< 2 Tarihler 11 >

1 Rehavam Yeruşalim'e varınca, İsrailliler'le savaşıp onları yeniden egemenliği altına almak amacıyla Yahuda ve Benyamin oymaklarından yüz seksen bin seçkin savaşçı topladı.
Rehobhoamu paakasvika muJerusarema, akakurudzira imba yaJudha naBhenjamini, varume zviuru zana namakumi masere zvavarwi, kuti varwisane neIsraeri vatorezve umambo hwaRehobhoamu.
2 Bu arada RAB, Tanrı adamı Şemaya'ya şöyle seslendi:
Asi shoko iri raJehovha rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti,
3 “Süleyman oğlu Yahuda Kralı Rehavam'a, Yahuda ve Benyamin bölgesinde yaşayan bütün İsrailliler'e şunu söyle:
“Udza Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo weJudha navaIsraeri vose vari muJudha neBhenjamini, uti,
4 ‘RAB diyor ki, İsrailli kardeşlerinize saldırmayın, onlarla savaşmayın. Herkes evine dönsün! Çünkü bu olayı ben düzenledim.’” RAB'bin bu sözlerini duyan halk Yarovam'a karşı savaşmaktan vazgeçti.
‘Zvanzi naJehovha: Musaenda kunorwisana nehama dzenyu; endai kumba, mumwe nomumwe wenyu, nokuti uku kuita kwangu.’” Saka vakateerera mashoko aJehovha vakadzoka kubva mukuda kundorwisana naJerobhoamu.
5 Rehavam Yeruşalim'de yaşadı ve savunma amacıyla Yahuda'daki şu kentleri onardı:
Rehobhoamu akagara muJerusarema akavaka maguta okuzvidzivirira muJudha aiti:
6 Beytlehem, Etam, Tekoa,
Bheterehema, Etami, Tekoa,
7 Beytsur, Soko, Adullam,
Bheti Zuri, Soko, Adhuramu,
8 Gat, Mareşa, Zif,
Gati, Maresha, Zifi,
9 Adorayim, Lakiş, Azeka,
Adhoraimi, Rakishi, Azeka,
10 Sora, Ayalon, Hevron. Bunlar Yahuda ve Benyamin bölgesinde surlu kentlerdi.
Zora, Aijaroni neHebhuroni. Aya ndiwo aiva maguta enhare muJudha neBhenjamini.
11 Rehavam bu kentlerin surlarını güçlendirerek buralara komutanlar atadı; yiyecek, zeytinyağı, şarap depoladı.
Akasimbisa nhare dzawo akaisa vakuru vehondo maari, nezvokudya zvizhinji, mafuta omuorivhi newaini.
12 Her kent için kalkanlar, mızraklar sağladı. Kentleri iyice güçlendirdi. Böylece Yahuda ve Benyamin bölgeleri onun denetimi altında kaldı.
Akaisa nhoo namapfumo mumaguta ose, akaaita kuti ave akasimba kwazvo. Saka Judha neBhenjamini vaiva vake.
13 İsrail'in her bölgesinden kâhinlerle Levililer Rehavam'dan yana geçtiler.
Vaprista navaRevhi kubva kumatunhu ose muIsraeri yose vaiva kurutivi rwake.
14 Levililer otlaklarını, mallarını bırakıp Yahuda ve Yeruşalim'e gelmişlerdi. Çünkü Yarovam'la oğulları onları RAB'bin kâhinliğinden uzaklaştırmıştı.
Vaprista navaRevhi vakatosiya mafuro ezvipfuwo zvavo nemidziyo yavo vakauya kuJudha neJerusarema nokuti Jerobhoamu navanakomana vake vakanga vavaramba savaprista vaJehovha.
15 Yarovam tapınma yerleri ve yaptırdığı teke ve buzağı biçimindeki putlar için kâhinler atamıştı.
Uye iye akagadza vaprista vake pachake akavaisa panzvimbo dzakakwirira uye nezvifananidzo zvembudzi nezvemhuru zvaakanga agadzira.
16 İsrail'in her oymağından RAB'be, İsrail'in Tanrısı'na yönelmeye yürekten kararlı olanlar ise, atalarının Tanrısı RAB'be kurban sunmak için kâhinlerle Levililer'in ardından Yeruşalim'e geldiler.
Vose vaibva kumarudzi ose aIsraeri vakaisa mwoyo yavo pakutsvaga Jehovha, Mwari waIsraeri, vakatevera vaRevhi kuJerusarema kuti vandopa zvibayiro kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
17 Üç yıl Davut'la Süleyman'ın izinde yürüyen bu kişiler, Süleyman oğlu Rehavam'ı destekleyerek Yahuda Krallığı'nı güçlendirdiler.
Vakasimbisa umambo hwaJudha vakatsigira Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni kwamakore matatu, vachifamba munzira dzaDhavhidhi naSoromoni panguva iyoyi.
18 Rehavam Davut oğlu Yerimot'un kızı Mahalat'la evlendi. Mahalat'ın annesi Avihayil, İşay oğlu Eliav'ın kızıydı.
Rehobhoamu akawana Maharati aiva mwanasikana womwanakomana waDhavhidhi ainzi Jerimoti uye waAbhihairi mwanasikana womwanakomana waJese ainzi Eriabhi.
19 Mahalat Rehavam'a şu oğulları doğurdu: Yeuş, Şemarya, Zaham.
Akamuberekera vanakomana vaiti, Jeushi, Shemaria naZahamu.
20 Rehavam Mahalat'tan sonra Avşalom'un kızı Maaka ile evlendi. Maaka ona Aviya'yı, Attay'ı, Ziza'yı, Şelomit'i doğurdu.
Ipapo akawana Maaka mwanasikana waAbhusaromu akamuberekera Abhija, Atai, Ziza naSheromiti.
21 Rehavam Avşalom'un kızı Maaka'yı öbür eşleriyle cariyelerinin hepsinden daha çok severdi. Rehavam'ın on sekiz karısı, altmış cariyesi vardı. Bunlardan yirmi sekiz erkek, altmış kız çocuğu oldu.
Rehobhoamu aida Maaka mwanasikana waAbhusaromu kupfuura vamwe vakadzi vake navarongo vake vose. Pamwe chete aiva navakadzi gumi navasere, navarongo makumi matanhatu, vanakomana makumi maviri navasere, navanasikana makumi matanhatu.
22 Rehavam Maaka'dan doğan Aviya'yı kral yapmak amacıyla onu kardeşleri arasında önder ve tahta geçecek aday atadı.
Rehobhoamu akagadza Abhija mwanakomana waMaaka kuti ave muchinda mukuru pakati pavana vababa vake kuitira kuti azova mambo.
23 Bilgece davranarak oğullarının bazılarını Yahuda ve Benyamin topraklarına, surlu kentlere dağıttı. Onlara bol yiyecek sağladı ve birçok kadınla evlendirdi.
Akaita zvakachenjera akaparadzira vamwe vavanakomana vake mumatunhu ose eJudha neBhenjamini nokumaguta ose enhare. Akavapa zvinhu zvizhinji akavawanira vakadzi vakawanda.

< 2 Tarihler 11 >