< Mathayo 5 >
1 Yesu alipo uona umati, akaondoka na kuelekea Mlimani. Alipokuwa ameketi chini, wanafunzi wake wakaja kwake.
Zvino akati aona vanhu vazhinji, akakwira mugomo uye akagara pasi. Vadzidzi vake vakauya kwaari,
2 Akafunua kinywa chake na akawafundisha, akisema,
uye akatanga kuvadzidzisa achiti:
3 “Heri walio maskini wa roho maana ufalme wa mbinguni ni wao.
“Vakaropafadzwa varombo pamweya, nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.
4 Heri walio na huzuni, maana watafarijiwa.
Vakaropafadzwa vanochema nokuti vachanyaradzwa.
5 Heri wenye upole, maana watairithi nchi.
Vakaropafadzwa vanyoro nokuti vachagara nhaka yenyika.
6 Heri wenye njaa na kiu ya haki, maana hao watashibishwa.
Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakarurama nokuti vachagutswa kwazvo.
7 Heri wenye rehema maana hao watapata Rehema.
Vakaropafadzwa vane tsitsi nokuti naivowo vachaitirwa tsitsi.
8 Heri wenye moyo safi maana watamwona Mungu.
Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo, nokuti vachaona Mwari.
9 Heri wapatanishi, maana hao wataitwa wana wa Mungu.
Vakaropafadzwa vanoyananisa nokuti vachanzi vana vaMwari.
10 Heri wale wanaoteswa kwa ajili ya haki, maana ufalme wa mbinguni ni wao.
Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.
11 Heri ninyi ambao watu watawatukana na kuwatesa, au kusema kila aina ya ubaya dhidi yenu kwa uongo kwa ajili yangu.
“Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu.
12 Furahini na kushangilia, maana thawabu yenu ni kubwa juu mbinguni. Kwa kuwa hivi ndivyo watu walivyo watesa manabii walioishi kabla yenu.
Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.
13 Ninyi ni chumvi ya dunia. Lakini kama chumvi imepoteza ladha yake, itawezaje kufanyika chumvi halisi tena? Kamwe haiwezi kuwa nzuri kwa kitu kingine chochote tena, isipokuwa ni kutupwa nje na kukanyagwa na miguu ya watu.
“Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu.
14 Ninyi ni nuru ya ulimwengu. Mji uliojegwa juu ya mlima haufichiki.
“Imi muri chiedza chenyika. Guta riri pamusoro pegomo haringavanziki.
15 Wala watu hawawashi taa na kuweka chini ya kikapu, bali kwenye kinara, nayo yawaangaza wote walio ndani ya nyumba.
Uye vanhu havangatungidzi mwenje vagouisa pasi pedengu. Asi kutoti vanouisa pachigadziko kuti uvhenekere vose vari mumba.
16 Acha nuru yenu iangaze mbele za watu kwa namna ambayo kwamba, wayaone matendo yenu mema na kumtukuza Baba yenu aliye mbinguni.
Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.
17 Msifikiri nimekuja kuiharibu sheria wala manabii. Sijaja kuharibu lakini kutimiza.
“Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza Murayiro kana Vaprofita; handina kuuya kuzozviparadza asi kuzozvizadzisa.
18 Kwa kweli nawaambia kwamba mpaka mbingu na dunia zote zipite hapana yodi moja wala nukta moja ya sheria itaondoshwa katika sheria hadi hapo kila kitu kitakapokuwa kimekwisha timizwa.
Ndinokuudzai chokwadi, kuti kusvikira denga nenyika zvapfuura, hakuna vara duku sei kana chimwe chinhu chiduku sei chichabviswa paMurayiro, kusvikira zvose zvazadziswa.
19 Hivyo yeyote avunjaye amri ndogo mojawapo ya amri hizi na kuwafundisha wengine kufanya hivyo ataitwa mdogo katika ufalme wa mbinguni. Lakini yeyote azishikaye na kuzifundisha ataitwa mkubwa katika ufalme wa mbinguni.
Asi ani naani anotyora mumwe chete wemirayiro miduku iyi uye achizodzidzisawo vamwe kuita zvimwe chetezvo achanzi muduku muumambo hwokudenga. Asi ani naani anochengeta uye anodzidzisa mirayiro iyi, achanzi mukuru muumambo hwokudenga.
20 Kwa maana nawaambia haki yenu isipozidi haki ya waandishi na Mafarisayo, kwa vyovyote vile hamtaingia katika ufalme wa mbinguni.
