< Obadia 1 >

1 Maono ya Obadia. Bwana MUNGU asema hivi juu ya Edomu Tumesikia habari kutoka kwa Bwana, na mjumbe ametumwa kati ya mataifa, akisema, Inukeni! Tuinuke dhidi yake kwa vita!”
Zvakaratidzwa Obhadhia. Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro peEdhomu: Takanzwa shoko rakabva kuna Jehovha richiti: Nhume yakatumwa kundudzi kuti indotaura ichiti, “Simukai, tiende tindorwa hondo naye.”
2 Tazama, nitawafanya wadogo kati ya mataifa, mutadharauliwa sana.
“Tarirai, ndichakudukupisai pakati pendudzi; muchamhurwa zvachose.
3 Kiburi cha moyo wako kimekudanganya wewe, wewe ambaye unishi katika makaburi ya miamba, katika nyumba yako ya juu; asemaye moyoni mwako, 'Ni nani atakayenishusha mimi chini?'
Kuzvikudza kwemwoyo yenyu kwakakunyengerai, iyemi mugere mumikaha yamatombo muchiita kwakakwirira misha yenyu, imi munoti mumwoyo yenyu, ‘Ndianiko angandiburutsira pasi?’
4 Ingawa unasimama juu kama tai na ingawa kiota chako huwekwa kati ya nyota, nitakushusha chini kutoka huko, asema Yahweh.
Kunyange mukabhururuka segondo mukaruka dendere renyu pakati penyeredzi, kubva ipapo ndichakukandai pasi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
5 Kama wezi walikuja kwako, ikiwa wanyang'anyi wangekujilia usiku (jinsi ungekatilwa mbali!), Wasingeweza kuiba vya kuwatosha? Ikiwa wakusanya zabibu wangekujilia, wasingeacha mavuno?
“Kana mbavha dzikauya kwamuri, kana makororo usiku, haiwa, muchaparadzwa zvakadiniko? Havazoba kusvikira pavanoda here? Dai vatanhi vamazambiringa vaiuya kwamuri, ko, havaizosiya mazambiringa mashoma here?
6 Jinsi Esau amekwisha kupigwa, na hazina zake zilizofichwa zimewekwa nje!
Asi Esau achasiyiwa seiko asina chinhu, pfuma yake yakavigwa ichatorwa!
7 Watu wote wa ushirikiano wako watakupeleka katika njiani ya hadi mpakani. Watu waliokuwa na amani pamoja nawe wamekudanganya, na kukushinda. Wale wanaokula mkate wako wameweka mtego chini yako. Hakuna uelewa ndani yake.
Vose vaiva nesungano newe vachakumanikidza kusvikira kumuganhu; shamwari dzako dzichakunyengera dzigokukunda; vanodya zvokudya zvako vachakuisira musungo, asi haungazvizivi.
8 Je! Sikuweza siku hiyo, asema Bwana, kuwaangamiza watu wenye hekima kutoka Edomu na kuelewa kutoka mlima wa Esau?
“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handingazoparadzi vachenjeri veEdhomu, varume vazere nokunzwisisa pakati pamakomo eEdhomu here?
9 Mashujaa wako watafadhaika, Temani, ili kila mtu akatiliwe mbali kutoka mlima wa Esau kwa kuuawa.
Mhare dzako, iwe Temani, dzichavhunduka, uye vose vari mumakomo aEsau vachaparara pakuurayiwa ikoko.
10 Kwa sababu ya ukatili uliofanywa kwa ndugu yako Yakobo, utafunikwa na aibu, nawe utakatiliwa mbali milele.
Nokuda kwokuti wakarwisa mununʼuna wako Jakobho, uchafukidzwa nenyadzi; uchaparadzwa nokusingaperi.
11 Siku ile ulikuwa umesimama, siku wageni walichukua mali zake, na waliokuwa wageni katika malango yake, na kupiga kura kwa Yerusalemu, wewe ulikuwa kama mmoja wao.
Zuva iro rawakamira kure, vatorwa pavakatakura pfuma yake vakaenda nayo, uye vabvakure vakapinda mumasuo ake, vakakanda mijenya pamusoro peJerusarema, iwe wakaita somumwe wavo.
