< Wahebrania 13 >

1 Basi upendo wa ndugu na uendelee.
Rambai mune rudo pakati penyu sehama.
2 Msisahau kuwakaribisha wageni, maana kwa kufanya hivi, baadhi wamewakaribisha malaika pasipo kujua.
Musakanganwa kuitira vaeni rudo, nokuti vamwe mukuita izvi vakashumira vatumwa vasingazvizivi.
3 Kumbuka wote waliomo gerezani, kana kwamba mulikuwa nao kule pamoja nao, na kama miili yenu ilitendewa kama wao.
Rangarirai vaya vari mutorongo somunenge makasungwa pamwe chete navo, uye navaya vanoitirwa zvakaipa sokunge imi pachenyu ndimi muri kutambudzwa.
4 Basi ndoa na iheshimiwe na wote na basi kitanda cha ndoa kifanywe kuwa safi, kwa maana Mungu atawahukumu waasherati na wazinzi.
Kuwanana ngakukudzwe navose, uye nhoo yewanano ngairege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga mhombwe navose vanofeva.
5 Basi njia zenu za maisha ziwe huru katika upendo wa pesa. Muwe wanoridhika na vitu mulivyonavyo, kwani Mungu mwenyewe alisema, “Sitawaacha ninyi kamwe, wala kuwatelekeza ninyi.”
Musakarira mari pamagariro enyu uye mugutsikane nezvamunazvo, nokuti Mwari akati: “Handingatongokusiyei; handingatongokurasei.”
6 Basi tulidhikeni ili tusema kwa ujasiri, “Bawa ni msaidizi wangu; Sitaogopa. Mwanadamu aweza kunifanya nini?”
Saka tinotsunga mwoyo, tichiti: “Ishe ndiye mubatsiri wangu, handingatyi. Munhu angandiiteiko?”
7 Wafikirieni wale walio waongoza, wale waliongea neno la Mungu kwenu, na kumbukeni matokeo ya mienendo yao; igeni imani zao.
Rangarirai vatungamiri venyu vakakuparidzirai shoko raMwari. Cherechedzai kuguma kwokufamba kwavo muupenyu mugotevera kutenda kwavo.
8 Yesu Kristo ni yeye jana, leo, na ata milele. (aiōn g165)
Jesu Kristu anogara akadaro zuro nanhasi nokusingaperi. (aiōn g165)
9 Usije ukaongozwa na mafundisho mbalimbali ya kigeni kwani ni vizuri kwamba moyo ujengwe kwa neema, na siyo kwa sheria kuhusu chakula hayo hayatawasaidia wale wanaoishi kwa hayo.
Musatorwa nedzidziso dzimwe dzose dzose dzisingazivikanwi. Zvakanaka kuti mwoyo yedu isimbiswe nenyasha, kwete nezvokudya zvemitambo, zvisina kubatsira vaya vakazvidya.
10 Tunayo madhabau ambayo wale wanaotumika ndani ya hekalu hawana haki ya kula.
Tine aritari isingatenderwi vanoshumira patabhenakeri kuti vadyepo.
11 Kwa kuwa damu za wanyama, zilizotolewa dhabihu kwa ajili ya dhambi, ililetwa na kuhani mkuu ndani ya sehemu takatifu, lakini miili yao ilichomwa nje ya kambi.
Muprista mukuru anopinda neropa remhuka muNzvimbo Tsvene-tsvene sechipiriso chechivi, asi mitumbi yacho inopisirwa kunze kwomusasa.
12 Kwa hiyo Yesu naye aliteseka nje ya lango la mji, hili kwamba kuweka wakfu watu kwa Mungu kupitia damu yake.
Uye naizvozvo Jesu akatambudzikawo ari kunze kwesuo reguta kuti aite kuti vanhu vave vatsvene kubudikidza neropa rake.
