< Hesabu 31 >

1 BWANA alinena na Musa na kumwambia,
Jehovha akati kuna Mozisi,
2 “Uwalipizie kisasi Wamidiani kwa kile walichowafanya Waisraeli. Baada ya kufanya hivyo utakufa na kukusanyika na watu wako.”
“Tsiva kuvaMidhiani zvavakaitira vaIsraeri. Shure kwaizvozvo uchandosanganiswa navanhu vako.”
3 Kwa hiyo Musa akawaambia watu. Akasema, “andaeni baadhi ya majeshi yenu kwa ajili ya vita ili kwamba wakawapige Wamidiani na kubeba kiapo cha BWANA.
Saka Mozisi akati kuvanhu, “Shongedzai vamwe varume vokwenyu nhumbi dzokurwa kuti vaende kundorwa navaMidhiani kuti vazadzise kutsiva kwaJehovha pamusoro pavo.
4 Kwa kila kabila la Israeli watatuma askari elfu moja kwa ajili ya vita.”
Endesai kuhondo varume chiuru kubva kurudzi rumwe norumwe rwavaIsraeri.”
5 Kwa hiyo kati ya wanaume maelfu elfu wa Israeli, wanaume elfu moja walitolewa kwa ajili ya vita, jumla ya wanaume elfu kumi na mbili.
Saka varume zviuru gumi nezviviri vakashongedzerwa kundorwa, chiuru chimwe kubva kurudzi rumwe norumwe, vakauyiswa vachibva kumhuri dzavaIsraeri.
6 Kisha Musa akawatuma kwenda vitani, elfu moja toka kila kabila pamoja na Finehasi mwana wa Eliazari kuhanai, wakiwa na vitu kutoka mahali patakatifu wakiwa na matarumbeta kwa ajili ya ishara za sauti.
Mozisi akavatuma kundorwa, chiuru kubva kurudzi rumwe norumwe, pamwe chete naFinehasi mwanakomana waEreazari muprista, uyo akatorawo nhumbi dzomunzvimbo tsvene nehwamanda dzokuridza pakutungamirira.
7 Wakapigana na Midiani, kama BWANA alivyokuwa amemwamuru Musa. Wakamwua kila mwanaume.
Vakarwisa vaMidhiani, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha, vakauraya varume vose.
8 Wakawaua wafalme wa Midiani pamoja na wengine waliowaua ni: Evi, Rekimu, Zuri, Huri, na Reba, hawa walaikuwa ndio waflme watano wa Midiani. pia walimwua Balaamu mwana wa Beori, kwa upanga.
Vakaurayiwa pakati pavo ndiEvhi, Rekemu, Zuri, Huri naRebha, madzimambo mashanu avaMidhiani. Vakaurayawo nomunondo Bharamu mwanakomana waBheori.
9 Jeshi la Israeli likawachukua mateka wanawake wa Midiani, watoto wao, mifugo yao yote, kondoo wao na bidhaa zao zote. walivichukua hivi kama mateka.
VaIsraeri vakatapa vakadzi vavaMidhiani navana vavo uye vakatora mombe dzose dzavaMidhiani, makwai nepfuma sezvinhu zvavakapamba.
10 Waliichoma moto miji yao yote walimoishi na kambi zao zote.
Vakapisa maguta ose avaMidhiani, pamwe chete nemisasa yavo yose.
11 Walichukua vitu vyote na wafungwa, watu na wanyama.
Vakatora zvose zvavakapamba, nepfuma, pamwe chete navanhu uye nezvipfuwo,
12 Wakawaleta mateka, nyara, na wakakamata vitu wakavileta kwa Musa, na Eliazari kuhani, na kwa jamii ya watu wa Israeli. Wakavileta hivi vitu kambini katika uwanda wa Moabu, kule Yorodani karibu na Yeriko.
vakauya nenhapwa, nepfuma uye nezvavakapamba kuna Mozisi naEreazari muprista, uye vaIsraeri vakaungana pamisasa yavo pamapani eMoabhu, paJorodhani uchibva mhiri kuJeriko.
