< Zaburi 88 >

1 Yahwe, Mungu wa wokovu wangu, ninalia mchana na usiku mbele zako.
Rwiyo. Pisarema ravanakomana vaKora. Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo emaharati reanoti. Masikiri raHemani muEzrahi. Haiwa Jehovha, Mwari anondiponesa, ndakachema masikati nousiku pamberi penyu.
2 Sikiliza maombi yangu; utazame kulia kwangu.
Munyengetero wangu ngausvike pamberi penyu; rerekerai nzeve yenyu kukuchema kwangu.
3 Maana nimejawa taabu, na uhai wangu umefika kuzimuni. (Sheol h7585)
Nokuti mweya wangu uzere nokutambudzika, uye upenyu hwangu hwaswedera pedyo neguva. (Sheol h7585)
4 Watu hunichukulia kama wale waendao chini shimoni; mimi ni mtu asiye na nguvu.
Ndinoverengwa pakati paavo vakaburukira kugomba; ndava somunhu asina simba.
5 Nimetelekezwa miongoni mwa wafu; niko kama mfu alalaye katika kaburi, wao ambao wewe huwajari tena kwa sababu wametengwa mbali na nguvu zako.
Ndakatsaurwa pamwe chete navakafa, savakaurayiwa vavete muguva, vamusingacharangaririzve, vakagurwa kubva pakuchengeta kwenyu.
6 Wewe umeniweka katika sehemu ya chini kabisa ya shimo, sehemu yenye giza na kilindini.
Makandiisa mugomba rakadzika dzika, murima guru makadzika dzika.
7 Gadhabu yako yanielemea, na mawimbi yako yote yanatua juu yangu. (Selah)
Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu, makandifukidza namafungu enyu ose. Sera
8 Kwa sababu yako, wale wanijuao wote hunikwepa. Umenifanya wakutisha machoni pao. Nimefungwa na siwezi kutoroka.
Makanditorera shamwari dzangu dzapedyo, uye mukandiita chinhu chinonyangadza. Ndakapfigirwa uye handingatongopunyuki;
9 Macho yangu yamefifia kutokana na shida; kila siku nakuita wewe, Yahwe; ninakunyoshea wewe mikono yangu.
meso angu asviba neshungu. Ndinodana kwamuri, imi Jehovha, mazuva ose; ndinotambanudzira maoko angu kwamuri.
10 Je! utafanya miujiza kwa ajili ya wafu? Wale waliokufa watafufuka na kukusifu wewe? (Selah)
Ko, munoratidza zvishamiso zvenyu kuna vakafa here? Ko, vakafa vanomuka vachikurumbidzai here? Sera
11 Uaminifu wa agano lako utatangazwa kaburini? au uaminifu wako mahali pa wafu?
Ko, rudo rwenyu runoparidzwa muguva, nokutendeka kwenyu mukuparadzwa here?
12 Matendo yako ya ajabu yatajulikana gizani? au haki yako katika mahali pa usahaulifu?
Ko, zvishamiso zvenyu zvinozivikanwa munzvimbo yerima, kana mabasa akarurama enyu munyika yokukanganwa here?
13 Lakini ninakulilia wewe, Yahwe; wakati wa asubuhi maombi yangu huja kwako.
Asi ndinochemera rubatsiro kwamuri, imi Jehovha; mangwanani, munyengetero wangu unosvika pamberi penyu.
14 Yahwe, kwa nini unanikataa? Kwa nini unauficha uso wako mbali nami?
Seiko, imi Jehovha, muchindiramba uye muchindivanzira chiso chenyu?
15 Nimekuwa nikiteswa kila siku na hatihati ya kifo tangu ujana wangu. Nimeteseka dhidi ya hofu yako kuu; ninakata tamaa.
Kubvira pauduku hwangu, ndakatambudzika zvokutosvika pedyo norufu; ndatambudzika nokutyisa kwenyu uye handisisina tariro.
16 Matendo yako ya hasira yamepita juu yangu, na matendo yako ya kutisha yameniangamiza.
Hasha dzenyu dzakapfuura napamusoro pangu; kutyisa kwenyu kwandiparadza.
17 Siku zote yananizingira mimi kama maji; yote yamenizunguka mimi.
Zuva rose zvakandipoteredza samafashamu; ndakaputirwa nazvo chose.
18 Wewe umemuondoa kwangu kila rafiki na anijuaye. Na sasa anijuaye pekee ni giza.
Makanditorera shamwari dzangu navadikani vangu; rima ndiyo shamwari yangu iri pedyo.

< Zaburi 88 >