< 2 Tarihler 18 >

1 Büyük bir zenginlik ve onura kavuşan Yehoşafat, evlilik bağıyla Ahav'a akraba oldu.
Zvino Jehoshafati akava nepfuma zhinji nokukudzwa kukuru, uye akava noukama naAhabhu nokuda kwokuroorerana.
2 Birkaç yıl sonra Samiriye Kenti'nde yaşayan Ahav'ı görmeye gitti. Ahav onun ve yanındakilerin onuruna birçok davar, sığır keserek Ramot-Gilat'a saldırmak için onu kışkırttı.
Zvino mamwe makore akati apfuura, iye akaenda kundoshanyira Ahabhu kuSamaria. Ahabhu akauraya makwai akawanda nemombe achiitira iye navanhu uye akamukurudzira kuti arwise Ramoti Gireadhi.
3 İsrail Kralı Ahav, Yahuda Kralı Yehoşafat'a, “Ramot-Gilat'a karşı benimle birlikte savaşır mısın?” diye sordu. Yehoşafat, “Beni kendin, halkımı halkın say. Savaşta sana eşlik edeceğiz” diye yanıtladı,
Ahabhu mambo weIsraeri akakumbira Jehoshafati mambo weJudha, akati, “Mungandibatsirawo here kundorwisa Ramoti Gireadhi?” Jehoshafati akapindura akati, “Ini ndakaita sewe uye vanhu vangu savanhu vako; tichakubatsirai muhondo.”
4 “Ama önce RAB'be danışalım” diye ekledi.
Asi Jehoshafati akatizve kuna mambo weIsraeri, “Chokutanga, tsvakai kuda kwaJehovha.”
5 İsrail Kralı Ahav dört yüz peygamber toplayıp, “Ramot-Gilat'a karşı savaşalım mı, yoksa vaz mı geçeyim?” diye sordu. Peygamberler, “Savaş, çünkü Tanrı kenti senin eline teslim edecek” diye yanıtladılar.
Saka mambo weIsraeri akaunganidza vaprofita vaisvika mazana mana akavabvunza akati, “Tingaenda kundorwisana neRamoti Gireadhi here kana kuti ndorega?” Vakapindura vakati, “Endai nokuti Mwari achariisa mumaoko amambo.”
6 Ama Yehoşafat, “Burada danışabileceğimiz RAB'bin başka peygamberi yok mu?” diye sordu.
Asi Jehoshafati akabvunza akati, “Hakuna here muprofita waJehovha watingabvunza?”
7 İsrail Kralı, “Yimla oğlu Mikaya adında biri daha var” diye yanıtladı, “Onun aracılığıyla RAB'be danışabiliriz. Ama ben ondan nefret ederim. Çünkü benimle ilgili hiç iyi peygamberlik etmez, hep kötü şeyler söyler.” Yehoşafat, “Böyle konuşmaman gerekir, ey kral!” dedi.
Mambo weIsraeri akapindura Jehoshafati akati, “Pachine murume mumwe chete watingabvunza nezvaJehovha asi ndinomuvenga nokuti haamboprofita zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa nguva dzose. Anonzi Mikaya mwanakomana waImira.” Jehoshafati akapindura akati, “Mambo havafaniri kutaura vachidaro.”
8 İsrail Kralı bir görevli çağırıp, “Hemen Yimla oğlu Mikaya'yı getir!” diye buyurdu.
Saka mambo weIsraeri akadana mumwe wavabati vavo akati, “Uya naMikaya mwanakomana waImira iye zvino.”
9 İsrail Kralı Ahav ile Yahuda Kralı Yehoşafat kral giysileriyle Samiriye Kapısı'nın girişinde, harman yerine konan tahtlarında oturuyorlardı. Bütün peygamberler de onların önünde peygamberlik ediyordu.
Vakapfeka nguo dzavo dzoumambo, mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakanga vakagara pazvigaro zvavo zvoushe paburiro pamukova wesuo reSamaria, navaprofita vose vachiprofita pamberi pavo.
10 Kenaana oğlu Sidkiya, yaptığı demir boynuzları göstererek şöyle dedi: “RAB diyor ki, ‘Aramlılar'ı yok edinceye dek onları bu boynuzlarla vuracaksın.’”
Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana akanga agadzira nyanga dzesimbi, uye akataura achiti, “Zvanzi naJehovha: ‘Neidzi muchabaya vaAramu kusvikira vaparara.’”
11 Öteki peygamberlerin hepsi de aynı şeyi söylediler: “Ramot– Gilat'a saldır, kazanacaksın! Çünkü RAB onları senin eline teslim edecek.”
