< Isaya 3 >

1 Ona, Bwana, Yahwe wa majeshi, anakaribia kuwachukua kutoka Yerusalema na Yudawasaidizi na wafanyakazi: wasambazaji wote wa mikate, wasambazaji wote wa maji;
Tarirai zvino, Ishe Jehovha Wamasimba Ose ava kuda kutora zvose rutsigiro nomudonzvo, kubva kuJerusarema neJudha; rutsigiro rwose rwezvokudya norutsigiro rwose rwemvura,
2 mtu mwenye nguvu, shuja, hakimu, nabii, dalili za msomaji, na mzee;
mhare nomurwi, mutongi nomuprofita, muvuki nomukuru,
3 naodha wa hamsini, raia husika, mshauri, fundi mtarajiwa, na mchawi stadi.
mukuru wamakumi mashanu nomunhu anokudzwa, gurukota nomurume weumhizha, nomuvuki anoziva.
4 Nitamuweka kijana tu kama kiongozi wenu, kijana atawaongoza wao.
Ndichaita kuti majaya ave vabati vavo; vana vadiki ndivo vachavatonga.
5 Watu watanyanyasika, kila mmoja mmoja na kila mmoja na jirani yake; watoto watawatusi wazee, na mivutano itawapa changamoto waheshimiwa.
Vanhu vachadzvinyirirana, munhu nomunhu, muvakidzani nomuvakidzani. Vadiki vachamukira vakuru, nounozvidza achamukira anokudzwa.
6 Mwanaume atamshikilia ndugu yake katika nyumba ya baba yake na kusema, 'Unayo kanzu; uwe kiongozi wetu, na uharibifu huu uwe mikononi mwako.
Murume achabata mumwe wavanunʼuna vake paimba yababa vake achiti, “Ndiwe une nguo, chiva mutungamiri wedu; iva mutariri wedutu roungwandangwanda uhu!”
7 'Siku hiyo atapaza sauti na kusema, 'hautakuwa mganga; sina mkate wala mavazi. Hatanifanya kuwa kiongozi wa watu.
Asi pazuva iro achadanidzira achiti, “Handigoni kugadzirisa zvinhu. Handina chokudya kana chokufuka mumba mangu; musandiita mutungamiri wavanhu.”
8 Kwa maana Yerusalemu kuna mashaka, na Yuda imeanguka, kwa sababu mazungumzo yao na matendo yao yako kinyume na Yahwe, wanayapinga macho ya utukufu wake.
Jerusarema rozungunuka, Judha riri kuwa; mashoko avo nezviito zvavo zvinopesana naJehovha, vachizvidza kuvapo kwake kunobwinya.
9 Angalia nyuso zao zinashudia kinyume nao; na watasema dhambi zao kama Sodoma; hawatazificha, Ole wao! Maana wanakamilisha janga lao wenyewe.
Zvinoonekwa pazviso zvavo zvinovapupurira; vanoburitsa chivi chavo pachena seSodhomu; havambochivanzi. Vane nhamo! Vanouyisa njodzi pamusoro pavo.
10 Mwambie mtu mwenye haki kwamba itakuwa vizuri, maana watakula matunda ya matendo yao.
Udzai vakarurama kuti zvichavanakira, nokuti vachanakirwa nezvibereko zvamabasa avo.
11 Ole kwa wakosaji! itakuwa vibaya kwa yeye, maana malipo ya mikono yake yatafanyika kwake pia.
Vane nhamo vakaipa! Njodzi yava kuda kuvawira! Vacharipirwa zvakabatwa namaoko avo.
12 Watu wangu-watoto wangu wanawakandamiza, na wanawake wanawaongoza wao. Watu wangu, wale wanaowaongoza wanawaongoza vibaya na kuchanganya muelekeo wa nja yenu.
Vadiki vanomanikidza vanhu vangu, vakadzi vanovatonga. Haiwa, vanhu vangu, vatungamiri venyu vanokutsausai; vanokubvisai munzira.