Nokuti ndinokuudzai zvirokwazvo kuti kana kururama kwenyu kukasapfuura kwavaFarisi nokwavadzidzisi vemirayiro, zvirokwazvo hamungapindi muumambo hwokudenga.
21 Mmesikia ilinenwa zamani kuwa, “usiue” na 'yeyote auaye yuko katika hatari ya hukumu.'
“Makanzwa zvakataurwa kune vanhu vekare zvichinzi, ‘Usauraya uye ani naani anouraya achatongwa.’
22 Lakini nawaambia yeyote amchukiaye ndugu yake atakuwa katika hatari ya hukumu. Na yeyote amwambiaye ndugu yake kuwa, 'Wewe ni mtu usiyefaa!' atakuwa katika hatari ya baraza. Na yeyote asemaye, 'Wewe mjinga!' atakuwa katika hatari ya moto wa jehanamu. (Geenna )
Asi ini ndinokuudzai kuti ani naani anotsamwira hama yake achatongwa. Uyezve ani naani anoti, ‘Raka’ kuhama yake achamiswa pamberi pedare ravatongi. Asizve ani naani anoti kuhama yake, ‘Iwe benzi!’ achapara mhosva yokuti atongerwe moto wegehena. (Geenna )
23 Hivyo kama unatoa sadaka yako katika madhabahu na unakumbuka kuwa ndugu yako ana jambo lolote dhidi yako,
“Naizvozvo kana wada kupa chipo chako paaritari, ukayeuka pakarepo kuti wakatadzira hama yako,
24 iache sadaka mbele ya madhabahu, kisha shika njia yako. Kapatane kwanza na ndugu yako, na kisha uje kuitoa sadaka yako.
siya chipo chako ipapo pamberi pearitari. Tanga waenda undoyanana nehama yako, wozouya wopa chipo chako.
25 Patana na mshitaki wako upesi, ukiwa pamoja naye njiani kuelekea mahakamani, vinginevyo mshtaki wako anaweza kukuacha mikononi mwa hakimu, na hakimu akuache mikononi mwa askari, nawe utatupwa gerezani.
“Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako uyo ari kukuendesa kudare. Ita izvi uchiri munzira naye, kana kuti angangokuisa kumutongi uye mutongi agokuisa kumutariri, uye ugokandwa mutorongo.
26 Amini nawaambieni, kamwe hutawekwa huru hadi umelipa senti ya mwisho ya pesa unayodaiwa.
Ndinokuudzai chokwadi kuti haungabudimo kusvikira waripa kamari kokupedzisira.
27 Mmesikia imenenwa kuwa, 'Usizini.'
“Makanzwa zvichinzi, ‘Usaita upombwe.’
28 Lakini nawaambieni yeyote amtazamaye mwanamke kwa kumtamani amekwisha kuzini naye moyoni mwake.
Asi ini ndinoti kwamuri ani naani anotarisa mukadzi neziso roruchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.
29 Na kama jicho lako la kulia linakusababisha kujikwaa, ling'oe na ulitupe mbali nawe. Kwa kuwa ni afadhali kiungo kimoja katika mwili wako kiharibike kuliko mwili mzima kutupwa jehanamu. (Geenna )
Kana ziso rako rorudyi richikuita kuti utadze, ribvise urirase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako pano kuti muviri wako wose ukandwe mugehena. (Geenna )
30 Na kama mkono wako wa kuume unakusababisha kujikwaa, ukate kisha uutupilie mbali nawe. Maana ni afadhali kiungo kimoja katika mwili wako kiharibike kuliko mwili mzima kutupwa jehanamu. (Geenna )
Uye kana ruoko rwako rworudyi ruchikuita kuti utadze, rucheke ururase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako, pano kuti muviri wako wose uende kugehena. (Geenna )
31 Imenenwa pia, yeyote amfukuzaye mkewe, na ampe hati ya talaka.'
“Zvakanzi, ‘Ani naani anoramba mukadzi wake anofanira kumupa gwaro rokurambana.’
32 Lakini mimi nawaambia, yeyote anaye mwacha mke wake, isipokuwa kwa kwa sababu ya zinaa, amfanya kuwa mzinzi. Na yeyote amuoaye baada ya kupewa talaka afanya uzinzi.
Asi ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake kunze kwemhosva yokusatendeka muwaniso anomuitisa upombwe, uye ani naani anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe.