Vamwe vaprofita vose vachiprofita zvimwe chetezvo, vakati, “Rwisai Ramoti Gireadhi uye mukunde, nokuti Jehovha achariisa mumaoko amambo.”
12 Mikaya'yı çağırmaya giden görevli ona, “Bak! Peygamberler bir ağızdan kral için olumlu şeyler söylüyorlar” dedi, “Rica ederim, senin sözün de onlarınkine uygun olsun; olumlu bir şey söyle.”
Nhume yakanga yaenda kundodaidza Mikaya yakati kwaari, “Tarira, somunhu mumwe vamwe vaprofita vari kutaura nezvokubudirira kwamambo. Shoko rako ngariwirirane neravamwe, uye utaure zvakanaka.”
13 Mikaya, “Yaşayan RAB'bin hakkı için, Tanrım ne derse onu söyleyeceğim” diye karşılık verdi.
Asi Mikaya akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu ndinogona kumutaurira chete zvinotaurwa naMwari wangu.”
14 Mikaya gelince kral, “Mikaya, Ramot-Gilat'a karşı savaşa gidelim mi, yoksa vaz mı geçeyim?” diye sordu. Mikaya, “Saldırın, kazanacaksınız! Çünkü onlar sizin elinize teslim edilecek” diye yanıtladı.
Paakasvika, mambo akamubvunza akati, “Mikaya, tingaenda here kundorwisana neRamoti Gireadhi kana kuti ndiregere?” Akapindura akati, “Varwisei munokunda nokuti vachaiswa mumaoko enyu.”
15 Bunun üzerine kral, “RAB'bin adına bana gerçeğin dışında bir şey söylemeyeceğine ilişkin sana kaç kez ant içireyim?” diye sordu.
Mambo akati kwaari, “Kangani kandinofanira kukuita kuti upike kuti usandiudza zvimwe zvinhu kunze kwechokwadi muzita raJehovha?”
16 Mikaya şöyle karşılık verdi: “İsrailliler'i dağlara dağılmış çobansız koyunlar gibi gördüm. RAB, ‘Bunların sahibi yok. Herkes güvenlik içinde evine dönsün’ dedi.”
Ipapo Mikaya akapindura akati, “Ndakaona Israeri yose yakapararira mumaoko samakwai asina mufudzi, uye Jehovha akati, ‘Vanhu ava havana tenzi, regai mumwe nomumwe wavo adzokere kumba kwake murugare.’”
17 İsrail Kralı Ahav Yehoşafat'a, “Benimle ilgili iyi peygamberlik etmez, hep kötü şeyler söyler dememiş miydim?” dedi.
Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Handina kukuudzai here kuti haamboprofita zvakanaka pamusoro pangu asi zvakaipa chete?”
18 Mikaya konuşmasını sürdürdü: “Öyleyse RAB'bin sözünü dinleyin! Gördüm ki, RAB tahtında oturuyor, bütün göksel varlıklar da sağında, solunda duruyordu.
Mikaya akaenderera mberi achiti, “Naizvozvo inzwai shoko raJehovha: Ndakaona Jehovha akagara pachigaro chake nehondo dzose dzokudenga dzakamira kurudyi rwake nokuruboshwe kwake.
19 RAB sordu: ‘Ramot-Gilat'a saldırıp ölsün diye İsrail Kralı Ahav'ı kim kandıracak?’ “Kimi şöyle, kimi böyle derken,
Uye Jehovha akati, ‘Ndiani angakwezva Ahabhu mambo weIsraeri kuti andorwisa Ramoti Gireadhi kuti aende kurufu rwake ikoko?’ “Mumwe akataura izvi, mumwe izvo.
20 bir ruh çıkıp RAB'bin önünde durdu ve, ‘Ben onu kandıracağım’ dedi. “RAB, ‘Nasıl?’ diye sordu.
Pakupedzisira mumwe mweya wakauya, ukamira pamberi paJehovha ukati, ‘Ini ndichandomukwezva.’ “Jehovha akabvunza akati, ‘Nenzira ipi.’
21 “Ruh, ‘Aldatıcı ruh olarak gidip Ahav'ın bütün peygamberlerine yalan söyleteceğim’ diye karşılık verdi. “RAB, ‘Onu kandırmayı başaracaksın’ dedi, ‘Git, dediğini yap.’
“Akati, ‘Ndichaenda ndonova mweya wenhema mumiromo yavaprofita vake.’ “Jehovha akati, ‘Uchabudirira mukumukwezva. Enda unozviita.’
22 “İşte RAB bu peygamberlerinin ağzına aldatıcı bir ruh koydu. Çünkü sana kötülük etmeye karar verdi.”
