< Isaya 30 >

1 Ole wa watoto waasi, ''Hili ni tamko la Yahwe. ''Wataweka mipango, lakini haitatoka kwangu; wataungana na mataifa mengine, lakini hawakuongozwa na Roho wangu, hivyo wanongeza dhambi baada ya dhambi.
“Vane nhamo vana vakasindimara,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kuna avo vanoita urongwa husati huri hwangu, vanoita sungano, asi vasingaiti noMweya wangu, vachiunganidza chivi pamusoro pechivi;
2 Wanapanga kushuka chini Misri, lakini hawajaniomba niwaelekeze. Wanatafuta ulinzi kutoka kwa Farao kuchukua kimbilio katika kivuli cha Misri.
vanoenda kuIjipiti vasina kundibvunza; vanotsvaka rubatsiro rworudziviriro rwaFaro, vanotsvaka utiziro kumumvuri weIjipiti.
3 Hivyo basi ulinzi wa Farao utakuwa aibu yenu, na kimbilio lenu katika kivuli cha Misri, kitakuwa udhalilishaji wenu,
Asi kudzivirira kwaFaro kuchava kunyadziswa kwenyu, mumvuri weIjipiti uchakuvigirai kunyadziswa,
4 japo wakuu wako Sayuni, na wajumbe wao wamekuja Hanesi.
kunyange vaine machinda muZoani uye nhume dzavo dzasvika muHanesi,
5 Watahaibika kwa sababu ya watu ambao hawawezi kuwasaidia, wala kuwa na faida, lakini ni aibu, na fedheha.
mumwe nomumwe wavo achanyadziswa nokuda kwavanhu vasina betsero kwavari, vasingavavigiri rubatsiro kana ruyamuro, asi kunyadziswa chete nokuzvidzwa.”
6 Tamko kuhusu mnyama wa Negevi: kupitia kwenye mlango wa mateso na hatari, wa simba jike na simba dume, nyoka na nyoka wa moto aneyepaa, wamebeba utajiri wao kwenye mgongo wa punda, na hazina yao katika mabega ya ngamia, kwa watu ambao hawana msaada kwao.
Chirevo pamusoro pemhuka dzeNegevhi: nomunyika yenhamo namatambudziko, yeshumba neshumbakadzi, yemvumbi nenyoka dzine hasha uye dzinobhururuka, nhume dzinotakura pfuma yadzo pamusoro pembongoro, noupfumi hwadzo pamusoro penyundwa dzengamera, dzichihuendesa kurudzi rusingabatsiri,
7 Maana msaada Misri hauna maana; hivyo basi nimemwita Rahabu, aliyekaa bado.
kuIjipiti kuno rubatsiro rusina maturo chose. Naizvozvo ndinomutumidza zita rokuti Rahabhi Asina Chaanoita.
8 Sasa nenda, andika hili mbele yao juu ya meza, na uyaandike katika kitabu, iliyaifadhiwe kwa mda mrefu kama ushuhuda.
Chienda iye zvino, unovanyorera pahwendefa izvozvo, uzvinyore murugwaro, kuti pamazuva anouya chigova chapupu nokusingaperi.
9 Maana ni watu waasi, watoto waongo, watoto ambao hawaskilizi maelekezo ya Yahwe.
Ava ndivo vanhu vakapanduka, vana vokunyengera, vana vasingadi kunzwa kurayira kwaJehovha.
10 Wanawambia waonaji, ''msiangalie; na kwa manabii, ''msitabiri yaliyoyakweli kwetu; zungumza maneno ya kujipendeza kwetu, tabiri udanganyifu. Geukeni katika njia,
Vanoti kuvaoni, “Regai kuonazve zviratidzo!” nokuvaprofita, “Regai kutipazve zviratidzo zvezvakanaka! Tiudzei zvinhu zvinofadza, muprofite zvinonyengera.
11 ondokeni kwenye njia; maana Mtakatifu wa Israeli amesitisha kuongea mbele ya uso wetu.
Siyai nzira iyi, ibvai mugwara iri, murege kuita kuti timisidzane noMutsvene waIsraeri!”
12 Hivyo basi mtakatifu wa Israeli asema, ''Kwa sababu umekataa maneno haya na kujifunza ukandamizaji na udanganyifu,
Naizvozvo zvanzi naMutsvene waIsraeri: “Nokuti makaramba shoko rangu iri, mukasendamira pakumanikidza uye mukavimba nokunyengera,
13 hivyo dhambi hii itakuwa kwenu kama kitu kilichovunjika tayari kwa kuanguka, kama kitu katika ukuta mrefu ambao anguko lake linakaribia, papo kwa hapo.''
chivi ichi chichava kwamuri sorusvingo, rwakatsemuka nokufutunuka, runoondomoka pakarepo uye nokukurumidza.
