< Ezra 9 >

1 Kipindi mambo hayo yanatendeka, wakuu wakaja kwangu na kuniambia,”Watu wa Israel, Makuhani na walawi hawakuweza kujitenga wenyewe kutoka kwa watu wa nchi zingine na maovu yao: Wakanaani, Wahiti, Waperuzi, wayebusi, Waamoni, Wamoabu, Wamisri na Waamori.
Mushure mokunge zvinhu izvi zvose zvaitwa, vatungamiri vakauya kwandiri vakati, “Vanhu veIsraeri, zvichisanganisira vaprista navaRevhi, havana kuzvitsaura kubva kumarudzi avakavakidzana nawo nezvinonyangadza zvavo, zvakafanana nezvevaKenani, vaHiti, vaPerizi, vaJebhusi, vaAmoni, vaMoabhu, vaIjipita uye navaAmori.
2 Kwa kuwa wamewachukua baadhi ya binti na watoto wa kiume, wamejichanganya watu watakatifu na watu wa nchi nyingine na wakuu na viongozi wamekuwa wa kwanza katika imani hii potofu.
Vakatora vanasikana vavo vakavapa kuti vave vakadzi vavo uye nevevanakomana vavo, uye vakasanganisa rudzi rutsvene navanhu vakavapoteredza. Uye vatungamiri namakurukota ndivo vakatanga pakusatendeka uku.”
3 Niliposikia haya, nikachana nguo zangu na kanzu na kunyoa nywele kichwani na ndevu na nikakaa chini kutafakari.
Zvino ndakati ndichinzwa izvi, ndakabvarura nguo yangu nejasi rangu, ndikadzura bvudzi kubva mumusoro mangu nendebvu dzangu uye ndikagara pasi ndashungurudzika.
4 Na wale wote waliotetemeka kwa neno la Mungu wa Israel kuhusu imani potofu walikusanyika kwangu wakati nimakaa chini nikiwa na aibu hadi kufikia kipindi cha sadaka za jioni.
Ipapo vose vakadedera nokuda kwamashoko aMwari waIsraeri vakauya vakaungana pandiri nokuda kwokusatendeka kwavatapwa. Uye ndakagarapo ndakashungurudzika kusvikira nguva yechibayiro chamadekwana.
5 Lakini katika sadaka ya jioni nikasimama kwenye nafasi yangu nikiwa mnyenyekevu na nguo ilichanika na kanzu, na nikapiga magoti na kunyoosha mikono yangu kwa Yahwe Mungu wangu. Nikasema
Zvino, panguva yechibayiro chamadekwana, ndakasimuka kubva pakuzvininipisa kwangu, nenguo nejasi rangu zvakabvaruka, uye ndikawira pasi namabvi angu ndikatambanudzira maoko angu kuna Jehovha Mwari wangu
6 “Mungu wangu, nina aibu na sistahili kuinua uso wangu kwako, makosa yetu yamekuwa hadi kuvuka kichwani na maovu yetu yameongezeka kufika mbinguni.
ndikanyengetera, ndichiti: “Haiwa Mwari wangu, ndinonyara uye handisakafanira kuti ndisimudze maoko nechiso changu kwamuri, Mwari wangu, nokuti zvivi zvedu zvakakura kupfuura misoro yedu uye mhosva yedu yasvika kumatenga.
7 Kuanzia siku ya watangulizi wetu mpaka sasa tumekuwa katika maovu makuu. Makosa yetu, viongozi, makuhani, walikuwa katika mikono ya mfalme wa dunia hii, katika upanga, matekani na kunyanyaswa na tuna aibu ya uso hata leo.
Kubva pamazuva amadzitateguru edu kusvikira zvino, mhosva yedu yakura kwazvo. Nokuda kwezvivi zvedu, isu namadzimambo edu uye navaprista vedu takaiswa kumunondo nokuutapwa, nokuparadzwa nokuninipiswa paruoko rwamadzimambo avatorwa sezvazviri nhasi.
8 sasa kwa kipindi kifupi, neema kutoka kwa Yahwe Mungu wetu imekuja kutuacha mabaki wachache na kutupa kuhimmili sehemu takatifu. Hii ilikuwa ni kwa ajili ya Mungu wetu kututia nuru macho yetu na kutupa unafuuu sisi tulio watumwa.
