< 1 Tarihler 10 >

1 Filistliler İsrailliler'le savaşa tutuştu. İsrailliler Filistliler'in önünden kaçtı. Birçoğu Gilboa Dağı'nda ölüp yere serildi.
Zvino vaFiristia vakarwisa vaIsraeri; vaIsraeri vakatiza pamberi pavo, vazhinji vakaurayiwa paGomo reGiribhoa.
2 Filistliler Saul'la oğullarının ardına düştüler. Saul'un oğulları Yonatan'ı, Avinadav'ı ve Malkişua'yı yakalayıp öldürdüler.
VaFiristia vakatevera Sauro navanakomana vake kwazvo uyezve vakauraya vanakomana vake Jonatani, Abhinadhabhi naMariki-Shua.
3 Saul'un çevresinde savaş kızıştı. Derken Saul Filistli okçular tarafından vuruldu ve yaralandı.
Hondo yakarwiwa zvinotyisa kumativi ose aSauro uye vapfuri vouta pavakamubata, vakamukuvadza.
4 Saul silahını taşıyan adama, “Kılıcını çek de bana sapla” dedi, “Yoksa bu sünnetsizler gelip benimle alay edecekler.” Ama silah taşıyıcısı büyük bir korkuya kapılarak bunu yapmak istemedi. Bunun üzerine Saul kılıcını çekip kendini üzerine attı.
Sauro akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa, “Vhomora munondo wako undibaye nawo kuti varume ava vasina kudzingiswa varege kuuya vakanditambudza.” Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa akatya kwazvo akasada kuzviita; saka Sauro akatora munondo wake akazviwisira pauri.
5 Saul'un öldüğünü görünce, silah taşıyıcısı da kendini kılıcının üzerine atıp öldü.
Mubati wenhumbi dzake dzokurwa paakaona kuti Sauro afa, iyewo akazviwisira pamunondo wake akafa.
6 Böylece Saul, üç oğlu ve bütün ev halkı birlikte öldüler.
Saka Sauro navanakomana vake vatatu neimba yake yose vakafa pamwe chete.
7 Vadide oturan İsrailliler, İsrail ordusunun kaçtığını, Saul'la oğullarının öldüğünü anlayınca, kentlerini terk edip kaçmaya başladılar. Filistliler gelip bu kentlere yerleştiler.
Zvino vaIsraeri vose vakanga vagere pamupata vakati vaona kuti varwi vose vakanga vatiza uye Sauro navanakomana vake vatatu vakanga vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. Uye vaFiristia vakauya vakagara maari.
8 Ertesi gün Filistliler, öldürülenleri soymak için geldiklerinde, Saul'la oğullarının Gilboa Dağı'nda öldüğünü gördüler.
Zuva raitevera, vaFiristia pavakauya kuzokutunura nhumbi dzavakanga vafa; vakawana Sauro navanakomana vake vakafa pagomo reGiribhoa.
9 Saul'u soyduktan sonra başını kesip silahlarını aldılar. Sonra bu iyi haberi putlarına ve halka duyurmaları için Filist ülkesinin her yanına ulaklar gönderdiler.
Vakamukutunura nhumbi dzake uye vakatora musoro wake nezvombo zvake vakatuma nhume munyika yose yavaFiristia kuti vandoparadzira shoko iri pakati pavamwari vavo uye navanhu vavo.
10 Saul'un silahlarını ilahlarının tapınağına koyup başını Dagon Tapınağı'na çaktılar.
Vakaisa zvombo zvake mutemberi yavamwari vavo vakaturika musoro wake mutemberi yaDhagoni.
11 Yaveş-Gilat halkı Filistliler'in Saul'a yaptıklarını duydu.
Vagari vose vomuJabheshi Gireadhi pavakanzwa zvose zvakanga zvaitwa navaFiristia kuna Sauro,
12 Bütün yiğitler gidip Saul'la oğullarının cesetlerini Yaveş'e getirdiler. Sonra kemiklerini Yaveş'teki yabanıl fıstık ağacının altına gömdüler ve yedi gün oruç tuttular.
mhare dzose dzakasimuka dzikandotora zvitunha zvaSauro, navanakomana vake vakauya nazvo kuJabheshi vakaviga mapfupa avo pamuti mukuru weJabheshi uye vakatsanya kwamazuva manomwe.
13 Saul RAB'be ihanet ettiği için öldü. RAB'bin sözünü yerine getirmedi. Yol göstermesi için RAB'be danışacağına bir cinciye danıştı. Bu yüzden RAB onu öldürdü. Krallığını da İşay oğlu Davut'a devretti.
Sauro akafa nokuti akanga asina kutendeka kuna Jehovha, haana kuchengeta shoko raJehovha uyezve akandobvunzira kumasvikiro kuti atungamirirwe.
Haana kubvunza kuna Jehovha. Saka Jehovha akamuuraya akapa umambo kuna Dhavhidhi mwanakomana waJese.

< 1 Tarihler 10 >