< Yaratiliş 12 >

1 RAB Avram'a, “Ülkeni, akrabalarını, baba evini bırak, sana göstereceğim ülkeye git” dedi,
Jehovha akanga ati kuna Abhurama, “Siya nyika yako, vanhu vako neimba yababa vako uye uende kunyika yandichakuratidza.
2 “Seni büyük bir ulus yapacağım, Seni kutsayacak, sana ün kazandıracağım, Bereket kaynağı olacaksın.
“Ndichakuita rudzi rukuru uye ndichakuropafadza; ndichaita kuti zita rako rive guru, uye iwe uchava ropafadzo.
3 Seni kutsayanları kutsayacak, Seni lanetleyeni lanetleyeceğim. Yeryüzündeki bütün halklar Senin aracılığınla kutsanacak.”
Ndicharopafadza vaya vanokuropafadza, uye ani naani anokutuka ndichamutuka; uye marudzi ose ari panyika acharopafadzwa kubudikidza newe.”
4 Avram RAB'bin buyurduğu gibi yola çıktı. Lut da onunla birlikte gitti. Avram Harran'dan ayrıldığı zaman yetmiş beş yaşındaydı.
Saka Abhurama akabva, sezvaakanga audzwa naJehovha; uye Roti akaenda naye. Abhurama akanga ava namakore makumi manomwe namashanu okuberekwa paakasimuka kubva paHarani.
5 Karısı Saray'ı, yeğeni Lut'u, Harran'da kazandıkları malları, edindikleri uşakları yanına alıp Kenan ülkesine doğru yola çıktı. Oraya vardılar.
Akatora mukadzi wake Sarai, mwanakomana womununʼuna wake Roti, pfuma yose yavakanga vava nayo, navanhu vavakanga vawana muHarani, uye vakasimuka vakaenda kunyika yeKenani, uye vakasvika ikoko.
6 Avram ülke boyunca Şekem'deki More meşesine kadar ilerledi. O günlerde orada Kenanlılar yaşıyordu.
Abhurama akafamba nomunyika kusvikira panzvimbo yomuti mukuru weMore paShekemu. Panguva iyoyo vaKenani vakanga vari munyika.
7 RAB Avram'a görünerek, “Bu toprakları senin soyuna vereceğim” dedi. Avram kendisine görünen RAB'be orada bir sunak yaptı.
Jehovha akazviratidza kuna Abhurama akati, “Ndichapa nyika iyi kuvana vako.” Saka akavakira Jehovha aritari ipapo, iye akanga azviratidza kwaari.
8 Oradan Beytel'in doğusundaki dağlık bölgeye doğru gitti. Çadırını batıdaki Beytel'le doğudaki Ay Kenti'nin arasına kurdu. Orada RAB'be bir sunak yapıp RAB'bi adıyla çağırdı.
Kubva ipapo akaenda mberi akananga kuzvikomo zviri kumabvazuva kweBheteri uye akadzika tende rake ikoko, Bheteri riri kumavirira uye Ai riri kumabvazuva. Akavakira Jehovha aritari ipapo uye akadana kuzita raJehovha.
9 Sonra kona göçe Negev'e doğru ilerledi.
Uye Abhurama akasimuka akaenda mberi akananga kuNegevhi.
10 Ülkedeki şiddetli kıtlık yüzünden Avram geçici bir süre için Mısır'a gitti.
Zvino nzara yakanga iripo panyika, uye Abhurama akaburuka akaenda kuIjipiti kuti andogara ikoko kwechinguva nokuti nzara yakanga iri huru kwazvo.
11 Mısır'a yaklaştıklarında karısı Saray'a, “Güzel bir kadın olduğunu biliyorum” dedi,
Paakanga oda kupinda muIjipiti, akati kumukadzi wake, Sarai, “Ndinoziva kuti uri mukadzi akanakisa.
12 “Olur ki Mısırlılar seni görüp, ‘Bu onun karısı’ diyerek beni öldürür, seni sağ bırakırlar.
Pauchaonekwa navaIjipita, vachati, ‘Uyu ndiye mukadzi wake.’ Ipapo vachandiuraya asi iwe vachakurega uri mupenyu.
13 Lütfen, ‘Onun kızkardeşiyim’ de ki, senin hatırın için bana iyi davransınlar, canıma dokunmasınlar.”
Saka uti uri hanzvadzi yangu, kuti ndigobatwa zvakanaka nokuda kwako uye upenyu hwangu hucharwirwa nokuda kwako.”
14 Avram Mısır'a girince, Mısırlılar karısının çok güzel olduğunu farkettiler.
Abhurama akati asvika kuIjipiti, vaIjipita vakaona kuti akanga ane mukadzi akanaka kwazvo.
15 Kadını gören firavunun adamları, güzelliğini firavuna övdüler. Kadın saraya alındı.
Uye machinda aFaro vakati vamuona, vakandomurumbidza kuna Faro, uye vakabva vamutora vakamupinza mumuzinda wake.
16 Onun hatırı için firavun Avram'a iyi davrandı. Avram davar, sığır, erkek ve dişi eşek, erkek ve kadın köle, deve sahibi oldu.
Akabata Abhurama zvakanaka nokuda kwake, uye Abhurama akava namakwai nemombe, makono embongoro namakadzi, varandarume navarandakadzi uye nengamera.
17 RAB Avram'ın karısı Saray yüzünden firavunla ev halkının başına korkunç felaketler getirdi.
Asi Jehovha akatambudza Faro neveimba yake nehosha yakaipisisa nokuda kwaSarai mukadzi waAbhurama.
18 Firavun Avram'ı çağırtarak, “Nedir bana bu yaptığın?” dedi, “Neden Saray'ın karın olduğunu söylemedin?
Saka Faro akadana Abhurama akati, “Waiteiko kwandiri? Wakaregereiko kundiudza kuti uyu mukadzi wako?
19 Niçin ‘Saray kızkardeşimdir’ diyerek onunla evlenmeme izin verdin? Al karını, git!”
Seiko wakati, ‘Ihanzvadzi yangu,’ nokudaro ndakamutora kuti ave mukadzi wangu? Naizvozvo zvino, hoyu mukadzi wako. Mutore uende!”
20 Firavun Avram için adamlarına buyruk verdi. Böylece Avram'la karısını sahip olduğu her şeyle birlikte gönderdiler.
Ipapo Faro akarayira varanda vake pamusoro paAbhurama, vakamurega achienda nomukadzi wake uye nezvinhu zvose zvaakanga anazvo.

< Yaratiliş 12 >