< 1 Krallar 19 >

1 Ahav, İlyas'ın bütün yaptıklarını, peygamberleri nasıl kılıçtan geçirdiğini İzebel'e anlattı.
Zvino Ahabhu akaudza Jezebheri zvose zvakanga zvaitwa naEria nokuuraya kwaakanga aita vaprofita vose nomunondo.
2 İzebel, İlyas'a, “Yarın bu saate kadar senin peygamberlere yaptığını ben de sana yapmazsam, ilahlar bana aynısını, hatta daha kötüsünü yapsın” diye haber gönderdi.
Ipapo Jezebheri akatuma nhume kuna Eria kundoti, “Vamwari ngavandirange, vanyanyise kudaro, kana nenguva ino mangwana, ndikasaita kuti upenyu hwako hufanane nehwomumwe wavo.”
3 İlyas can korkusuyla Yahuda'nın Beer-Şeva Kenti'ne kaçıp uşağını orada bıraktı.
Eria akatya akatiza kuti aponese upenyu hwake. Paakasvika kuBheerishebha muJudha, akasiya muranda wake ikoko,
4 Bir gün boyunca çölde yürüdü, sonunda bir retem çalısının altına oturdu ve ölmek için dua etti: “Ya RAB, yeter artık, canımı al, ben atalarımdan daha iyi değilim.”
iye pachake akafamba rwendo rwezuva rimwe chete achipinda mugwenga. Akasvika pamuti womurara, akagara pasi pawo akanamata kuti achifa. Akati, “Zvaringana hazvo, Jehovha. Chitorai upenyu hwangu; handipfuuri madzitateguru angu pakururama.”
5 Sonra retem çalısının altına yatıp uykuya daldı. Ansızın bir melek ona dokunarak, “Kalk yemek ye” dedi.
Ipapo akarara pasi pomuti akabatwa nehope. Pakarepo mutumwa akamubata akati, “Simuka udye.”
6 İlyas çevresine bakınca yanıbaşında, kızgın taşların üstünde bir pideyle bir testi su gördü. Yiyip içtikten sonra yine uzandı.
Akatarisa-tarisa, akaona chingwa chakanga chabikwa pamazimbe omoto pedyo nomusoro wake, nechirongo chemvura. Akadya, akanwa, akabva arara zvakare.
7 RAB'bin meleği ikinci kez geldi, ona dokunarak, “Kalk yemeğini ye. Gideceğin yol çok uzun” dedi.
Mutumwa waJehovha akadzoka kechipiri akamubata akati, “Simuka udye, nokuti rwendo rungakuremera.”
8 İlyas kalktı, yiyip içti. Yediklerinden aldığı güçle kırk gün kırk gece Tanrı Dağı Horev'e kadar yürüdü.
Naizvozvo akamuka akadya, akanwa. Zvokudya izvozvo zvakamupa simba zvokuti akafamba kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana kusvikira asvika paHorebhi, gomo raMwari.
9 Geceyi orada bulunan bir mağarada geçirdi. RAB, “Burada ne yapıyorsun, İlyas?” diye sordu.
Ipapo akapinda mubako akarara usiku hwose. Zvino shoko raJehovha rakasvika kwaari richiti, “Uri kuiteiko pano, Eria?”
10 İlyas, “RAB'be, Her Şeye Egemen Tanrı'ya büyük bir istekle kulluk ettim” diye karşılık verdi, “Ama İsrail halkı senin antlaşmanı reddetti, sunaklarını yıktı ve peygamberlerini kılıçtan geçirdi. Yalnız ben kaldım. Beni de öldürmeye çalışıyorlar.”
Akapindura akati, “Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari Wamasimba Ose kwazvo. VaIsraeri vakaramba sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, uye vakauraya vaprofita venyu nomunondo. Ndini ndoga ndasara, zvino vava kuedza kundiurayawo.”
11 RAB, “Dağa çık ve önümde dur, yanından geçeceğim” dedi. RAB'bin önünde çok güçlü bir rüzgar dağları yarıp kayaları parçaladı. Ancak RAB rüzgarın içinde değildi. Rüzgarın ardından bir deprem oldu, RAB depremin içinde de değildi.
Jehovha akati, “Buda panze umire pagomo pamberi paJehovha, nokuti Jehovha ari kuda kuzopfuura nepo.” Ipapo mhepo huru ine simba yakapamura makomo ikapwanya mabwe pamberi paJehovha, asi Jehovha akanga asiri mumhepo. Mushure memhepo, pakava nokudengenyeka kwenyika, asi Jehovha akanga asiri mukudengenyeka ikoko.