“Saka zvino Jehovha aisa mweya wenhema mumiromo yavaprofita venyu ava. Jehovha akatema chirevo chokuparadzwa kwako.”
23 Kenaana oğlu Sidkiya yaklaşıp Mikaya'nın yüzüne bir tokat attı. “RAB'bin Ruhu nasıl benden çıkıp da seninle konuştu?” dedi.
Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaana akakwira akandorova Mikaya kumeso nembama akabvunza akati, “Mweya waJehovha waenda nokupi pawabuda mandiri kuti utaure kwauri?”
24 Mikaya, “Gizlenmek için bir iç odaya girdiğin gün göreceksin” diye yanıtladı.
Mikaya akapindura akati, “Uchazozviziva zuva rauchaenda kunohwanda mukamuri yomukati.”
25 Bunun üzerine İsrail Kralı, “Mikaya'yı kentin yöneticisi Amon'a ve kralın oğlu Yoaş'a götürün” dedi,
Mambo weIsraeri ipapo akarayira akati, “Torai Mikaya mumutumire kuna Amoni mutongi weguta nokuna Joashi mwanakomana wamambo.
26 “Ben güvenlik içinde dönünceye dek bu adamı cezaevinde tutmalarını, ona su ve ekmekten başka bir şey vermemelerini söyleyin!”
Muti, ‘Zvanzi namambo: Isai murume uyu mutorongo uye musamupa chimwe chinhu kunze kwechingwa nemvura kusvikira ndadzoka zvakanaka.’”
27 Mikaya, “Eğer sen güvenlik içinde dönersen, RAB benim aracılığımla konuşmamış demektir” dedi ve, “Herkes bunu duysun!” diye ekledi.
Mikaya akati, “Kana mukadzoka zvakanaka Jehovha haana kutaura neni.” Akawedzerazve achiti, “Batisisai mashoko angu, imi vanhu vose!”
28 İsrail Kralı Ahav'la Yahuda Kralı Yehoşafat Ramot-Gilat'a saldırmak için yola çıktılar.
Saka mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakakwira kuRamoti Gireadhi.
29 İsrail Kralı, Yehoşafat'a, “Ben kılık değiştirip savaşa öyle gireceğim, ama sen kral giysilerini giy” dedi. Böylece İsrail Kralı kılığını değiştirdi, sonra savaşa girdiler.
Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Ini ndichapinda muhondo ndakapfeka nguo dzokuti ndisazivikanwa asi imi pfekai nguo dzenyu dzoumambo.” Saka mambo weIsraeri akazvishandura akapinda muhondo.
30 Aram Kralı, savaş arabalarının komutanlarına, “İsrail Kralı dışında, büyük küçük hiç kimseye saldırmayın!” diye buyruk vermişti.
Zvino mambo weAramu akanga arayira vakuru vengoro achiti, “Musarwisana navamwe vose, vadiki kana vakuru kunze kwamambo weIsraeri.”
31 Savaş arabalarının komutanları Yehoşafat'ı görünce, İsrail Kralı sanıp saldırmak için ona döndüler. Yehoşafat yakarmaya başladı. RAB Tanrı ona yardım edip saldıranların yönünü değiştirdi.
Vakuru vengoro pavakaona Jehoshafati vakafunga kuti ndiye mambo weIsraeri. Saka vakatendeuka kuti vamurwise asi Jehoshafati akachema, Jehovha akamurwira. Mwari akavabvisa kwaari,
32 Komutanlar onun İsrail Kralı olmadığını anlayınca peşini bıraktılar.
nokuti vakuru vengoro pavakaona kuti akanga asiri iye mambo weIsraeri vakarega kumudzingirira.
33 O sırada bir asker rasgele attığı bir okla İsrail Kralı'nı zırhının parçalarının birleştiği yerden vurdu. Kral arabacısına, “Dönüp beni savaş alanından çıkar, yaralandım” dedi.
Asi mumwe munhu akangokanda museve wake usina kunanga munhu ukandobaya mambo weIsraeri pakati pezvikamu zvenguo dzake dzokurwa nadzo. Mambo akataurira muchairi wengoro kuti, “Tendeutsa ngoro undibvise muhondo. Ndakuvara.”
34 Savaş o gün şiddetlendi. Arabasında Aramlılar'a karşı akşama kadar dayanan İsrail Kralı gün batımında öldü.
Kwezuva rose kurwa kwakaenderera mberi uye mambo weIsraeri akazvitsigira mungoro yake akarwisana navaAramu kusvikira manheru. Zvino pakuvira kwezuva akafa.

< 2 Tarihler 18 >