. Efrayim'le Manaşşe'den onlara miras geçecek.
Vana vose vawakaberekerwa mumashure mavo vachava vako; munyika yavo yenhaka vachazivikanwa pasi pamazita amadzikoma avo.
7 Ben Paddan'dan dönerken Rahel Kenan ülkesinde, Efrat'a varmadan yolda yanımda öldü. Çok üzüldüm, onu orada Efrat'a –Beytlehem'e– giden yolun kenarına gömdüm.”
Pandakanga ndichibva kuPadhani, ndakasuwa nokuti Rakeri akafira munyika yeKenani patakanga tichiri munzira, nhambwe pfupi kubva kuEfurati. Saka ndakamuviga ipapo parutivi rwomugwagwa unoenda kuEfurati” (ndiro Bheterehema).
8 İsrail, Yusuf'un oğullarını görünce, “Bunlar kim?” diye sordu.
Israeri akati aona vanakomana vaJosefa, akabvunza akati, “Ndivanaani ava?”
9 Yusuf, “Oğullarım” diye yanıtladı, “Tanrı onları bana Mısır'da verdi.” İsrail, “Lütfen onları yanıma getir, kutsayayım” dedi.
Josefa akati kuna baba vake, “Ndivo vanakomana vandakapiwa kuno naMwari.” Ipapo Israeri akati, “Uya navo pano ndivaropafadze.”
10 İsrail'in gözleri yaşlılıktan zayıflamıştı, göremiyordu. Yusuf oğullarını onun yanına götürdü. Babası onları öpüp kucakladı.
Zvino meso aIsraeri akanga aneta nokuda kwokukwegura, uye akanga asisagoni kuona zvakanaka. Saka Josefa akauya navanakomana vake pedyo naye, baba vake vakavatsvoda uye vakavambundikira.
11 Sonra Yusuf'a, “Senin yüzünü göreceğimi hiç sanmıyordum” dedi, “Ama işte Tanrı bana soyunu bile gösterdi.”
Israeri akati kuna Josefa, “Handina kumbofunga kuti ndichaona chiso chakozve, uye zvino Mwari anditendera kuti ndione vana vakowo.”
12 Yusuf oğullarını babasının kucağından alıp onun önünde yere kapandı.
Ipapo Josefa akavabvisa pamabvi aIsraeri akakotama pasi nechiso chake.
13 Sonra Efrayim'i sağına alarak İsrail'in sol eline, Manaşşe'yi soluna alarak İsrail'in sağ eline yaklaştırdı.
Uye Josefa akavatora vose vari vaviri, Efuremu kurudyi kwake akatarira kuruoko rworuboshwe rwaIsraeri, uye Manase kuruboshwe, akatarira kuruoko rworudyi rwaIsraeri, uye akavaswededza pedyo navo.
14 İsrail ellerini çapraz olarak uzattı, sağ elini küçük olan Efrayim'in, sol elini Manaşşe'nin başına koydu. Oysa ilkin Manaşşe doğmuştu.
Asi Israeri akatambanudza ruoko rwake rworudyi akaruisa pamusoro waEfuremu, kunyange zvake akanga ari muduku, uye akachinjika maoko ake, akaisa ruoko rwake rworuboshwe pamusoro waManase, kunyange hazvo Manase akanga ari iye dangwe.
15 Sonra Yusuf'u kutsayarak şöyle dedi: “Atalarım İbrahim'in, İshak'ın hizmet ettiği, Bugüne dek yaşamım boyunca bana çobanlık eden Tanrı,
Ipapo akaropafadza Josefa akati, “Mwari uyo madzibaba angu, ivo Abhurahama naIsaka, vakafamba pamberi pake, iye Mwari akanga ari mufudzi wangu upenyu hwangu hwose kusvikira nhasi,
16 Beni bütün kötülüklerden kurtaran melek bu gençleri kutsasın! Adım ve atalarım İbrahim'le İshak'ın adları bu gençlerle yaşasın! Yeryüzünde çoğaldıkça çoğalsınlar.”
Mutumwa akandisunungura kubva pane zvakaipa zvose, ngaaropafadze vakomana ava. Ngavadanwe nezita rangu uye namazita amadzibaba angu Abhurahama naIsaka, uye ngavawande zvikuru pamusoro penyika.”
17 Yusuf, babasının sağ elini Efrayim'in başına koyduğunu görünce, bundan hoşlanmadı. Babasının elini Efrayim'in başından kaldırıp Manaşşe'nin başına koymak istedi.
Josefa paakaona baba vake vachiisa ruoko rwavo rworudyi pamusoro waEfuremu haana kufadzwa nazvo; saka akabata ruoko rwababa vake kuti arubvise pamusoro waEfuremu aruise pamusoro waManase.
18 “Baba, öyle değil” dedi, “İlkin Manaşşe doğdu. Sağ elini onun başına koy.”
Josefa akati kwavari, “Kwete, baba vangu, uyu ndiye dangwe; isai ruoko rwenyu rworudyi pamusoro wake.”
19 Ancak babası bunu istemedi. “Biliyorum oğlum, biliyorum” dedi, “Manaşşe de büyük bir halk olacak. Ama küçük kardeşi daha büyük bir halk olacak, soyundan birçok ulus doğacak.”
Asi baba vakaramba vakati, “Ndinozviziva, mwana wangu, ndinozviziva. Naiyewo achava rudzi, uye naiyewo achava mukuru. Kunyange zvakadaro hazvo muduku achava mukuru kupfuura iye, uye zvizvarwa zvake zvichava boka rendudzi zhinji.”
20 O gün onları kutsayarak şöyle dedi: “İsrailliler, ‘Tanrı seni Efrayim ve Manaşşe gibi yapsın’ Diyerek sizin adınızla kutsayacaklar.” Böylece Yakup Efrayim'i Manaşşe'nin önüne geçirdi.
Akavaropafadza pazuva iro akati, “Muzita rako, Israeri achataura ropafadzo iyi achiti: ‘Mwari ngaakuite saEfuremu naManase.’” Saka akaisa Efuremu pamberi paManase.
21 İsrail Yusuf'a, “Ben ölmek üzereyim” dedi, “Tanrı sizinle olacak. Sizi atalarınızın toprağına geri götürecek.
Ipapo Israeri akati kuna Josefa, “Ndava pedyo nokufa, asi Mwari achava newe uye achakudzoserai kunyika yamadzibaba enyu.
22 Sana kardeşlerinden bir pay fazla veriyorum; onu Amorlular'dan kılıcımla, yayımla aldım.”
Uye kwauri, sezvo uri munhu ari pamusoro pamadzikoma ako, ndinokupa mugove wenyika yandakatorera vaAmori nomunondo wangu uye nouta hwangu.”