< Mika 2 >

1 Ole wao wale wanao wanaokusudia mabaya, kwa wale wanaokusudia kwenye vitanda vyao kufanya maovu. Katika asubuhi wanayafanya kwa sababu wana nguvu.
Vane nhamo avo vanoronga zvakaipa, avo vanoronga zvakaipa pamibhedha yavo! Pakuedza kwamangwanani vanozviita nokuti zviri musimba ravo kuzviita.
2 Wanatamani mashamba na kuyapunguza; wanazitamani nyumba na kuzichukua. Wanadhulumu mtu na nyumba yake, mtu na urithi wake.
Vanochiva minda vagoipamba, nedzimba, uye vagodzitora. Vanobira munhu imba yake, nomuvakidzani nhaka yake.
3 Kwa hiyo Yahwe asema hivi, “Tazama, nakaribia kuleta janga dhidi ya huu ukoo, ambalo hamtazitoa shingo zenu. Hamtatembea kwa kiburi, kwa kuwa itakuwa wakati wa uovu.
Naizvozvo Jehovha anoti, “Ndiri kuronga njodzi yokurwisa nayo vanhu ava, zvamusingagoni kuzvidzivirira kwazviri. Hamuchazofambizve muchizvikudza, nokuti ichava nguva yedambudziko.
4 Katika siku hiyo maadui zako wataimba wimbo kuhusu wewe, na kuomboleza kwa maombolezo ya huzuni. Wataimba, 'Sisi Waisraeli tumeangamizwa kabisa; Yahwe hubadilisha eneo la watu wangu. Je ataliondoaje kutoka kwangu? Huwagawia mshamba yetu kusaliti.”'
Pazuva iro vanhu vachakutukai; vachakudenhai norwiyo urwu rwokuchema: ‘Taitwa dongo chose; pfuma yavanhu vangu yagovaniswa. Anonditorera! Anopa minda yedu kuna vanotimukira?’”
5 Kwa hiyo, ninyi watu matajiri hamtakuwa uzao kugawanya eneo kwa kupiga kura katika mkutano wa Yahwe.
Naizvozvo muchashayiwa munhu kana mumwe, muungano yaJehovha, kuti agove nyika nemijenya.
6 “Msitabiri,” wanasema. “Hawatayatabiri haya mambo; lawama hazitakuja.”
Vaprofita vavo vanoti, “Musaprofita, musaprofita pamusoro pezvinhu izvi; kunyadziswa hakungatibati.”
7 Je litasemwa kweli, nyumba ya Yakobo, “je Roho ya Yahwe? Je haya ni matendo yake kweli?” Maneno yangu hayafai kwa kila mmoja atembeaye kwa unyoofu?
Zvingataurwe here, nhai imi imba yaJakobho, kuti: “Ko, mweya waJehovha watsamwa here? Iye anoita zvinhu zvakadaro here?” “Ko, mashoko angu haaiti zvakanaka here kuno uyo ane nzira dzake dzakarurama?
8 Hivi karibuni watu wangu wameinuka kama adui. Mmelivua joho, nguo, kutoka wale wapitao wasioshutumiwa, kama maaskari kurudi kutoka kwenye vita kwa kile wakifikiriacho ni salama.
Asi mazuva ano vanhu vangu vakandimukira somuvengi. Munobvisa majasi anokosha pane avo vanopfuura musina kana hanya, savarume vodzoka kubva kuhondo.
9 Mnawaendesha wanawake wangu kwa watu wangu kutoka kwenye nyumba nzuri; mnachukua baraka kutoka kwa watoto wao wadogo daima.
Munodzinga madzimai avanhu vangu kubva mudzimba dzavo dzakanaka. Munotora ropafadzo yangu kubva kuvana vavo nokusingaperi.
10 Inukeni na muondoke, kwa kuwa hii sio sehemu ambayo mnaweza kuishi, kwa sababu ya unajisi wake; imeangamizwa kwa maangamizo kabisa.
Simukai, ibvai pano! Nokuti ino haisi nzvimbo yenyu yokuzororera, nokuti yakasvibiswa, yakaparadzwa zvisingagadziriki.
11 Kama mtu akija kwenu katika roho ya uongo na kudanganya na kusema, “Nitatabiri kwenu kuhusu mvinyo na kilevi kikali,” angeweza kufikiriwa kuwa nabii kwa ajili ya hawa watu.
Kana munyepi nomunyengeri akauya oti, ‘Ndichakuprofitirai waini zhinji nedoro,’ iyeyu achava muprofita wavanhu ava!
12 Nitawaleta pamoja wote hakika, Yakobo. Hakika nitawakusanya mabaki ya Israeli. Nitawaleta pamoja kama kondoo katika zizi, kama kundi la wanyama katika malisho. Kutakuwa na kelele kwasababu ya wingi wa watu.
“Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, iwe Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza pamwe chete vakasara vaIsraeri. Ndichavaunganidza pamwe chete samakwai muchirugu, seboka pamafuro aro; nzvimbo yacho ichazara navanhu.
13 Mtu avunjaye hufungua njia zao kwa ajili yao kwenda mbele yao. Wamebomoa kupitia lango na kutoka nje; mfalme wao atapita mbele yao. Yahwe atakuwa mbele yao.
Uyo achaparura nzira achaenda pamberi pavo; vachapwanya napasuo vagobuda panze. Mambo wavo achapfuura ari pamberi pavo, Iye Jehovha achivatungamirira.”

< Mika 2 >