< Malaki 1 >

1 Tamko la neno la Bwana kwa Israeki kwa mkono wa Malaki.
Chirevo: Shoko raJehovha kuna Israeri kubudikidza naMaraki.
2 “Nilikupenda, “asema Bwana. Lakini unasema, “kwa jinsi gani ulitupenda?” Esau siyo ndugu yake Yakobo?” asema Bwana. “Na bado nampenda Yakobo,
Jehovha anoti, “Ndakakudai.” Asi imi munobvunza muchiti, “Makatida seiko?” Jehovha anoti, “Ko, Esau akanga asiri mukoma waJakobho here?
3 lakini nimemchukia Esau. nimeifanya milima yake kuwa ukiwa, na nimepafanya urithi wake kuwa makao ya mbweha wa jangwani.”
Asi Esau ndakamuvenga, uye ndakashandura makomo ake akava matongo ndikapa nhaka yake kumakava murenje.”
4 Kama Edomu husema, “Tumepigwa, lakini tutarudi na kujenga palipoharibiwa; “Bwana wa Majeshi asama hivi, “Watajenga lakini nitaiangusha chini; na wanaume watawaita 'Nchi ya uovu', na 'Watu ambao ambao Mungu ana hasira nao milele.”'
Edhomu angati, “Kunyange takaparadzwa hedu, tichavakazve matongo.” Asi zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Vangavaka havo, asi ndichakoromora. Vachanzi Nyika Yakaipa, vanhu vachagara vakatsamwirwa naJehovha.
5 kwa macho yenu mtaona hili, na mtasema, “Bwana ni mkuu mbele ya mipaka ya Israel.”
Muchazvionera nameso enyu mugoti, ‘Jehovha mukuru zvokutopfuura miganhu yeIsraeri!’”
6 mtoto amtiibaba yake, na mtumwa amtii bwana wake. ikiwa mimi, ni baba, iko wapi heshima yangu? na kama mimi ni bwana, iko wapi heshima yangu? Bwana wa majeshi asema hivi kwenu, makuhani, mnaodharau jina langu. lakini mnasema, 'tumeridharauje jina lako?
Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Mwanakomana anokudza baba vake, uye muranda anokudza tenzi wake. Kana ndiri baba, kukudzwa kwangu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kuremekedzwa kwangu kuripiko? Ndimi, iyemi vaprista, munozvidza zita rangu. “Asi munobvunza muchiti, ‘Takazvidza zita renyu seiko?’”
7 kwa kutoa mikate iliyonajisi madhabahuni kwangu. Na mnasema kuwa, 'Tumekuradhau kwa namna gani?' Kwa kusema hivyomeza ya Bwana imedharauliwa.
“Munondivigira zvokudya zvakasvibiswa paaritari yangu. “Asi imi munobvunza muchiti, ‘Takakusvibisai neiko?’” Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Pakutaura kwenyu muchiti tafura yaJehovha inozvidzika.
8 Mkitoa sadaka ya wanyama vipofu, hiyo siyo dhambi? na kama mkitoa vilema na wagonjwa, hiyo siyo dhambi? pelekeni hili kwa liwali; atawakubali au atainua nyuso zetu?” asema Bwana wa Majeshi.
Pamunouya nezvipfuwo zvakapofumara kuti zvibayirwe, hazvina kuipa here? Pamunobayira zvipfuwo zvakaremara kana zvinorwara, hazvina kuipa here? Chimboedzai kuzvivigira mubati wenyu! Angafadzwa nemi here? Angakugamuchirai here?”
9 Na sasa, mnajaribu kutafuta neema ya Mungu, ili kwamba awe mwema kwetu. “Na aina gani ya sadaka kwa sehemu yenu, ataziinua nyuso zenu? asema Bwana wa Majeshi.
Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Zvino kumbirai Mwari kuti atiitire nyasha. Nezvipo zvakadai zvinobva mumaoko enyu, angakugamuchirai here?”
10 Kama kungekuwa na mtu ambaye angefunga lango la Hekalu, ili kwamba kusewe na mto madhabahuni bure! lakini sina radhi na ninyi, “asema Bwana wa majeshi, “na sitaikubali sadaka yeyote kutoka katika mikono yenu.
“Haiwa, dai mumwe wenyu aipfiga mikova yetemberi, kuitira kuti murege kubatidza moto isina maturo paaritari yangu! Handifadzwi nemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “uye handingagamuchiri zvipiriso zvinobva mumaoko enyu.
11 Kutoka mawio ya jua mpaka machweo jina langu litakuwa kuu katikati ya mataifa; katika kila sehemu uvumba utatolewa katika jina langu, na pia sadaka safi. Kwa sababu jina langu likuwa kuu sana katikatik ya mataif,” asema Bwana wa majeshi.
Zita rangu richava guru pakati pendudzi, kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. Zvinonhuhwira nezvipiriso zvitsvene zvichauyiswa kuzita rangu munzvimbo dzose, nokuti zita rangu richava guru pakati pendudzi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
12 “lakini ninyi mnachafua mnaposema meza ya Bwana mnainajisi, na matunda yake, na chakula chake kudharauka.
“Asi munoizvidza pamunoti, ‘Tafura yaJehovha yakasvibiswa, uye zvokudya zvayo zvakashoreka.’
13 Na ninyi pia mwasema, 'jambo hili limetuchosha, nanyi mnalidharau, “asema Bwana wa majeshi. “Mmerudisha kilichokuwa kimechukuliwa na wanyama wa mwitu au vilema au walio wagonjwa; na ndicho mnaleta kuwa sadaka zenu! Je naweza kuikubali hii mikononi mwenu?” asema Bwana.
Uye munoti, ‘Zvinorema sei!’ uye munoifembedza muchiizvidza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Pamunouyisa zvipfuwo zvakakuvara, zvakaremara kana zvinorwara kuzozvipa sezvibayiro, ndingazvigamuchira kubva pamaoko enyu here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
14 Alaniwe alye mdanganyifu, ambaye anaye mnyama dume katika kundi lake ana akaahidi kunitolea, lakini bado anatoa kwangu, mimi Bwana, ambayo ni kiujanja ujanja; kwa kuwa mimi ni mfalme mkuu,” asema Bwana wa Majeshi, “na jina langu litaogopwa katika mataifa.”
“Ngaatukwe munyengeri ane gondobwe rakanaka pakati pamakwai ake, anopika kuti acharipa, asi agobayira chipfuwo chine chakaipa pachiri kuna Ishe. Nokuti ndiri mambo mukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “uye zita rangu rinofanira kutyiwa pakati pendudzi.

< Malaki 1 >