14 Atavunja kama chombo cha mfinyanyanzi kivunjavyo, hivyo basi hakitabaki kitu, hivyo hakuna vipande vyovyote vya kigae kitoshacho kutwaa moto jikoni, kuchota maji kisimani.
Ruchaputsika kuita zvimedu zvimedu sehari, yakaputswa noutsinye zvokuti pakati pezvimedu zvayo hapana kuwanikwa chaenga chakasara, chokugoka mazimbe omoto pachoto kana chokuchera nacho mvura kubva muchitubu.”
15 Maana Bwana Yahwe, Mtakatifu wa Israeli asema hivi, ''Kwa kurudi na kwa kupumzika mtaokolewa; katika utulivu na imani itakuwa ni nguvu zako, Lakini hamkuwa tayari.
Zvanzi naIshe Jehovha, Mutsvene waIsraeri: “Mukutendeuka nezororo ndimo mune ruponeso rwenyu, murunyararo nomukuvimba ndimo mune simba renyu, asi imi makaramba chimwe chazvo.
16 Amesema, 'Hapana, maana kukimbia kwa farasi; hivyo tutakimbia; tutakimbia kwa kutumia farasi mwepesi; hivyo basi watakaojingiza watakuwa wepesi.
Imi makati, ‘Kwete, tichatiza takatasva mabhiza.’ Naizvozvo muchatiza! Imi makati, ‘Tichatasva mabhiza anomhanya kwazvo.’ Naizvozvo vadzinganisi venyu vachamhanya kwazvo!
17 Watu eflu moja watakimbia kwa kumuhofia mtu mmoja; kwa vitisho vya watu watano mtakimbia mpaka mtakuwa kama nguzu ya bendera iliyoko juu ya mlima, au kama bendera kwenye kilima.''
Chiuru chimwe chete chichatiza nokuvhundutsa kwomumwe chete; imi mose muchatiza kuvhundutsa kwavashanu, kusvikira masara maita sedanda romureza riri pamusoro pegomo, kuita somureza pamusoro pechikomo.”
18 Lakini Bwana anawasubiri ili awape neema yake, Hivyo basi yuko tayari kuwaonyesha huruma. Maana Yahwe na Mungu wa haki; Huwabarikiwe wale wanaomsubiri yeye.
Asi Jehovha anoshuva kukuitirai nyasha; anosimuka kuti akuratidzei tsitsi. Nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira. Vakaropafadzwa vose vanomurindira!
19 Maana watu wataishi Sayuni, na Yerusalemu na hawatalia tena. Hakika atakuwa neema kwenu kwa sauti ya kilio chenu. Atakaposikia tu, atawajibu ninyi.
Haiwa imi vanhu veZioni, vanogara muJerusarema, hamuchazochemizve. Achava nenyasha sei pamunochemera rubatsiro! Achingozvinzwa, achakupindurai.
20 Kupitia Yahwe tunapata mkate wa shida na maji ya mateso, hata sasa, mwalimu wako hatajifisha mwenyewe tena, lakini utamuona mwalimu wako kwa macho yako mwenyewe.
Kunyange Ishe achikupai chingwa chenhamo nemvura yokutambudzika, vadzidzi venyu havachazovanzwizve; muchavaona nameso enyu pachenyu.
21 Masikio yako yatasikia maneno yanayosemwa nyuma, Hii ndio njia, pitia hii, ''utakapogeuka upande wa kulia au utakageuka upande wa kushoto.
Kunyange mukatendeukira kurudyi kana kuruboshwe, nzeve dzenyu dzichanzwa inzwi mumashure menyu, richiti, “Iyi ndiyo nzira, fambai mairi.”
22 Mtakinajisi kifuniko chenu mlichokiweka juu ya pesa na dhahabu na kukitupa. Mtakitupa mbali kama hedhi kali, '''utawambia wao, ''Ondokeni hapa.''
Ipapo muchasvibisa zvifananidzo zvenyu zvakafukidzwa nesirivha nezviumbwa zvenyu zvakafukidzwa negoridhe; muchazvirasira kure somucheka wakasvibiswa neropa romukadzi ari kumwedzi kwake muchiti kwazviri, “Ibvai pano!”
23 Naye atatoa mvua kwanye mbegu zenu mtakapopanda kwenye aridhi, na mkate utakuwa kwa wingi kutoka kwenye aridhi na mazao yatazaa kwa wingi. Katika siku hizo ng'ombe zako zitachungwa katika eneo kubwa.
