< Hesabu 4 >

1 BWANA akanena na Musa na Haruni. Akasema,
Jehovha akati kuna Mozisi naAroni:
2 Fanya sensa ya uzao waume wa Kohathi kutoka kwa Walawi, kwa kufuata jamaa na na familia za koo.
“Verenga vaKohati ivo bazi ravaRevhi nedzimba dzavo nemhuri dzavo.
3 Uwahesabu wanaume ambao wana umri wa miaka thelathini hadi miaka hamsini. Hawa wataungana na kundi linalotumika kutoa huduma kwenye hema ya kukutania.
Uverenge varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vanouya kuzoshanda basa romuTende Rokusangana.
4 Uzao wa Kohathi watalinda vile vitu vitakatifu zaidi vilivyohifadhiwa kwa ajili yangu katika hema ya kukutania.
“Iri ndiro basa ravaKohati muTende Rokusangana: kuchengetedza zvinhu zvitsvene-tsvene.
5 Wakati kambi inapojiandaa kusonga mbele, Haruni na wanawe lazima waende hemani, kulishusha pazia linalotenganisha mahali patakatifu na kulifunika sanduku la ushuhuda kwa pazia hilo. Watalifunika hilo sanduku kwa ngozi za pomboo.
Kana ungano yosimuka Aroni navanakomana vake vanofanira kupinda vagobvisa chidzitiro vagofukidza areka yeChipupuriro nacho.
6 Watatandika juu yake nguo za rangi ya samawi. Watachomeka hiyo miti ya kubebea.
Ipapo vanofanira kuchifukidza namatehwe emhou dzomugungwa, vagowarira mucheka webhuruu pamusoro pacho uye vagoisa matanda panzvimbo yawo.
7 Watatandika nguo ya rangi ya samawi kwenye meza ya mikate ya wonyesho. Juu yake wataweka sahani, vijiko, mabakuli na vikombe vya kumiminia. Mikate itakuwepo daima mezani.
“Pamusoro petafura yoKuvapo, vanofanira kuwarira mucheka webhuruu vagoisa pamusoro pawo ndiro, madhishi uye mbiya, nemikombe yezvipiriso zvinonwiwa; chingwa chamazuva ose chinofanira kuramba chiri pamusoro payo.
8 Wataifunika na nguo ya rangi nyekundu na ngozi za pomboo. na kuweka miti ya kubebea.
Pamusoro pezvinhu izvi, vanofanira kuwarira mucheka mutsvuku, vagoifukidza namatehwe emhou dzomugungwa, vagoisa matanda acho panzvimbo yawo.
9 Watachukua nguo ya rangi ya samawi na kukifunika kinara, pamoja na taa zake, na koleo zake, na sahani zake na vikombe vyake vya kuwekea mafuta ya taa.
“Vanofanira kutora mucheka webhuruu vagofukidza chigadziko chomwenje wokuvhenekesa, pamwe chete nemwenje yacho netambo netireya dzacho nemidziyo yacho yose yamafuta anoshandiswa pakuvhenekesa.
10 Wataweka kinara na vifaa vyake vikiwa vimefunikwa na ngozi ya pomboo, na wataweka kwenye miti ya kukibebea.
Ipapo vanofanira kuchiputira pamwe chete nezvimwe zvacho muchifukidzo chamatehwe emhou dzomugungwa vagochiisa pamatanda okutakurisa nawo.
11 Watafunika na nguo ya samawi katika madhabau ya dhahabu. Wataifunika na ngozi za pomboo, na kuweka ile miti ya kubebea.
“Pamusoro pearitari yegoridhe, vanofanira kuwarira mucheka webhuruu vagoufukidza namatehwe emhou dzomugungwa vagopinza matanda panzvimbo yawo.
12 Watavichukua vyombo vyote vya kazi takatifu na kuvizonga kwenye hiyo nguo ya rangi ya samawi. Watavifunika na ngozi za pomboo na kuviweka hivyo vyombo kwenye miti ya kubebea.
“Vanofanira kutora midziyo yose inoshandiswa pakushumira munzvimbo tsvene, vagoiputira mumucheka webhuruu, vagofukidza izvozvo namatehwe emhou dzegungwa uye vagozviisa pamatanda okutakurisa nawo.