12 Depremden sonra bir ateş çıktı, ancak RAB ateşin içinde de değildi. Ateşten sonra ince, yumuşak bir ses duyuldu.
Mushure mokudengenyeka kwenyika kwakauya moto, asi Jehovha akanga asiri mumoto. Uye shure kwomoto akanzwa inzwi richitaura nakazevezeve kakapfava.
13 İlyas bu sesi duyunca, cüppesiyle yüzünü örttü, çıkıp mağaranın girişinde durdu. O sırada bir ses, “Burada ne yapıyorsun, İlyas?” dedi.
Eria paakarinzwa, akafukidza chiso chake nejasi rake akabuda panze akamira pamuromo webako. Ipapo inzwi rakati kwaari, “Uri kuiteiko pano, Eria?”
14 İlyas, “RAB'be, Her Şeye Egemen Tanrı'ya büyük bir istekle kulluk ettim” diye karşılık verdi, “Ama İsrail halkı senin antlaşmanı reddetti, sunaklarını yıktı ve peygamberlerini kılıçtan geçirdi. Yalnız ben kaldım. Beni de öldürmeye çalışıyorlar.”
Akapindura akati, “Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari Wamasimba Ose kwazvo. VaIsraeri vakaramba sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, uye vakauraya vaprofita venyu nomunondo. Ndini ndoga ndasara, zvino vava kuedza kundiurayawo.”
15 RAB, “Geldiğin yoldan geri dön, Şam yakınındaki kırlara git” dedi, “Oraya vardığında, Hazael'i Aram Kralı olarak, Nimşi oğlu Yehu'yu İsrail Kralı olarak, Avel-Meholalı Şafat'ın oğlu Elişa'yı da kendi yerine peygamber olarak meshedeceksin.
Jehovha akati kwaari, “Dzokera nenzira yawauya nayo, ugoenda kuGwenga reDhamasiko. Kana wasvikako, uzodze Hazaeri kuti ave mambo weAramu.
Uzodzezve Jehu, mwanakomana waNimishi kuti ave mambo weIsraeri, ugozodza Erisha, mwanakomana waShafati wokuAbheri Mehora kuti atore nzvimbo yako somuprofita.
17 Hazael'in kılıcından kurtulanı Yehu, Yehu'nun kılıcından kurtulanı Elişa öldürecek.
Jehu achauraya vose vachapunyuka munondo waHazaeri, uye Erisha achaurayawo vose vachapunyuka munondo waJehu.
18 Ancak İsrail'de Baal'ın önünde diz çöküp onu öpmemiş yedi bin kişiyi sağ bırakacağım.”
Kunyange zvakadaro, ndakachengeta zviuru zvinomwe zvavanhu muIsraeri, vose vane mabvi asina kupfugamira Bhaari uye vane miromo isina kumutsvoda.”
19 İlyas oradan ayrılıp gitti, Şafat oğlu Elişa'yı buldu. Elişa, on iki çift öküzle saban sürenlerin ardından on ikinci çifti sürüyordu. İlyas Elişa'nın yanından geçerek kendi cüppesini onun üzerine attı.
Naizvozvo Eria akabvapo akandowana Erisha mwanakomana waShafati. Akanga achirima nehando dzakasungwa pamajoko gumi namaviri, iye achichaira joko regumi namaviri. Eria akaenda kwaari akakanda jasi rake paari.
20 Elişa öküzleri bırakıp İlyas'ın ardından koştu ve, “İzin ver, annemle babamı öpeyim, sonra seninle geleyim” dedi. İlyas, “Geri dön, ben sana ne yaptım ki?” diye karşılık verdi.
Ipapo Erisha akasiya hando dzake akamhanya achitevera Eria. Akati, “Regai ndimbonotsvoda baba namai vangu ndichionekana navo, ndigozoenda nemi.” Eria akati, “Dzokera zvako. Ndakuiteiko?”
21 Böylece Elişa gidip sürdüğü çiftin öküzlerini kesti. Boyunduruklarıyla ateş yakıp etleri pişirdikten sonra, yesinler diye halka dağıttı. Sonra, İlyas'ın ardından gidip ona hizmet etti.
Naizvozvo Erisha akamusiya akadzokera. Akatora hando dzejoko rake akadzibaya. Akashandisa zvaairimisa sehuni dzokubikisa nyama yacho, akaipa kuvanhu, ndokubva vadya. Ipapo akasimuka akatevera Eria akabva ava muranda wake.

< 1 Krallar 19 >