Achakutumiraiwo mvura yokumeresa mbeu dzamunodyara muvhu, uye zvokudya zvichabva munyika zvichange zvakanyatsosvika uye zvakawanda kwazvo. Pazuva iro, nzombe dzenyu dzichafura mumafuro akafaranuka.
24 Ng'ombe na punda, wanaolima kwenye aridhi, watakula chakula cha majira kilicho tawnywa kwa koleo na uma.
Nzombe nembongoro dzinorima munda zvichadya mashanga noupfu, zvakaparadzirwa neforogo nefoshoro.
25 Juu ya mlima mrefu na juu ya kilima kirefu, kutapitasha vijito na mifereji ya maji, katika siku siku ya machinjio makuu pale minara yote itakapoanguka.
Pazuva rokuuraya kukuru, panowira shongwe pasi, hova dzemvura dzichayerera pamusoro pamakomo ose akakwirira napamusoro pezvikomo zvakareba.
26 Mwanga wa mwenzi utakuwa kama mwanga wa jua, na mwanga wa jua utang'aa mara saba, kama mwanga wa siku saba. Yahwe atakapofunga kuvujwa kwa watu wake na kuyaponya majeraha waliyoyapata.
Mwedzi uchapenya sezuva, uye zuva richapenya kakapetwa kanomwe, kufanana nechiedza chamazuva manomwe azere, Jehovha paanosunga mavanga avanhu vake agorapa maronda aakavakuvadza nawo.
27 jina la Yahwe limekuja kutoka sehemu ya mbali, Linawaka kwa hasira yake na katika moshi mnene. Midomo yake imejaa hasira, na lugha yake nia kama moto unaoangamiza.
Tarirai, Zita raJehovha rasvika richibva kure, rine hasha dzinopfuta moto namakore outsi hwakasviba kuti ndo-o; miromo yake yakazara nokutsamwa, uye rurimi rwake moto unoparadza.
28 Punzi yake ni kama maji yaliyojaa yanayofika mpaka katikati ya shingo, kwa ajili kuchuja mataifa kwa kuhamasisha uharibifu. Pumzi yake ni mzabuni katika taya za watu wanowasababisha kutangatanga mbali.
Kufema kwake kunofanana nokuyerera kwemvura ine simba zhinji, inokwira ichisvika mumutsipa. Anozungura ndudzi murusero rwokuparadza; anoisa mushaya dzavanhu matomu anovatsausa.
29 Utakuwa na wimbo kama usiku pale sherehe takatifu itakapofanyika, na moyo wenye furaha, pindi mmoja atakopo kwenda na katika mlima wa Yahwe, katika mwamba wa Israeli.
Uye muchaimba sapausiku hwamunopemberera mutambo mutsvene; mwoyo yenyu ichafara sezvinoita vanhu vanokwira kugomo raJehovha, nokuDombo raIsraeri, vachiridza nyere.
30 Yahwe atafanya mapambo ya sauti yake inayosikika na atawaonyesha jinsi mkono wake ushukavyo na dhouba ya hasira yake na moto uwakao, pamoja na upepo mkubwa, mvua kubwa, na mvua ya mawe.
Jehovha achaita kuti vanhu vanzwe inzwi rake roumambo, uye achaita kuti vaone ruoko rwake ruchiburuka pasi, nehasha zhinji nomoto wokuparadza, nokuputika kwamakore, kunaya kwemvura zhinji nechimvuramabwe.
31 Maana kwa sauti ya Yahwe, Asiria itanyamazishwa; atahiaribu kwa fimbo.
Inzwi raJehovha richaparadza vaAsiria; achavarova netsvimbo yake.
32 Na kila adhabu iliyochaguliwa amechagua fimbo ambayo Yahwe ataiweka juu yao na wakisidikizwa na mziki wa kigoma na kinubi kama wataanzisha vita na kupgana nao.
Shamhu yoga yoga yavacharohwa nayo naJehovha netsvimbo yake yokuranga, ichaenderana nerwiyo rwamakandira norudimbwa, paacharwa navo muhondo noruoko rwake.
33 Maana sehemu ya kuchoma iliandaliwa toka zamani. kweli, imeandaliwa kwa mfalme, na Mungu amelifanya kuwa na kina na upana. Rundo liko tayari kwa moto na kuni za kutosha. Punzi ya Yahwe, ni kama mkondo kiberiti, na utawsha moto.
Tofeti yakanguri yagadzirira; yakagadzirirwa kare kugamuchira mambo. Gomba rayo romoto rakadzikiswa rikapamhamiswa, uye pane moto wakawanda nehuni zhinji; kufema kwaJehovha, sorukova runopfuta nesafuri, kuchazvitungidza.

< Isaya 30 >