< Zaburi 4 >

1 Unijibu nikuitapo, Mungu wa haki yangu; uniokoe niwapo katika hatari. Unihurumie na usikie maombi yangu.
Kumutungamiri wenziyo nemitengeranwa. Pisarema raDhavhidhi. Ndipindurei pandinodana kwamuri, imi Mwari wangu makarurama. Ndisunungurei pakutambudzika kwangu; ndinzwirei ngoni uye munzwe munyengetero wangu.
2 Ninyi watu, mpaka lini mtaiabisha heshima yangu? Mpaka lini mtaendelea kupenda kile kisicho stahili na kutafuta uongo?
Nhai imi vanhu, muchashandura kukudzwa kwangu kukava chinyadziso kusvikira riniko? Muchada kutsauswa nokutsvaka vamwari venhema kusvikira riniko? Sera
3 Lakini mjue ya kuwa Yahweh huchagua watu wa kimungu kwa ajili yake. Nitakapo mwita Yahwe atasikia.
Zivai kuti Jehovha akazvitsaurira vanomuda; Jehovha achandinzwa pandinodana kwaari.
4 Tetemekeni na kuogopa, lakini msitende dhambi! Tafakarini mioyoni mwenu kwenye vitanda vyenu na muwe kimya.
Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza; pamunenge muri pamibhedha yenyu, nzverai mwoyo yenyu uye munyarare. Sera
5 Toeni matoleo ya haki na muweke imani yenu katika Yahweh.
Ipai zvibayiro zvakarurama uye muvimbe naJehovha.
6 Wengi husema, “Ni nani atakaye tuonyesha chochote kilicho kizuri?” Yahweh, utuangazie nuru ya uso wako.
Vazhinji vanobvunza vachiti, “Ndianiko angatiratidza chakanaka?” Chiedza chechiso chenyu ngachipenye pamusoro pedu, imi Jehovha.
7 Umeupa moyo wangu furaha kuu kuliko wao wanapozidishiwa nafaka na divai mpaya.
Makazadza mwoyo wangu nomufaro mukuru kupfuura zviyo zvavo newaini yavo itsva yakawanda.
8 Ni amani kuwa nitajilaza na kusinzia, kwako pekee, Yahweh, nifanye kuwa salama kabisa.
Ndichavata pasi ndigokotsira norugare, nokuti imi moga, Jehovha, munoita kuti ndigare pakasimba.

< Zaburi 4 >