< Zaburi 30 >

1 Nitakutukuza wewe, Yahwe, kwa kuwa umeniinua na haujawaruhusu maadui zangu juu yangu.
Pisarema. Rwiyo rwokukumikidza temberi. Pisarema raDhavhidhi. Ndichakukudzai imi Jehovha, nokuti makandisimudza kubva pakadzika, uye hamuna kutendera vavengi vangu kuti vafare pamusoro pangu.
2 Yahwe Mungu wangu, nilikulilia wewe kwa ajili ya msaada, nawe ukaniponya.
Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri uye mukandiporesa.
3 Yahwe, wewe umeitoa roho yangu kuzimuni; nawe umeniweka hai mbali na kaburi. (Sheol h7585)
Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva; mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba. (Sheol h7585)
4 Mwimbieni sifa Yahwe, ninyi waaminifu wake! Mshukuruni Bwana mkumbukapo utakatifu wake.
Imbirai Jehovha, imi vatsvene vake; rumbidzai zita rake dzvene.
5 Kwa kuwa hasira yake ni ya muda tu; bali neema yake yadumu milele. Kilio huja usiku, bali furaha huja asubuhi.
Nokuti kutsamwa kwake ndokwenguva duku, asi nyasha dzake ndedzoupenyu hwose; kuchema kungangovapo usiku. Asi mufaro unouya mangwanani.
6 Kwa ujasiri nilisema, “Sitatikiswa kamwe.”
Pandakanzwa kugadzikana, ndakati, “Handingatongozungunuswi.”
7 Yahwe, kwa neema yako uliniweka mimi kama mlima imara; lakini ulipouficha uso wako, nilisumbuka.
Haiwa Jehovha, pamakandinzwira tsitsi, makaita kuti gomo rangu rimire rakasimba; asi pamakavanza chiso chenyu, ini ndakavhunduka.
8 Nilikulilia wewe, Yahwe, na kuomba msaada kwa Bwana wangu!
Ndakadana kwamuri, imi Jehovha; ndakachemera nyasha kuna Jehovha ndichiti,
9 Kuna faida gani katika kifo changu, kama nitaenda kaburini? Je, mavumbi yatakusifu wewe? Yatatangaza uaminifu wako?
“Chiiko chinowanikwa pakuparadzwa kwangu, napakupinda kwangu mugomba? Ko, guruva richakurumbidzai here? Richaparidza kutendeka kwenyu here?
10 Sikia, Yahwe, na unihurumie! Yahwe, uwe msaidizi wangu.
Inzwai, imi Jehovha, mundinzwire ngoni; imi Jehovha, ivai mubatsiri wangu.”
11 Wewe umegeuza kuomboleza kwangu kuwa kucheza; wewe umeyaondoa mavazi yangu ya magunia na kunivisha furaha.
Imi makashandura kuungudza kwangu kukava kutamba; makabvisa nguo dzangu dzamasaga mukandishongedza nomufaro,
12 Hivyo sasa utukufu wangu utakuimbia sifa wewe na hautanyamaza; Yahwe Mungu wangu, nitakushukuru wewe milele!
kuti mwoyo wangu ukuimbirei ugorega kunyarara. Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.

< Zaburi 30 >