13 Musa, Eliazari kuhani, pamoja na viongozi wa watu wakaenda kukutana nao nje ya kambi.
Mozisi, Ereazari navatungamiri vose veungano vakabuda kuti vandosangana navo kunze kwomusasa.
14 Lakini Musa alikuwa na hasira dhidi ya viongozi wa jeshi, Wale majemedari wa maelfu na maakida wa mamia, waliotoka kupigana.
Mozisi akatsamwira machinda ehondo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, vakadzoka kuhondo.
15 Musa akawaambia, “Je, mmeawaacha wanawake wote kuishi?
Akavabvunza akati, “Ko, makatendera vakadzi vose kuti vararame here?
16 Tazama, wanawake hawa ndio waliosababisha watu wa Israeli, kwa kupitia ushauri wa Balaamu, kufanya dhambi dhidi ya BWANA huko Peori, wakati ile tauni iliposambaa kwa watu wa Mungu.
Ndivo vakanga vachitevera zano raBharamu uye ndivo vakatsausa vaIsraeri kubva kuna Jehovha pane zvakaitika paPeori, naizvozvo denda rikauya pamusoro pavanhu vaJehovha.
17 Sasa basi, ueni kila mwanaume kuanzia wadogo, na ueni kila mwanamke aliyelala na mwanamume.
Zvino chiurayai vakomana vose. Uye muuraye mukadzi mumwe nomumwe akavata nomurume,
18 Lakini chukueni wale mabinti wadogo ambao hawajalala na mwanamume.
asi muzvisiyire musikana mumwe nomumwe asina kuvata nomurume.
19 Mtaweka kambi nje na kambi za Israeli kwa muda wa siku saba. Ninyi wote ambao mmeua watu au ambao mmegusa maiti yeyote mtajitakasa wenyewe katika siku ya tatu na katika siku ya saba - ninyi na mateka wenu.
“Imi mose makauraya ani zvake kana kubata ani zvake akaurayiwa, munofanira kugara kunze kwomusasa kwamazuva manomwe. Pazuva rechitanhatu nezuva rechinomwe, munofanira kuzvinatsa imi nenhapwa dzenyu.
20 Na mtayatakasa mavazi yenu yote, na kila kitu kilichotengenezwa kwa ngozi za wanyama, na manyoya ya mbuzi, na kila kitu kilichotengenezwa kwa mbao.”
Munatse nguo imwe neimwe pamwe chete nezvose zvakaitwa namatehwe, mvere dzembudzi kana makushe ehwai.”
21 Eliazarai kuahani akawaambia wale wanajeshi waliokuwa wameenda vitani, “Hii ni amri ya sheria ambayo BWANA alimpa Musa:
Ipapo Ereazari muprista akati kuvarwi vakanga vaenda kuhondo, “Hezvino zvinodikanwa
22 Zile dhahabu, fedha, vyuma, bati, risasi,
pamurayiro wakapiwa Mozisi naJehovha: goridhe, sirivha, ndarira, simbi, tini, mutobvu
23 na kila kitu knaweza kuhhimili moto, mtakiweka katka moto, navyo vitakuwa safi. Nakisha mtavitakasa vitu hivyo na maji ya farakano. Na vitu vyote ambavyo haviwezi kupita katika moto, mtavitakasa kwa maji hayo.
nezvimwewo zvisingaparadzwi nomoto; zvinofanira kuiswa mumoto, ipapo zvichava zvakanaka. Asi zvinofanirawo kucheneswa nemvura yokunatsa. Uye zvose zvisingagoni kukunda moto zvinofanira kupinzwa nomumvura imomo.
24 Na mtazifua nguao zenu katika siku ya saba, ndipo mtakapokuwa safi. Baada ya hapo mnaweza kurudi kwenye kambi za Israeli.”
Pazuva rechinomwe musuke nguo dzenyu, ipapo muchava vakachena. Ipapo mungazochipinda henyu mumusasa.”
25 Kisha BWANA akanena na Musa, akamwambia,
Jehovha akati kuna Mozisi,
26 “Vihesabu vitu vyote vilivyochukuliwa nyara, wote watu na wanyama. Wewe, Eliazari kuhani, na viongozi wa watu kufuata koo
“Iwe naEreazari muprista navakuru vemhuri veungano munofanira kuverenga vanhu vose nezvipfuwo zvakapambwa.
