< Ezra 7 >

1 Bu olaylardan sonra, Pers Kralı Artahşasta'nın krallığı döneminde, Başkâhin Harun oğlu Elazar oğlu Pinehas oğlu Avişua oğlu Bukki oğlu Uzzi oğlu Zerahya oğlu Merayot oğlu Azarya oğlu Amarya oğlu Ahituv oğlu Sadok oğlu Şallum oğlu Hilkiya oğlu Azarya oğlu Seraya oğlu Ezra adında biri Babil'den geldi. Ezra İsrail'in Tanrısı RAB'bin Musa'ya verdiği yasayı iyi bilen bir bilgindi. Tanrısı RAB'bin yardımıyla kral ona her istediğini verdi.
Shure kwaizvozvo, panguva yokutonga kwaAtazekisesi mambo wePezhia, Ezira mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waHirikia,
2
mwanakomana waSharumi, mwanakomana waZodhaki, mwanakomana waAhitubhi,
3
mwanakomana waAmaria, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMerayoti,
4
mwanakomana waZerahia, mwanakomana waUzi, mwanakomana waBhuki,
5
mwanakomana waAbhishua, mwanakomana waFinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni muprista mukuru,
6
Ezira uyu akauya kubva kuBhabhironi. Akanga ari mudzidzisi aiziva kwazvo Murayiro waMozisi, wakanga wapiwa naJehovha, Mwari waIsraeri. Mambo akanga amupa zvose zvaakanga akumbira, nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wake rwakanga rwuri pamusoro pake.
7 Kral Artahşasta'nın krallığının yedinci yılında İsrail halkından, kâhinlerden, Levililer'den, ezgicilerden, tapınak görevlilerinden ve kapı nöbetçilerinden bazıları Yeruşalim'e gitti.
Vamwe vavaIsraeri, vaisanganisira vaprista, vaRevhi, vaimbi, varindi vamasuo navaranda vomutemberi, vakauyawo kuJerusarema mugore rechinomwe rokutonga kwaMambo Atazekisesi.
8 Ezra, Artahşasta'nın krallığının yedinci yılının beşinci ayında Yeruşalim'e vardı.
Ezira akasvika muJerusarema mumwedzi wechishanu wegore rechinomwe ramambo.
9 Birinci ayın birinci günü Babil'den ayrılmıştı. Tanrısı'nın koruyucu eli sayesinde beşinci ayın birinci günü Yeruşalim'e vardı.
Akanga atanga rwendo rwake kubva kuBhabhironi zuva rokutanga romwedzi wokutanga akasvika muJerusarema pazuva rokutanga romwedzi wechishanu, nokuti ruoko rwenyasha rwaMwari wake rwakanga rwuri pamusoro pake.
10 Ezra kendini RAB'bin Yasası'nı inceleyip uygulamaya ve İsrail'de kuralları, ilkeleri öğretmeye adamıştı.
Nokuti Ezira akanga akazvipira kunzvera nokutevera Murayiro waJehovha, uye nokudzidzisa mitemo nemirayiro yawo muIsraeri.
11 Kral Artahşasta'nın RAB'bin buyruklarını, İsrail için koyduğu kuralları iyi bilen Kâhin ve Bilgin Ezra'ya verdiği mektubun bir örneği şudur:
Aya ndiwo mashoko etsamba yaMambo Atazekisesi yaakapa Ezira muprista nomudzidzisi, murume akanga akadzidza pamusoro pezvemirayiro nemitemo yaJehovha kuIsraeri:
12 “Kralların Kralı Artahşasta'dan Gökler Tanrısı'nın Yasası'nın bilgini Kâhin Ezra'ya selamlar!
Atazekisesi mambo wamadzimambo, kuna Ezira muprista nomudzidzisi woMurayiro waMwari wokudenga: Kwaziwa.
13 “Krallığımda yaşayan İsrail halkından, kâhinlerden ve Levililer'den Yeruşalim'e gitmek isteyen herkesin seninle gidebilmesi için buyruk veriyorum.
Ini ndinotema chirevo kuti ani naani muIsraeri ari muumambo hwangu, kusanganisira vaprista navaRevhi, avo vanoda zvavo kuenda newe kuJerusarema, ngavaende.
14 Elindeki Tanrın'ın Yasası'nın uygulanıp uygulanmadığı konusunda Yahuda ve Yeruşalim'de araştırma yapman için, ben ve yedi danışmanım seni görevlendirdik.
Uri kutumwa namambo navapi vake vamazano vanomwe kundobvunzisisa pamusoro peJudha neJerusarema maererano noMurayiro waMwari wako, uri muruoko rwako.
15 Benim ve danışmanlarımın Yeruşalim'de konut kuran İsrail'in Tanrısı'na gönülden verdiğimiz altını, gümüşü birlikte götürmelisin.
Pamusoro pezvo unofanira kutora sirivha negoridhe rakapiwa namambo namakurukota ake nokuda kwavo kuna Mwari waIsraeri, iye agere muJerusarema,
16 Babil İli'nden elde edeceğin altının, gümüşün tümünü, halkın ve kâhinlerin Tanrıları'nın Yeruşalim'deki Tapınağı'na gönülden verdikleri armağanları da alıp götürmelisin.
pamwe chete nesirivha negoridhe rose raungawana kubva kudunhu reBhabhironi, pamwe chetewo nezvipo zvavanhu zvavachapa nokuda kwavo nezvavaprista, zvetemberi yaMwari wavo muJerusarema.