33 Tena, mmesikia ilinenwa kwa wale wa zamani, 'Msiape kwa uongo, bali pelekeni viapo vyenu kwa Bwana.'
“Makanzwa zvakare zvichitaurwa kuvanhu vekare kare zvichinzi, ‘Usatyora mhiko dzako, asi zadzisa mhiko dzose dzaunenge waita kuna Ishe.’
34 Lakini nawaambia, msiape hata kidogo, ama kwa mbingu, kwa sababu ni enzi ya Mungu;
Asi ndinokuudzai kuti, Musatongopika: kunyange nedenga nokuti ndiro chigaro chaMwari choumambo;
35 wala kwa dunia, maana ni mahali pa kuweka kiti cha kukanyagia nyayo zake, ama kwa Jerusalemu, maana ni mji wa mfalme mkuu.
kana nenyika nokuti ndiyo chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema nokuti ndiro guta raMambo Mukuru.
36 Wala usiape kwa kichwa chako, maana huwezi kufanya unywele mmoja kuwa mweupe au mweusi.
Uye usapika nomusoro wako nokuti haugoni kuita kuti bvudzi rimwe chete rive jena kana dema.
37 Bali maneno yenu yawe, 'Ndiyo, ndiyo, Hapana, hapana.' Kwa kuwa yazidiyo hayo yatoka kwa yule mwovu.
Hongu yako ngaingova ‘Hongu’, ne‘Kwete’ yako ive ‘Kwete’; zvimwe zvinopfuura izvi zvinobva kuno wakaipa.
38 Mmesikia imenenwa kuwa, 'Jicho kwa jicho, na jino kwa jino.'
“Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ziso rinotsiviwa neziso, uye zino rinotsiviwa nezino.’
39 Lakini mimi namwambia, Msishindane na mtu mwovu; lakini mtu akikupiga shavu la kulia mgeuzie na jingine pia.
Asi ndinokuudzai kuti, Musadzivisa munhu akaipa. Kana munhu akakurova padama rorudyi, murinzire roruboshwewo.
40 Na kama yeyote anatamani kwenda na wewe mahakamani na akakunyang'anya kanzu yako, mwachie na joho lako pia.
Kana munhu akakukwirira kumatare achida kukutorera nguo yako, rega atorewo nejasi rako.
41 Na yeyote akulazimishaye kwenda naye maili moja, nenda naye maili mbili.
Kana munhu akakumanikidza kufamba mutunhu mumwe chete, famba naye miviri.
42 Kwa yeyote akuombaye mpatie, na usimwepuke yeyote anayehitaji kukukopa.
Kana munhu akakukumbira chinhu, mupe, uye usafuratira munhu anoda kukwereta kwauri.
43 Mmesikia imenenwa, 'Umpende jirani yako, na umchukie adui yako.'
“Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida wokwako, uvenge muvengi wako.’
44 Lakini nawaambia, wapendeni adui zenu, waombeeni wanao waudhi,
Asi ini ndinokuudzai kuti, Idai vavengi venyu, mugonyengeterera avo vanokutambudzai,
45 Ili kwamba muwe watoto wa baba yenu aliye mbinguni. Kwa kuwa anafanya jua liwaangazie wabaya na wema, na anawanyeshea mvua waovu na wema.
kuitira kuti mugova vana vaBaba venyu vari kudenga. Ivo vanoita kuti zuva ravo ribude pane vakaipa nevakanaka uye vanonayisa mvura yavo pane vakarurama nevasakarurama.
46 Kama mkiwapenda wanaowapenda ninyi, mwapata thawabu gani? Kwani watoza ushuru hawafanyi hivyo?
Kana mukangoda avo vanokudai, muchawana mubayiro wei? Vateresi havaiti zvimwe chetezvo here?
47 Na kama mkiwasalimia ndugu zenu tu mwapata nini zaidi ya wengine? Je!, Watu wa mataifa hawafanyi vivyo hivyo?
Kana muchingokwazisana nehama dzenyu bedzi, mungakunda vamwe pakudii? Ko, vasingatendi havaiti zvimwe chetezvo here?
48 Kwa hiyo yawapasa kuwa wakamilifu, kama Baba yenu wa mbinguni alivyo mkamilifu.
Naizvozvo, ivai vakakwana, sezvo Baba venyu vari kudenga vari vakakwana.