27 watavigawa hivi vitu katika mkundi mawili. Mvigawe kwa wanajeshi walioenda kupigana na kwa watu wote.
Mugovere zvakapambwa pakati pavarwi vakaenda kuhondo uye navakasara muungano.
28 Kisha toza kodi ambayo itatolewa kwangu kutoka kwa wanajeshi waliokuwa wameenda vitani. Hii kodi itakuwa moja kati ya mia tano, katika watu, ng'ombe, punda, kondoo, au mbuzi.
Kubva kuvarwi vakanga vandorwa kuhondo, utsaure somutero waJehovha chinhu chimwe chete pazvinhu mazana mashanu, vangava vanhu, mombe, mbongoro, makwai kana mbudzi.
29 Uichukue hii kodi kutoka katika nusu yao na umpe Eliazari kuhani kwa ajili ya sadaka itakayotolewa kwangu.
Utore mutero uyu kubva pahafu yavo yomugove wavo ugopa kuna Ereazari muprista somugove waJehovha.
30 Pia kutoka katika nusu ya watu wa Israeli, utachukua moja kati ya hamsini -kutoka vitu, ng'ombe, punda, na mbuzi. Uvitoe hivi kwa Walawi wanaotumika katika masikani yangu.”
Kubva kuhafu inova yavaIsraeri, utsaure chinhu chimwe chete kubva pamakumi mashanu oga oga, vangava vanhu, mombe, mbongoro, makwai, mbudzi kana zvimwe zvipfuwo. Uzvipe kuvaRevhi, ivo vane basa rokuchengeta tabhenakeri yaJehovha.”
31 Kwa hiyo Musa na Eliazari kuhani wakafanya kama BWANA alivyokuwa amemwamuru Musa.
Saka Mozisi naEreazari muprista vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
32 Sasa zile nyara zilizokuwa zimebaki ambazo wanajeshi walikuwa wameteka zilikuwa kondoo 675, 000,
Zvakatapwa zvakasara pane zvavakapamba zvakanga zvatorwa navarwi zvaisvika zviuru mazana matanhatu namakumi manomwe nezvishanu zvamakwai,
33 maksai elfu sabini na mbili,
mombe zviuru makumi manomwe nezviviri,
34 punda elfu sitini na moja,
mbongoro zviuru makumi matanhatu nechiuru chimwe chete
35 na wanawake elfu thelathini na mbili ambao walikuwa hawajalala na mwanamume yeyote.
uye vakadzi zviuru makumi matatu nezviviri vakanga vasina kumbovata navarume.
36 Ile hesabu ya nusu iliyokuwa imetunzwa kwa ajili ya wanajeshi ilikuwa kondoo 337, 000. Ile sehemu ya
Hafu yomugove wavaya vakarwa muhondo yaiva: makwai zviuru mazana matatu namakumi matatu nezvinomwe, namazana mashanu,
37 BWANA ya kondoo ilikuwa kondoo 675.
mutero waJehovha paari wakanga uri makwai mazana matanhatu namakwai manomwe namashanu;
38 Maksai walikuwa elfu thelathini na sita ambayo kodi ya BWANA ilikuwa sabini na mbili.
mombe dzaisvika zviuru makumi matatu nezvitanhatu, mutero waJehovha padziri waiva mombe makumi manomwe nembiri;
39 Punda walikuwa 30, 500 ambao sehemu ya BWANA ilikuwa sitini na moja.
mbongoro dzaiva zviuru makumi matatu namazana mashanu, mutero waJehovha padziri wakanga uri mbongoro makumi matanhatu neimwe chete;
40 Watu walikuwa wanawake elfu kumi na sita ambao kodi ya BWANA ilikuwa thelathini na mbili.
vanhu vaisvika zviuru gumi nezvitanhatu, mutero waJehovha pavari waiva vanhu makumi matatu navaviri.
