< 2 Krallar 24 >

1 Yahuda Kralı Yehoyakim'in krallığı döneminde Babil Kralı Nebukadnessar Yahuda'ya saldırdı. Yehoyakim üç yıl ona boyun eğdiyse de sonradan fikrini değiştirerek Nebukadnessar'a başkaldırdı.
Mumazuva okutonga kwaJehoyakimi Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akakunda nyika, Jehoyakimi akava muranda wake kwamakore matatu. Asi akazoshandura pfungwa dzake akamukira Nebhukadhinezari.
2 RAB, kulları peygamberler aracılığıyla söylediği söz uyarınca, Yahuda'yı yok etmek üzere Kildani, Aramlı, Moavlı ve Ammonlu akıncıları ona karşı gönderdi.
Jehovha akatuma vaBhabhironi navaAramu navaMoabhu uye navaAmoni kuti vazorwisa. Akavatuma kunoparadza Judha, sezvakarehwa neshoko raJehovha rakataurwa navaranda vake navaprofita.
3 Bütün bunlar RAB'bin buyruğuyla Yahudalılar'ın başına geldi. Manaşşe'nin işlediği bütün günahlar, döktüğü suçsuz kan yüzünden RAB Yahudalılar'ı huzurundan atmak istedi. Çünkü Manaşşe Yeruşalim'i suçsuzların kanıyla doldurmuştu ve RAB bunu bağışlamak niyetinde değildi.
Zvirokwazvo zvinhu izvi zvakaitika kuna Judha sezvazvakarayirwa naJehovha, kuitira kuti avabvise pamberi pake nokuda kwezvivi zvaManase nezvose zvaakaita,
4
zvinosanganisira kuteura ropa risina mhosva. Nokuti akanga azadza Jerusarema neropa risina mhosva, uye Jehovha akanga asingadi kumukanganwira.
5 Yehoyakim'in krallığı dönemindeki öteki olaylar ve bütün yaptıkları Yahuda krallarının tarihinde yazılıdır.
Kana zviri zvimwe zvakaitika pakutonga kwaJehoyakimi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?
6 Yehoyakim ölüp atalarına kavuşunca, yerine oğlu Yehoyakin kral oldu.
Jehoyakimi akazorora namadzibaba ake. Uye Jehoyakini, mwanakomana wake akamutevera paumambo.
7 Mısır Kralı bir daha ülkesinden dışarı çıkamadı. Çünkü Babil Kralı Mısır Vadisi'nden Fırat'a kadar daha önce Mısır Firavunu'na ait olan bütün toprakları ele geçirmişti.
Mambo weIjipiti haana kuzobudazve kubva munyika yake nokuti mambo weBhabhironi akanga atora nyika yake yose, kubva kuRwizi rweIjipiti kusvikira kuRwizi Yufuratesi.
8 Yehoyakin on sekiz yaşında kral oldu ve Yeruşalim'de üç ay krallık yaptı. Annesi Yeruşalimli Elnatan'ın kızı Nehuşta'ydı.
Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Nehushita mwanasikana waErinatani; vaibva muJerusarema.
9 O da babası gibi RAB'bin gözünde kötü olanı yaptı.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake.
10 O sırada Babil Kralı Nebukadnessar'ın askerleri Yeruşalim'in üzerine yürüyüp kenti kuşattı.
Panguva iyoyo varanda vaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakaenda kuJerusarema vakarikomba,
11 Kuşatma sürerken Nebukadnessar geldi.
uye Nebhukadhinezari pachake akasvika kuguta, varanda vake pavakanga vakarikomba.
12 Yahuda Kralı Yehoyakin, annesi, görevlileri, yöneticileri ve hadımlarıyla birlikte, Nebukadnessar'a teslim oldu. Babil Kralı krallığının sekizinci yılında Yehoyakin'i tutsak etti.
Jehoyakini mambo weJudha, namai vake, navaranda vake, namakurukota ake, navabati vake vakazvipira vose kwaari. Mugore regumi namasere rokutonga kwamambo weBhabhironi, akatora Jehoyakini akamuita musungwa.
13 RAB'bin sözü uyarınca, Nebukadnessar RAB'bin Tapınağı'nın ve kral sarayının bütün hazinelerini boşalttı, İsrail Kralı Süleyman'ın RAB'bin Tapınağı için yaptırdığı altın eşyaların tümünü parçaladı.
Sezvakanga zvarehwa naJehovha, Nebhukadhinezari akabvisa pfuma yose mutemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo, uye akatora midziyo yose yegoridhe yakanga yaitirwa temberi yaJehovha naSoromoni mambo weIsraeri.
14 Bütün Yeruşalim halkını, komutanları, yiğit savaşçıları, zanaatçıları, demircileri, toplam on bin kişiyi sürgün etti. Yahuda halkının en yoksul kesimi dışında kimse kalmadı.
Akatapa Jerusarema rose: vabati vose navarume vehondo vose, navarume voumhizha vose, navapfuri vesimbi, vaiva vanhu zviuru gumi. Varombo vokupedzisira ndivo vakasara chete munyika imomo.
15 Babil Kralı Nebukadnessar Yehoyakin'i tutsak olarak Babil'e götürdü. Onunla birlikte annesini, karılarını, hadımlarını ve ülkenin ileri gelenlerini de Yeruşalim'den Babil'e sürdü. Ayrıca yedi bin deneyimli yiğit savaşçıyı ve bin zanaatçıyla demirciyi Babil'e sürgün etti.
Nebhukadhinezari akatora Jehoyakini akamuita nhapwa kuBhabhironi. Akatorawo mai vamambo, navakadzi vake, navabati vake navarume vaitungamirira nyika muJerusarema akavaendesa kuBhabhironi.
Mambo weBhabhironi akabudisawo hondo yose yavarume zviuru zvinomwe, vakasimba pakurwa, nechiuru chimwe chete chavarume voumhizha navapfuri vesimbi akavaendesa kuBhabhironi.
17 Yehoyakin'in yerine amcası Mattanya'yı kral yaptı ve adını değiştirip Sidkiya koydu.
Akaita Matania babamunini vaJehoyakini, mambo panzvimbo yaJehoyakini uye akashandura zita rake akamutumidza kuti Zedhekia.
18 Sidkiya yirmi bir yaşında kral oldu ve Yeruşalim'de on bir yıl krallık yaptı. Annesi Livnalı Yeremya'nın kızı Hamutal'dı.
Zedhekia akanga ana makore makumi maviri nerimwe chete paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi nerimwe. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia; vaibva kuRibhina.
19 Yehoyakim gibi Sidkiya da RAB'bin gözünde kötü olanı yaptı.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita Jehoyakini.
20 RAB Yeruşalim'le Yahuda'ya öfkelendiği için onları huzurundan attı. Sidkiya Babil Kralı'na karşı ayaklandı.
Izvi zvakaitika kuJerusarema neJudha nokuda kwehasha dzaJehovha, uye pakupedzisira akavabvisa pamberi pake. Zvino Zedhekia akamukira mambo weBhabhironi.

< 2 Krallar 24 >