13 Yahwe simama juu ya mashitaka; yeye amesimama kuwashaki watu.
Jehovha anotora nzvimbo yake muimba yokutonga; anosimuka kuti atonge vanhu.
14 Yahwe atakuja na hukumu juu ya wazee na watu wao na viongozi wao: ''Umeharibu shamba; nyara kutoka kwa masikni ziko kwenye nyumba zako.
Jehovha anopinda mukutonga vakuru navatungamiri vavanhu vake achiti, “Ndimi makaparadza munda wangu womuzambiringa; zvakapambwa zvinobva kuvarombo zviri mudzimba dzenyu.
15 Kwa nini unaponda watu wangu na kusaga nyuso za masikini?'' Hili ni tamko Bwana, Yahwe wa majeshi.
Munoreveiko zvamunopwanya vanhu vangu, uye muchikuya zviso zvavarombo?” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose.
16 Yahwe anasema hivyo kwa sababu mabinti wa Sayuni wanajigamba, wanatembea pekee yao vichwa vyao vikiwa juu, na kutaniana kwa macho yao, na kutakata kokote waendako na kuamua upatu kwa miguu yao,
Jehovha anoti, “Vakadzi veZioni vanozvikudza, vanofamba vakamisa mitsipa yavo. Vachichonya nameso avo, uye vanofamba vachinzenzeta, vaine zvishongo zvinorira muzviziso zvamakumbo avo.
17 Kwa hiyo Bwana atafanya magonjwa ya mapele kwenye kishwa cha mabinti wa Sayuni, na Yahwe atawafanya upaa.
Naizvozvo Jehovha achauyisa maronda pamisoro yavakadzi veZioni; Jehovha achaitisa misoro yavo mhanza.”
18 Siku hiyo Bwana ataondoa mapambo mazuri yaliyoko kwenye kifundo cha miguu, bendi za kichwa chao, kaya zao; bangili za masikio,
Pazuva iro Jehovha achabvisa pazviziso zvamakumbo avo: mabhenguro, nezvishongo zvomusoro, neungetani hwomutsipa hunonʼaima,
19 bangili za miguu na taji zao;
nemhete dzenzeve, nezvingetani zvomumaoko, namavhoiri
20 kitambaa cha kichwa, chaini za miguu, mafurungu na maboksi ya marashi na na haiba ya bahati.
nezvishongo zvebvudzi, nezvingetani zvomuzviziso zvamakumbo, nemasikavha, namabhodhoro amafuta anonhuhwira, namazango,
21 Atatoa bangili na kipini kwenye pua;
nemhete, noukomba hwemhino,
22 sherehe za mavazi, mapazia na mabegi ya mkononi;
nenguo dzakanaka dzomutambo, nezvijasi, namakepesi namajasi nezvikwama,
23 vioo vya mkononi, sanda nzuri, vilemba vya kichwa na taji.
nezvionioni, nenguo dzomucheka wakaisvonaka, nezvishongo namashaweri.
24 Badala ya manukato mazuri kutakuwa na arufu mbaya; na badala ya ukunda, kamba, kufunika kwa vazi la gunia; kitia alama mwilini kwa moto badala ya uzuri. wanaume wao wataanguka kwa upanga,
Pachinzvimbo chezvinonhuhwira, pachava nokunhuhwa; pachinzvimbo chesikavha, pachava netambo; pachinzvimbo chebvudzi rakashongedzwa zvakanaka, pachava nemhanza; pachinzvimbo chembatya dzakaisvonaka, pachava nechipfeko chesaga; pachinzvimbo chorunako, pachava nokupiswa.
25 na wanaume wenye nguvu wataanguka kwenye vita.
Varume venyu vachafa nomunondo, varwi venyu vachafa muhondo.
26 Lango la Yerusalemu litaomboleza na kuomboleza; na atakuwa peke yake amekaa chini ya ardhi.
Masuo eZioni achachema uye achaungudza; nokutambura kwaro, richagara pasi.

< Isaya 3 >