< Mithali 16 >
1 Mipango ya moyo ni ya mtu, bali Yehova hutoa jawabu kutoka kwenye ulimi wake.
Kuronga kwomwoyo ndekwomunhu, asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha.
2 Njia zote za mtu ni safi kwenye macho yake mwenyewe, bali Yehova huipima mioyo.
Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakanaka pakuona kwake, asi Jehovha anoyera zvinangwa.
3 Kabidhi kwa Yehova kazi zako zote na mipango yako itafanikiwa.
Kumikidza kuna Jehovha chose chaunoita, ipapo urongwa hwako huchabudirira.
4 Yehova alifanya kila kitu kwa kusudi lake, hata waovu kwa ajili ya siku ya taabu.
Jehovha anoitira zvinhu zvose magumo azvo; kunyange akaipa anomuitira zuva renjodzi.
5 Yehova anamchukia kila mtu mwenye moyo wa majivuno, ingawa wanasimama imara, hawakosi kupata adhabu.
Jehovha anovenga vose vane mwoyo inozvikudza. Zvirokwazvo, havangaregi kurangwa.
6 Kwa agano la uaminifu na udhamini uovu husafishwa na kwa kumcha Yehova watu hujitenga na ubaya.
Kubudikidza norudo nokutendeka, chivi chinoyananisirwa, kubudikidza nokutya Jehovha munhu anorega kuita zvakaipa.
7 Njia za mtu zinapompendeza Yehova, huwafanya hata adui zake huyo mtu wawe na amani naye.
Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha, anoita kuti kunyange vavengi vake vagarisane naye murugare.
8 Bora kitu kidogo pamoja na haki, kuliko mapato makubwa pamoja na udhalimu.
Zviri nani kuva nezvishoma mukururama, pane kuva nezvakawanda kwazvo mukusaruramisira.
9 Katika moyo wake mtu hunuia njia yake, bali Yehova huziongoza hatua zake.
Mumwoyo make munhu anoronga gwara rake, asi Jehovha ndiye anotonga kufamba kwake.
10 Mshauri yupo katika midimo ya mfalme, katika hukumu kinywa chake hakisemi kwa udanganyifu.
Miromo yamambo inotaura seinotaura chirevo chaMwari, uye muromo wake haufaniri kurega kururamisira.
11 Vipimo vya kweli hutoka kwa Yehova; uzito wote kwenye gunia ni kazi yake.
Zviyero nezvienzaniso zvechokwadi zvinobva kuna Jehovha; zviyero zvose zviri muhomwe ndiye akazviita.
12 Wafalme wanapofanya mambo maovu, hicho ni kitu cha kudharauliwa, kwa maana utawala huimarishwa kwa kutenda haki.
Madzimambo anovenga kuita zvakaipa, nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama.
13 Mfalme hufurahia midomo ambayo husema haki na anampenda mwenye kusema waziwazi.
Madzimambo anofarira miromo inotaura chokwadi; anoremekedza munhu anotaura chokwadi.
14 Hasira ya mfalme ni mjumbe wa mauti lakini mtu mwenye busara atajaribu kutuliza hasira yake.
Kutsamwa kwamambo inhume yorufu, asi munhu akachenjera anonyaradza kutsamwa uku.
15 Katika nuru ya uso wa mfalme ni uzima na fadhila yake ni kama wingu linaloleta mvua ya masika.
Kana chiso chamambo chichibwinya, zvinoreva upenyu, nyasha dzake dzakaita segore remvura panguva yomunakamwe.
16 Ni bora kiasi gani kupata hekima kuliko dhahabu. Kuchagua kupata ufahamu ni zaidi kuliko fedha.
Zviri nani sei kuwana uchenjeri pane goridhe, kusarudza njere pane sirivha!
17 Njia kuu ya watu waadilifu hujitenga na ubaya; mwenye kuyahifadhi maisha yake huilinda njia yake.
Mugwagwa mukuru wavakarurama unonzvenga zvakaipa; uye anochengeta nzira yake anochengeta upenyu hwake.
18 Kiburi hutangulia kabla ya uharibifu na moyo wa kujivuna kabla ya maangamizi.
Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa, mweya wamanyawi unotangira kuwa.
19 Ni bora kunyenyekea miongoni mwa watu masikini kuliko kugawana ngawira pamoja watu wenye kiburi.
Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavakadzvinyirirwa pane kugoverana zvakapambwa navanozvikudza.
20 Mwenye kutafakari yaliyofundishwa hupata kilicho chema na wenye kumtumaini Yehova watafurahi.
Ani naani anoteerera kurayirwa achabudirira, uye akaropafadzwa uyo anovimba naJehovha.
21 Mwenye hekima moyoni anaitwa ufuhamu na utamu wa hotuba huongeza uwezo wa kufundisha.
Vakachenjera pamwoyo vanonzi ndivo vanonzvera, uye mashoko akanaka anokurudzira kurayirwa.
22 Ufahamu ni chemchemi ya uzima kwake ambaye nayo, bali adhabu ya wapumbavu ni upumbavu wao.
Njere itsime roupenyu kuna avo vanadzo, asi upenzi hunouyisa kurangwa kumapenzi.
23 Moyo wa mtu mwenye hekima hutoa busara katika kinywa chake na huongeza ushawishi katika midomo yake.
Mwoyo womunhu akachenjera unotungamirira muromo wake, uye miromo yake inokurudzira kurayirwa.
24 Maneno yenye kufaa ni sega la asali -matamu kwenye nafsi na huponya mifupa.
Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi, anozipa kumweya, anoporesa mapfupa.
25 Kuna njia ambayo huonekana sawa kwa mtu, bali mwisho wake ni njia ya mauti.
Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi magumo ayo inoenda kurufu.
26 Hamu ya kibarua humfanyia kazi; njaa yake humsihi kuendelea.
Nzara yomushandi inomushandira; nzara yake inoita kuti arambe achishanda.
27 Mtu duni huchimba madhara na usemi wake ni kama moto unaounguza.
Munhu asina maturo anoronga zvakaipa, uye matauriro ake akaita somoto unopisa.
28 Mtu mkaidi huchochea mafarakano na umbeya huwafarakanisha marafiki.
Munhu akatsauka anomutsa kupesana, uye guhwa rinoparadzanisa shamwari dzepedyo.
29 Mtu wa vurugu humdanganya jirani yake na kumwongoza kwenye mapito ambayo si mema.
Munhu anoita nechisimba anonyengera muvakidzani wake, uye anomufambisa napanzira isina kunaka.
30 Yule anayekonyeza kwa jicho anapanga njama za mambo ya ukaidi; wenye kuandama midomo yao watapitisha mabaya.
Uyo anochonya nameso ake ari kuronga zvakaipa; uyo anoruma miromo yake ari kuda kuita zvakaipa.
31 Mvi ni taji ya utukufu; hupatikana kwa kuishi katika njia ya haki.
Bvudzi rakachena ikorona yakaisvonaka; inowanikwa noupenyu hwakarurama.
32 Ni bora kukawia kuwa na hasira kuliko kuwa shujaa na mwenye kutawala roho yake ni imara zaidi kuliko yule anayeuteka mji.
Zviri nani kuva munhu ane mwoyo murefu pane kuva murwi, munhu anozvibata pakutsamwa kwake ari nani pane uyo anotapa guta.
33 Kura hurushwa kwenye mkunjo, bali maamuzi hutoka kwa Yehova.
Mujenya unokandirwa pamakumbo, asi zvirevo zvose zvinobva kuna Jehovha.