13 Watayaondoa majivu kwenye madhabahu na kutandika nguo ya rangi ya zambarau juu yake.
“Vanofanira kubvisa madota paaritari yendarira vagowarira mucheka wepepuru pamusoro payo.
14 Watavieka kwenye miti ya kubebea vyombo vyote wanavyovitumia kwa kazi ya madhabahuni. Vyombo hivi ni vyetezo, majembe, mabakuli na vitu vingine vya madhabahuni. Wataifuniks madhabahu na ngozi za pomboo na kuweka ile miti ya kubebea.
Ipapo vanofanira kuisa pamusoro payo midziyo yose inoshandiswa pakushumira paaritari kusanganisira namakango, forogo dzenyama, foshoro nembiya dzokusasa. Vanofanira kuwarira chifukidzo chamatehwe emhou dzegungwa pamusoro payo, vagopinza matanda ayo panzvimbo yawo.
15 Wakati Haruni na wanawe walipokuwa wamekamilisha kupafunika mahali patakatifu na vyombo vyote, na kambi itakapoanza kuendelea mbele, ndipo wana wa Kohathi watakapokuja kubeba vitu vya mahali patakatifu. Kama watagusa vyombo vitakatifu, lazima watakufa. Hii ni kazi ya wana wa uzao wa Kohathi, kubeba mapambo ya hema ya kukutania.
“Mushure mokunge Aroni navanakomana vake vapedza kufukidza midziyo yose mitsvene, uye kana vava kusimuka, vaKohati ndivo vanofanira kuuya kuzotakura. Asi havafaniri kubata zvinhu zvitsvene, kuti varege kufa. VaKohati ndivo vanofanira kutakura zvinhu zviri muTende Rokusangana.
16 Eliazari mwana wa Haruni kuhani atalinda na kusimamia mafuta ya taa, ubani mzuri, sadaka za mara kwa mara na mafuta ya upako. Atasimamia ulinzi wa hema lote na vyote vilivyomo, mahali patakatifu na vyombo vyake.”
“Ereazari mwanakomana waAroni, muprista, anofanira kuva mutariri wamafuta emwenje, zvinonhuhwira, chipiriso chezviyo chamazuva ose uye namafuta okuzodza. Anofanira kuva mutariri wetabhenakeri yose nezvinhu zvose zviri mairi, kusanganisira nemidziyo yayo mitsvene.”
17 BWANA akanena na Musa na Haruni. Akasema,
Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
18 Usiruhusu kabila la Wakohathi kuondolewa kati ya Walawi.
“Uone kuti rudzi rwavaKohati haruna kuparadzwa kubva pakati pavaRevhi.
19 Walinde waishi ili wasije wakafa, kwa kufanya hivi. Wanapokuwa wanasogelea
Kuti vararame uye varege kufa pavanoswedera pedyo nezvinhu zvitsvene, uvaitire izvi: Aroni navanakomana vake vanofanira kupinda munzvimbo tsvene vagorayira murume mumwe nomumwe basa rake nezvaanofanira kuita.
20 wasije wakaingia ndani ili kuona eneo takatifu hata kwa kitambo, vinginevyo watakufa. Bali Haruni na wanawe wanaweza kuingia, ndipo Haruni na Wanawe watakapowapangia Wakohathi kazi maalumu ya kufanya, kwa kila mmoj.”
Asi vaKohati havafaniri kupinda kundotarisa zvinhu zvitsvene, kana kwechinguva, kuti varege kufa.”
21 BWANA akanena na Musa tena, Akasema, “Fanya sensa kwa wana Gerishoni pia, kwa kufuata familia za mababu zao, koo zao.
Jehovha akati kuna Mozisi,
22 Uwahesabu wale wenye umri wa mika thelathini hadi miaka hamsini.
“Verengawo vaGerishoni nemhuri dzavo uye nedzimba dzavo.
23 Uwahesabu wote ili waje kuungana na wale wanaotumika katika hema ya kukutania.
Uverenge varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vanouya kuzoshanda basa romuTende Rokusangana.