12 Lakini usifurahi siku ya ndugu yako, siku ya msiba wake, wala usifurahi juu ya watu wa Yuda siku ya uharibifu wao; msijisifu siku ya dhiki yao.
Haufaniri kutarisira mununʼuna wako pasi, pazuva rokushayiwa kwake, kana kufara pamusoro pavanhu veJudha, pazuva rokuparadzwa kwavo, kana kuzvikudza zvakanyanya pazuva rokutambudzika kwavo.
13 Usiingie mlango wa watu wangu siku ya msiba wao; usifurahi juu ya taabu yao siku ya msiba wao, wala msipotee utajiri wao siku ya uharibifu wao.
Hamufaniri kufamba napamasuo avanhu vangu, pazuva renjodzi yavo, kana kuvatarisira pasi vava munjodzi, pazuva renjodzi yavo, kana kuvatorera pfuma yavo pazuva renhamo yavo.
14 Usisimama kwenye njia panda, ili kuwakatilia mbali wakimbizi wake na usiwatoe waathirika wake katika siku ya dhiki.
Hamufaniri kumira pamharadzano dzenzira, kuti muuraye vanotiza vavo, kana kuisa vakasara vavo kuvavengi vavo, pazuva rokutambudzika kwavo.
15 Kwa maana siku ya Bwana iko karibu na mataifa yote. Kama ulivyofanya, itafanyika kwako; matendo yako yatarudi juu ya kichwa chako mwenyewe.
“Zuva raJehovha rava pedyo kundudzi dzose. Sezvamakaita, ndizvo zvichaitwawo kwamuri; mabasa enyu achadzokera pamisoro yenyu chaiyo.
16 Kwa vile mlivyokunywa katika mlima wangu mtakatifu, ndivyo mataifa yote yatakavyo kunywa daima. Watakunywa na kumeza na itakuwa kana kwamba hawakuwepo kabisa.
Sezvamakanwa pagomo rangu dzvene, saizvozvowo ndudzi dzose dzicharamba dzichingonwa; dzichanwa nokunwa dzikaita sedzisina kumbovapo.
17 Lakini katika Mlima Sayuni kutakuwa na wale waliookoka na watakuwa watakatifu; na nyumba ya Yakobo watamiliki miliki zao.
Asi paGomo reZioni pachava nokununurwa; richava dzvene, uye imba yaJakobho ichadzoserwa nhaka yayo.
18 Nyumba ya Yakobo itakuwa moto, na nyumba ya Yusufu ni mwali wa moto, na nyumba ya Esau itakuwa mabua makavu, nao watawaunguza, na kuwateketeza. Hakutakuwa na waathirika kwa nyumba ya Esau, kwa kuwa Bwana amesema.
Imba yaJakobho ichava moto, uye imba yaJosefa murazvo womoto; imba yaEsau ichava mashanga, uye vachaipisa nomoto vagoipedza. Hakuzovi navanopona muimba yaEsau.” Jehovha ataura izvozvo.
19 Wote kutoka Negebu watamiliki mlima wa Esau na wale wa Shepela watamiliki nchi ya Wafilisti. Wao wataimiliki nchi ya Efraimu na nchi ya Samaria; na Benyamini atamiliki Gileadi.
Vanhu vanobva kuNegevhi vachagara mumakomo aEsau, uye vanhu vanobva mujinga mezvikomo vachatora nyika yavaFiristia kuti ive yavo. Vachatora minda yaEfuremu pamwe chete neSamaria, kuti zvive zvavo, uye Bhenjamini achatora Gireadhi kuti ive yake.
20 Wahamiaji wa jeshi hili la watu wa Israeli watamiliki ardhi ya Kanaani mpaka Sarepta. Wahamiaji wa Yerusalemu, waliopo Sefaradi, wataimiliki miji ya Negebu.
Ungano iyi yavaIsraeri vakadzingwa vagere muKenani ichatora nyika kusvikira kuZarefati; vakadzingwa kubva muJerusarema vagere muSefaradhi vachatora maguta eNegevhi.
21 Waokoaji watakwenda hadi juu ya Mlima Sayuni kutawala nchi ya vilima ya Esau, na ufalme utakuwa wa Bwana.
Vaponesi vachakwira pamusoro peGomo reZioni, kuti vandotonga makomo aEsau. Uye ushe huchava hwaJehovha.

< Obadia 1 >