41 Musa aliichukua ile kodi ambayo ilitakiwa kuwekwa sadaka kwa BWANA. Akampatia Eliazari kuhani, kama BWANA alivyomwamuru Musa.
Mozisi akapa mutero kuna Ereazari muprista somugove waJehovha, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
42 Ile nusu ya watu wa Israeli ambayo Musa alikuwa ameichukua toka kwa wanawjeshi waliokuwa wameenda vitani -
Hafu yakanga iri yavaIsraeri, yakatsaurwa naMozisi kubva kuvarume vehondo,
43 ile nusu y a watu ilikuwa kondoo 337, 500,
hafu yeungano yaiva makwai zviuru mazana matatu namakumi matatu namanomwe, namazana mashanu,
44 maksai elfu thelathini na sita,
mombe zviuru makumi matatu, nezvitanhatu,
45 punda 30, 500,
mbongoro dzaiva zviuru makumi matatu, namazana mashanu
46 na wanawake elfu kumi na sita.
uye vanhu vaiva zviuru gumi nezvitanhatu.
47 Kutoka kwenye nusu ya watu wa Israeli, Musa alichukua moja katika hamsini, wote watu na wanyama. Aliwapa Walawi ambao huitumikia masikani ya BWANA, kama BWANA alivyokuwa amemwamuru kufanya.
Kubva pahafu yaiva yavaIsraeri, Mozisi akatsaura munhu mumwe chete kubva pavanhu makumi mashanu, chipfuwo chimwe chete kubva pazvipfuwo makumi mashanu, sezvakarayirwa naJehovha, akazvipa kuvaRevhi, vakanga vane basa rokuchengeta tabhenakeri yaJehovha.
48 Kisha wale maakida wa jeshi, makamanda wa elfu na makapteni wa mamia, wakaja kwa Musa.
Ipapo machinda akanga ari vatariri vamapoka ehondo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana vakaenda kuna Mozisi
49 Wakamwambia, “watumishi wako wamewahesabu wanajeshi ambao wako chini yetu, hakuna hata mmoja wao aliyekosa.
vakati kwaari, “Varanda venyu vaverenga varwi vari pasi pedu, hapana kana mumwe chete asipo.
50 Tumemletea BWANA sadaka, ambayo kila mmoja amepata, vitu vya dhahabu, metali, timbi, pete za mhuri, vipini na vikuku, ili kujifanyia upatanisho kwa BWANA.”
Saka tauya nechipo kuna Jehovha chezvishongo zvegoridhe zvakawanikwa nomumwe nomumwe wedu, zvishongo zvegoridhe, mhete dzomumaoko, mhete dzomunzeve nouketani hwomumutsipa kuti tizviyananisire pamberi paJehovha.”
51 Musa na Eliazari kuhani akapokea kutoka kwao dhahabu na vitu vyote vilivyotengenezwa kwa ufundi.
Mozisi naEreazari muprista vakagamuchira kubva kwavari goridhe, zvinhu zvose zvakanga zvakaitwa noumhizha.
52 Vitu vyote vya sadaka ya dhahabu ambavyo walimpa BWANA- sadaka toka kwa makamanda wa maelfu na kutoka kwa makepteni wa mamia - vilikuwa na uzito wa shekeli 16, 750.
Goridhe rose rakabva kuvatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana rakapiwa kuna Jehovha naMozisi naEreazari muprista rairema mashekeri zviuru gumi nezvitanhatu, namazana manomwe namakumi mashanu.
53 Kila mwanajeshi alikuwa ameteka nyara ya kila mtu kwa ajili yake.
Murwi mumwe nomumwe akanga azvitorera zvake zvakapambwa.
54 Musa na Eliazari kuhani wakazichukuazile dhahabu toka kwa makamanda wa maelfu na makepteni wa mamia. Wakavipeleka kwenye hema ya kukutania kama ukumbusho wa watu wa Israeli kwa BWANA.
Mozisi naEreazari muprista vakagamuchira goridhe rakabva kuvatungamiri vezviuru nokuvatungamiri vamazana vakariisa muTende Rokusangana kuti chive chirangaridzo chavaIsraeri pamberi paJehovha.

< Hesabu 31 >