17 “Bu parayla hemen boğalar, koçlar, kuzular, tahıl sunuları ve dökmelik sunular satın alacak ve hepsini Tanrın'ın Yeruşalim'deki Tapınağı'nın sunağı üzerinde sunacaksın.
Nemari iyi unofanira kutenga hando, makondobwe, namakwayana makono, pamwe chete nezvipiriso zvazvo zvezviyo nezvinonwiwa, uye mugozvibayira paaritari yetemberi yaMwari muJerusarema.
18 Sen ve kardeşlerin artan altını, gümüşü Tanrınız'ın isteği uyarınca dilediğiniz gibi kullanın.
Ipapo iwe nehama dzako vaJudha mungaita zvenyu zvose zvamunoona zvakafanira nesirivha negoridhe rose rinenge rasara maererano nokuda kwaMwari wenyu.
19 Tanrın'ın Tapınağı'nın hizmetinde kullanılmak üzere sana verilen kapların hepsini Yeruşalim'in Tanrısı'na sun.
Ipai midziyo yose kuna Mwari weJerusarema iyo yamakapiwa kuti mushumire nayo mutemberi yaMwari wenyu.
20 Tanrın'ın Tapınağı için ödemen gereken başka bir şey varsa, giderleri kralın hazinesinden karşılarsın.
Uye zvimwe zvose zvinodiwa patemberi yaMwari wako zvaunofanira kuendesa kutemberi, unofanira kuzvitora kubva papfuma yamambo.
21 “Ben, Kral Artahşasta, Fırat'ın batı yakasındaki bölgenin bütün hazine görevlilerine buyruk veriyorum: Gökler Tanrısı'nın Yasası'nın bilgini Kâhin Ezra'nın sizden her istediğini özenle yerine getirin.
Zvino ini, Mambo Atazekisesi, ndinorayira vabati vose vehomwe dzemari mhiri kwaYufuratesi kuti mupe nokushingairira zvose zvingakumbirwa naEzira muprista nomudzidzisi woMurayiro waMwari wokudenga,
22 Kendisine gerektiğinde yüz talanta kadar gümüş, yüz kor buğday, yüz bat şarap, yüz bat zeytinyağı ve istediği kadar tuz sağlayın.
kusvikira pamatarenda esirivha zana, nezviyero zana zvezviyo namabhati zana ewaini, namabhati zana amafuta amaorivhi, uye nomunyu wose unodiwa.
23 Göklerin Tanrısı kendi tapınağı için ne buyurursa, özenle yerine getirin. Öyle ki, bana ve oğullarıma öfkelenmesin.
Chinhu chipi nechipi chakarayirwa naMwari wokudenga, ngachiitwe nokushingaira kutemberi yaMwari wokudenga. Ko, ushe hwamambo nohwavanakomana vake huchatsamwireiko?
24 Şunu da bilesiniz ki, kâhinlerden, Levililer'den, ezgicilerden, tapınak görevlilerinden ve kapı nöbetçilerinden, Tanrı'nın Tapınağı'nın öbür hizmetkârlarından vergi almaya yetkiniz yoktur.
Ndinokuzivisaiwo kuti hamufaniri kuripisa mitero, nemhando dzose dzemitero, mutero womunhu mumwe nomumwe, kana mutero wokumuganhu kwenyika, kuvaprista, vaRevhi, vaimbi, varindi vemikova, navaranda vomutemberi kana vamwe vashandi vapaimba yaMwari.
25 “Sana gelince, Ezra, sendeki Tanrı bilgeliği uyarınca yargıçlar ata. Bunlar Fırat'ın batı yakasındaki bölgede yaşayan bütün halka, Tanrın'ın yasalarını bilenlerin hepsine adalet sağlasınlar. Yasayı bilmeyenlere de siz öğreteceksiniz.
Uye iwe, Ezira, maererano nouchenjeri hwaMwari wako, hwaunahwo, ugadze vaongorori vemhosva, navatongi kuti vatonge nokururamisira vanhu vose vari mhiri kwaYufuratesi, vose vanoziva mirayiro yaMwari wako. Uye unofanira kudzidzisa vose vasingaizivi.
26 Tanrın'ın Yasası'na ve kralın buyruklarına uymayanlar ya ölümle, ya sürgünle, ya mallarına el konarak, ya da hapsedilerek cezalandırılsın.”
Ani naani asingateereri murayiro waMwari wako uye nomurayiro wamambo, zvirokwazvo anofanira kurangwa norufu, kana kudzingwa, kana kutorerwa pfuma, kana kuiswa mutorongo.
27 Atalarımızın Tanrısı RAB'be övgüler olsun! Kralın yüreğine Yeruşalim'deki tapınağını onurlandırma isteğini koydu.
Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari wamadzibaba edu, uyo akaisa izvi mumwoyo mamambo, kuti auyise kukudzwa kuimba yaJehovha muJerusarema nenzira yakadai,
28 Kralın, danışmanlarının, güçlü komutanlarının bana iyi davranmalarını sağladı. Tanrım RAB'bin eli üzerimde olduğundan yüreklendim. İsrail ileri gelenlerinin bazılarını toplayıp benimle Yeruşalim'e dönmelerini sağladım.
uye akandiitira nyasha dzake dzakanaka pamberi pamambo namakurukota ake namachinda ake ose ane simba. Nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wangu rwakanga rwuri pamusoro pangu, ndikashinga uye ndikakoka varume vaikudzwa pakati pavaIsraeri kuti vaende neni.

< Ezra 7 >