< Hosea 14 >

1 Israeli, rudi kwa Bwana, Mungu wako, kwa kuwa umeanguka kwa sababu ya uovu wako.
Iwe Israeri, dzokera kuna Jehovha Mwari wako. Zvivi zvako ndizvo zvakauyisa kuwa kwako!
2 Chukueni maneno pamoja nanyi na mrudieni Yahweh. Mwambieni, “Ondoa uovu wetu wote, uyakubali mema, ili tuweze kukupa matunda ya midomo yetu.
Endai namashoko uye mudzokere kuna Jehovha. Muti kwaari: “Regererai zvivi zvedu zvose mutigamuchire nenyasha, kuti tigopa zvibereko zvemiromo yedu.
3 Ashuru haitatuokoa; hatutapanda farasi kwenda vitani. Hatuwezi tena kuiambia kazi ya mikono yetu, 'ninyi ni miungu yetu,' kwa maana kwako mtu asiye na baba hupata huruma.”
Asiria haingatiponesi; hatingatasvi mabhiza ehondo. Hatizombotizve, ‘Vamwari vedu’ kune zvakagadzirwa namaoko edu chaiwo, nokuti nherera dzinowana tsitsi mamuri.”
4 'Nitawaponya kugeuka kwao; Nami nitawapenda kwa moyo, kwa maana hasira yangu itaondoka kwake.
“Ndichaporesa kusateerera kwavo uye ndichangovada hangu, nokuti hasha dzangu dzabva kwavari.
5 Nitakuwa kama umande kwa Israeli; atachanua kama maua na kuchukua mizizi kama mwerezi nchini Lebanoni.
Ndichava sedova kuna Israeri; achatunga seruva remahapa. Somusidhari weRebhanoni achadzikisa midzi yake;
6 Matawi yake yataenea; Uzuri wake utakuwa kama mizeituni, na harufu yake kama mierezi ya Lebanoni.
mabukira ake achakura. Kunaka kwake kuchafanana nekwomuti womuorivhi, kunhuhwira kwake sekwomusidhari weRebhanoni.
7 Watu wanaoishi katika kivuli chake watarejea; watafufuliwa kama nafaka na maua kama mizabibu. Utukufu wake utakuwa kama divai ya Lebanoni.
Vanhu vachagarazve mumumvuri wake. Achabudirira sezviyo. Achatunga maruva somuzambiringa, uye mbiri yake ichafanana newaini yeRebhanoni.
8 Efraimu, nifanye nini tena na sanamu? Mimi nitamjibu na kumtunza. Mimi ni kama mberoshi majani yake ni ya kijani daima; kutoka kwangu huja matunda yako.”
Nhai Efuremu, ndichineiko chokuita nezvifananidzo? Ndichamupindura uye ndichamuchengeta. Ndakafanana nomuti womupaini wakasvibira; kubereka kwako kunobva kwandiri.”
9 Nani mwenye busara ili aelewe mambo haya? Nani anaelewa mambo haya ili awatambue? Kwa kuwa njia za Bwana ni sawa, na wenye haki watatembea ndani yao, lakini waasi wataanguka ndani yake.
Ndiani akachenjera? Achacherechedza zvinhu izvi. Ndiani anonzvera? Achazvinzwisisa. Nzira dzaJehovha dzakarurama; vakarurama vanofamba madziri, asi vatadzi vanogumburwa madziri.

< Hosea 14 >