< Zaburi 113 >

1 Msifuni Yahwe. Msifuni yeye, enyi watumishi wa Yahwe; lisifuni jina la Yahwe.
Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai, imi varanda vaJehovha, rumbidzai zita raJehovha.
2 Litukuzwe jina la Yahwe, tangu sasa na hata milele.
Zita raJehovha ngarirumbidzwe, kubva zvino kusvikira narini.
3 Toka maawio ya jua hata machweo yake, Jina la Yahwe lazima lisifiwe.
Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro, zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.
4 Yahwe ameinuliwa juu ya mataifa yote, na utukufu wake wafika juu mbinguni.
Jehovha anosimudzirwa pamusoro pendudzi dzose; kubwinya kwake kuri pamusoro pamatenga.
5 Ni nani aliye kama Yahwe Mungu wetu, aliye na kiti chake juu,
Ndianiko akaita saJehovha Mwari wedu, iye anogara pachigaro choushe chokumusoro-soro,
6 atazamaye chini angani na duniani?
anokotamira pasi kuti aone zviri kudenga napanyika?
7 Humwinua maskini toka mavumbini na kumpandisha muhitaji kutoka jaani,
Anosimudza murombo kubva muguruva, uye anosimudza vanoshayiwa kubva padurunhuru ramadota;
8 ili amketishe pamoja na wakuu, pamoja na wakuu wa watu wake.
anovagadza namachinda, namachinda avanhu vavo.
9 Humpa watoto wanamke aliye tasa, humfanya yeye kuwa mama wa watoto mwenye furaha. Msifuni Yahwe!
Anogarisa mukadzi asingabereki mumba make, samai vavana vanofara. Rumbidzai Jehovha.

< Zaburi 113 >