“Asi zvino, kwenguva duku duku, Jehovha Mwari wedu atiitira nyasha nokutisiyira vakasara uye nokutipa nzvimbo yakasimba muimba yake tsvene, naizvozvo Mwari wedu anopa chiedza kumeso edu uye norusununguko ruduku muuranda hwedu.
9 Kwa kuwa sisi tu watumwa, lakini Mungu bado hajatusahau lakini ameongeza agano la uaminifu kwetu, ameyatenda haya mbele ya macho ya mfalme wa Uajemi ili kwamba haweze kutupatia nguvu mpya. Ili kwamba tuweze kujenga nyumba ya Mungu na tuweze kuondoa majuto. Alitenda hayo ili kwamba aweze kutupatia msingi wa usalama katika Yuda na Yerusalem.
Kunyange zvedu tiri varanda, Mwari wedu haana kutisiya tiri muuranda hwedu. Akatinzwira tsitsi pamberi pamadzimambo ePezhia: Akatipa, upenyu hutsva kuti tivakezve imba yaMwari wedu nokugadzira matongo ayo, uye atipa rusvingo rwokutidzivirira muJudha nomuJerusarema.
10 Lakini sasa Mungu wetu, tuseme nini baaada ya haya? Tumesahau amri zako.
“Asi zvino, nhai Mwari wedu, tichatiiko mushure meizvi? Nokuti takarasa mirayiro
11 amri ambazo uliwapa manabii watumishi wako, pale uliposema, “Nchi hii mnayoingia kuimiliki ni nchi chafu. Imechanganyikana na watu wasio na utaratibu. ameenea kutoka sehemu moja hadi nyingine kwa uchafu wao.
yamakapa kubudikidza navaranda venyu vaprofita pamakati, ‘Nyika yamuri kupinda kuti ive yenyu inyika yakasvibiswa nokuora kwavanhu vayo. Nezvinonyangadza zvavo vakaizadza noutsvina hwavo kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe rutivi.
12 Hivyo sasa, msiwape binti zenu kwa watoto wao, msichukue binti zao kwa ajili ya watoto wenu, msitafute amani kwao na fadhili, ili kwamba muweze kuwa imara na kula vizuri vya nchi, hivyo utasababisha watoto wenu kumiliki kwa wakati wote.”
Naizvozvo, musapa vanasikana venyu kuti vawanikwe navanakomana vavo kana kutora vanasikana vavo kuti vawanikwe navanakomana venyu. Musaita chibvumirano kana ushamwari navo panguva ipi zvayo, kuitira kuti musimbe uye mudye zvinhu zvakanaka zvenyika uye mugoisiyira kuvana venyu senhaka isingaperi.’
13 Baada ya yote kutokea kwetu kwa sababu ya uovu wetu na makosa yetu makuu, tokea hapo, Mungu wetu, hukutazama makosa yetu na kutuadhibu tulivyostahili na ukatuacha kama mabaki.
“Zvakaitika kwatiri zvakaitika nokuda kwamabasa edu akaipa nemhosva yedu huru, asi kunyange zvakadaro, imi Mwari wedu makatiranga zvishoma kupfuura zvaikodzera zvivi zvedu uye makatipa vakasara vakadai.
14 Tunaweza kuvunja tena amri zako na kuingiliana katika ndoa, na hawa watu wasiofuata utaratibu? Je hautachukia na kututowesha sote hakuna wa kubaki, hakuna wa kutoroka?
Tingaputsazve here mirayiro yenyu nokuwanana namarudzi anoita zvinhu zvinonyangadza zvakadai? Hamungatitsamwiri zvakafanira kutiparadza, muchitisiya pasina mupenyu kana angasara here?
15 Yahwe, Mungu wa Israel, wewe ni mwenye haki, kwa kuwa tumebaki wachache mabaki hadi siku ya leo. Tazama, tuko mbele yako na makosa yetu, kwa kuwa hakuna hata mmoja anayeweza kusimama mbele kwa sababu ya hili.
Imi Jehovha, Mwari waIsraeri, makarurama! Tasara nhasi isu sevakasara. Zvino tiri pano pamberi penyu nemhosva yedu, kunyange pasina kana mumwe chete wedu angamira pamberi penyu nokuda kwechivi ichi.”

< Ezra 9 >