24 Hii ndiyo itakuwa kazi ya koo za Gerishoni, wanapotumikia na wanachobeba.
“Ndiro basa redzimba dzavaGerishoni pavanoshanda vachitakura mitoro.
25 Watabeba pazia la masikani, hema la kukutania, na vifunikio vyake, vifuniko vya ngozi ya pomboo ambvyo viko juu yake, na pazia kwenye lango la hema ya kukutania.
Vanofanira kutakura zvidzitiro zvetabhenakeri, Tende Rokusangana, zvifukidzo zvaro uye zvifukidzo zvokunze zvamatehwe emhou dzegungwa, zvidzitiro zvapamukova wokupinda kuTende Rokusangana,
26 Watabeba pazia la ua, pazia la kwenye mlango wa ua, ambao uko karibu na maskani karibu na madhabahu, kamba zake na vifaa vyote vya utumishi wake. Chochote kinachotakiwa kufanywa kutokana na vitu hivi, wao ndio watakaofanya.
zvidzitiro zvaparuvazhe runopoteredza tabhenakeri nearitari, chidzitiro chapamukova, tambo nemidziyo yose inoshandiswa pakushumira. VaGerishoni vanofanira kuita zvose zvinofanira kuitwa pakushandisa zvinhu izvi.
27 Haruni na wanawe ndio watakaongoza utumishi wa uzao wa Wagerishoni, kwa vitu vyote vile vya kusafirisha, na katika utumishi wao wote. Lazima uwagawie majukumu yao yote.
Mabasa avo ose kungava kutakura kana kuita rimwe basa, zvinofanira kuitwa nokurayira kwaAroni navanakomana vake. Muchavatuma sebasa ravo zvose zvavanofanira kutakura.
28 Huu ndio utumishi wa koo za uzao wa wana wa Wagerishoni katka hema ya kukutania. Ithamari mwana wa Haruni kuhani atawaongoza katika utumishi.
Ndiro basa redzimba dzavaGerishoni paTende Rokusangana. Vanofanira kurayirwa pamabasa avo naItamari mwanakomana waAroni muprista.
29 Utawahesabu uzao wa Merari kwa koo zao, na uwapange katika familia za mabau zao,
“Verenga vaMerari nedzimba dzavo nemhuri dzavo.
30 kuanzia wenye umri wa miaka thelatini hadi miaka hamsini. Umuhesabu kila atakayeungana na kundi lenye utumishi katika hema ya kukutania.
Verenga varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vanouya kuzoshanda basa muTende Rokusangana.
31 Huu ndio wajibu na kazi yao katika utumishi wao kwenye hema ya kukutania. Watazilinda mbao za maskani, mataluma yake, nguzo na makalishio yake,
Iri ndiro basa ravo pavanoshanda paTende Rokusangana: kutakura matanda etabhenakeri, mbariro dzayo, mbiru nehwaro,
32 pamoja na nguzo za ua zinazozunguka masikani, makalishio yake, vigingi na kamba zake, na vifaa vinginevya ujenzi. Waorodheshe kwa majina na majukumu yao.
pamwe chete nembiru dzinopoteredza ruvazhe nehwaro hwadzo, mbambo dzetende, tambo, midziyo yavo yose uye nezvose zvinoshandiswa pamwe chete nazvo. Govera murume mumwe nomumwe zvinhu zvaanofanira kutakura.
33 Huu ndio utumishi wa koo za uzao wa Merari, ambao wanatakiwa kufanya katika hema ya kukutania, chini ya uongozi wa Ithmari mwana wa Haruni kuhani.”
Uhu ndihwo ushumiri hwedzimba dzavaMerari pakushanda kwavo paTende Rokusangana vachitungamirirwa naItamari mwanakomana waAroni, muprista.”
34 Musa na Haruni na viongozi wa watu waliwahesabu wana wa uzao wa Wakohathi kwa kufuata koo za familia za mababu zao.
Mozisi, Aroni navatungamiri veungano vakaverenga vaKohati nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo.
35 Waliwahesabu wale wenye umri wa miaka thelathini hadi miaka hamsini. Walimhesabu kila mmoja aliyepaswa kuungana na kundi linalotoa huduma ya utumishi kwenye hema ya kukutania.
Varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vakauya kuzoshanda basa romuTende Rokusangana,
36 Waliwahesabu wanaume 2, 750 kwa kufuata koo zao.
vachiverengwa nedzimba dzavo, vaisvika zviuru zviviri, namazana manomwe namakumi mashanu.
37 Musa na Haruni waliwahesabu wanaume wote kutoka koo na familia za Wakohathi ambao hutumika kwenye hema ya kukutania. Walifanya hivi kwa kumtii BWANA aliyewaagiza kupitia kwa Musa.
Uku ndiko kwaiva kuwanda kwavose vedzimba dzavaKohati vaishanda muTende Rokusangana. Mozisi naAroni vakavaverenga maererano nokurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi.
38 Uzao wa Gerishoni walihesabiwa kufuata koo na familia za mababu zao,
VaGerishoni vakaverengwa nedzimba dzavo nemhuri dzavo.
39 kuanzia umri wa miaka thelathini hadi miaka hamsini, kwa kila mmoja aliyetakiwa kuungana na watu wanaotoa huduma kwenye hema ya kukutania.
Varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu, vakauya kuzoshanda pabasa romuTende Rokusangana,
40 Wanaume wote waliohesabiwa kufuata koo na familia za mababu zao walikuwa 2, 630.
vachiverengwa nedzimba dzavo nemhuri dzavo, vaisvika zviuru zviviri, namazana matanhatu namakumi matatu.
41 Musa na Haruni walizihesabu koo za uzao wa Gerishoni ambao watatumika kwenye hema ya kukutania. Walifanya hivi ili kutii ambacho BWANA aliwaamuru kufanya kuptia kwa Musa.
Ndiko kwakanga kuri kuwanda kwaavo vakanga vari vedzimba dzavaGerishoni vaishanda muTende Rokusangana. Mozisi naAroni vakavaverenga maererano nokurayira kwaJehovha.
42 Uzao wa Merari walihesabiwa kwa koo kupitia familia za mababu zao,
VaMerari vakaverengwa nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo.
43 kuanzia wenye umri wa miaka thelathini hadi miaka hamsini, kila anayepaswa kuungana na watu wanaotumika kwenye hema ya kukutania.
Varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vakauya kuzoshanda basa muTende Rokusangana,
44 Wanaume wote waliohesabiwa kupitia koo za familia za mababu zao walikuwa 3. 200.
vachiverengwa nedzimba dzavo, vaisvika zviuru zvitatu, namazana maviri.
45 Musa na Haruni waliwahesabu wanaume hawa, uzao wa Merari. Kw kufanya hivi walitii amri ya BWANA aliyowaaagiza kufanya kupitia kwa Musa.
Uku ndiko kwakanga kuri kuwanda kwaavo vaiva mudzimba dzavaMerari. Mozisi naAroni vakavaverenga maererano nokurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi.
46 Kwa hiyo Musa na Haruni na viongozi wa Israeli waliwahesabu Walawi wote kw kufuata koo na familia za mababu zao
Saka Mozisi, Aroni navatungamiri veIsraeri vakaverenga vaRevhi vose nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo.
47 kuanzia wenye umri wa miaka thelathini hadi miaka hamsini. walimhesabu kila aliyepaswa kufanya kazi kwenye masikani, na kila aliyepaswa kubeba na kulinda vitu vya kwenye hema ya kukutania.
Varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vakauya kuzoshanda basa uye vachitakura Tende Rokusangana,
48 Waliwahesabu wanaume 8, 580.
vakasvika zviuru zvisere, mazana mashanu namakumi masere.
49 Kwa agizo la BWANA, Musa alimhesabu kila mwanamume na kutunza kumbukumbu ya kazi ambayo kila mmoja anaweza kufanya. Kwa hivyo, walitii kile ambacho BWANA alikuwa amewaagiza kufanya kupitia kwa Musa.
Mumwe nomumwe akagoverwa basa rake akaudzwa zvokuita sokurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi. Saizvozvo vakaverengwa, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.

< Hesabu 4 >