13 Na kwa hiyo twendeni kwake nje ya kambi, tukizibeba fadheha zake.
Naizvozvo, ngatiendei kwaari kunze kwomusasa, titakure kunyadziswa kwake.
14 Kwani hatuna makao ya kudumu katika mji huu. Badala yake tutafute mji ambao unakuja.
Nokuti pano hatina guta ratichagara, asi isu tinotsvaka richauya.
15 Kupitia Yesu mnapaswa mara kwa mara kujitoa sadaka ya kumtukuza Mungu, kumsifu kwamba tunda la midomo yetu likili jina lake.
Naizvozvo, kubudikidza naJesu ngatirambei tichipa kuna Mwari chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibayiro chemiromo inopupura zita rake.
16 Na usisahau kufanya mazuri na kusadiana ninyi kwa ninyi, kwa kuwa ni kwa sadaka kama hiyo ndiyo Mungu hupendezwa sana.
Uye musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana navamwe, nokuti Mwari anofadzwa nezvibayiro zvakadai.
17 Tiini na kujishusha kwa viongozi wenu, kwani wanaendelea kuwalinda kwa ajili ya nafsi zenu, kama wale watakaotoa hesabu. Tiini ili kwamba viongozi wenu waweze kuwatunza kwa furaha, na sio kwa huzuni, ambayo haitawasaidia.
Teererai vatungamiri venyu, muzviise pasi pavo nokuti vanochengeta mweya yenyu, savanhu vachazobvunzwa pamusoro penyu. Vateererei kuitira kuti basa ravo rive mufaro, kwete mutoro, nokuti izvozvo hazvingakubatsirei chinhu.
18 Tuombeni, kwani tuna uhakikwa kwamba tuna dhamira njema, tunatamani kuishi maisha ya heshima katika mambo yote.
Tinyengeterereiwo. Tine chokwadi chokuti tine hana yakanaka uye tinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.
19 Na nyote ninawatia moyo zaidi mfanye hivi, ili kwamba niweze kurudi kwenu hivi karibuni.
Ndinokukumbirai zvikuru kuti munyengetere, kuti ndigokurumidza kudzoserwa kwamuri.
20 Sasa Mungu wa amani, ambaye aliwaleta tena kutoka kwa wafu mchungaji mkuu wa kondoo, Bwana wetu Yesu, kwa damu ya agano la milele, (aiōnios g166)
Mwari worugare, akadzosa kubva kuvakafa Ishe wedu Jesu iye mufudzi mukuru wamakwai, kubudikidza neropa resungano isingaperi, (aiōnios g166)
21 Atawapa uwezo kwa kila jambo zuri kufanya mapenzi yake, akifanya kazi ndani yetu iliyo njema ya kupendeza machoni pake, kupitia Yesu Kristo, kwake uwe utukufu milele na milele. Amina. (aiōn g165)
ngaakukwanisei nezvinhu zvose zvakanaka kuti muite kuda kwake, uye ngaaite mukati medu zvinhu zvinomufadza, nokuna Kristu Jesu, ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. (aiōn g165)
22 Sasa ninakutia moyo, ndugu, kuchukualiana na neno la kutia moyo ambalo kwa ufupi nililiandika kwenu.
Hama dzangu ndinokurayirai kuti mutende shoko rangu rokurayira, nokuti ndakunyorerai tsamba duku.
23 Fahamu kwamba ndugu yetu Timotheo ameshaachiwa huru, ambaye pamoja naye nitawaona kama atakuja hivi karibuni.
Ndinoda kuti muzive kuti hama yedu Timoti akasunungurwa. Kana akakurumidza kusvika, ndichauya naye kuzokuonai.
24 Salimia viongozi wako wote na waumini wote. Wale wanaotoka Italia wanakusalimia.
Kwazisai vatungamiri venyu vose uye navanhu vose vaMwari. VokuItaria vanokukwazisai.
25 Na neema iwe nanyi nyote.
Nyasha ngadzive nemi mose.

< Wahebrania 13 >