< Ezra 6 >

1 Na mfalme dario akaamuru uchunguzi ufanyike katika nyumba ya kumbukumbu Babeli.
Ipapo Mambo Dhariasi akatema chirevo, uye vakatsvakisisa mumabhuku enhoroondo dzakare aiva mudura repfuma muBhabhironi.
2 Na katika mji wa Akmetha huko media chuo kilionekana: Kumbukumbu yake ilisema:
Rugwaro rwakapetwa rwakawanikwa mumuzinda weEkibhatana mudunhu reMedhia, uye izvi ndizvo zvakanga zvakanyorwa parwuri: Chiziviso:
3 “Katika mwaka wa kwanza mfalme Koresh, Koreshi alitoa amri kuhusu nyumba ya Mungu Yerusalem:'Na nyumba ijengwe iwe sehemu ya kutoa dhabihu, misingi yake iwekwe, urefu wake uwe sitini,
Mugore rokutanga raMambo Sirasi, mambo akapa chirevo pamusoro pezvetemberi yaMwari muJerusarema achiti: Temberi ngaivakwezve ive nzvimbo yokubayira zvibayiro, uye nheyo dzayo ngadziteyiwe. Inofanira kuva namakubhiti makumi matanhatu paurefu namakubhiti makumi matanhatu paupamhi,
4 na upana wake uwe sitini, sehemu tatu za mawe makubwa na sehemu moja ya mbao mpya, na gharama hizo zitalipwa kutoka nyumba ya mfalme.
ive nemitsara mitatu yamabwe makuru uye nomutsara mumwe chete wamatanda. Mari yokuvaka ngaitorwe kubva papfuma yamambo.
5 Sasa vilirudishwe tena vitu vya dhahabu na fedha vilivyokuwa kwenye nyumba ya Mungu ambavyo Nebukadineza alivichukua kuvipeleka Babeli kutoka kwenye Hekalu Yerusalem. Na avirudishe tena Yerusalem Hekaluni. Na utaviweka tena kwenye nyumba ya Mungu.
Uyezve midziyo yegoridhe neyesirivha yeimba yaMwari yakatorwa naNebhukadhinezari kubva mutemberi muJerusarema akauya nayo kuBhabhironi, inofanira kudzoserwa panzvimbo yayo mutemberi muJerusarema; inofanira kuiswa muimba yaMwari.
6 Sasa Tetanai, mkuu wa jimbo ngambo ya mto, Shethar - Bozenai na wenzao walio katika mji ngambo ya mto, wakajitenga,
Zvino naizvozvo, Tatenai, mubati wenyika iri mhiri kwaYufuratesi, Sheshitari-Bhozenai, iwe namachinda avo omudunhu iro, musapindira pazvinhu izvi.
7 wakaacha kazi ya nyumba ya Mungu pekee. Viongozi na wazee wa kiyahudi watajenga nyumba ya Mungu mahali pake.
Musakanganisa basa retemberi iyi yaMwari. Regai mubati wavaJudha navakuru vavaJudha vavake imba iyi yaMwari panzvimbo yayo.
8 Ninatoa agizo kwamba lazima lifanyike kwa wazee wa kiyahudi wanaojenga nyumba ya Mungu: Mchango kutoka kwa mfalme ushuru ngambo ya mto, utatumika katika kuwalipa watu hawa ili kwamba kazi yao isiweze kusimama.
Pamusoro pezvo, ndinorayira zvino zvamunofanira kuitira vakuru ava vavaJudha, pakuvakwa kweimba iyi yaMwari: Mari yose inodiwa kuripira varume ava ichabva papfuma yamambo ichibva pamitero inoripwa kubva mhiri kwaYufuratesi, kuitira kuti basa rirege kumira.
9 Chochote kitakachohitajika, ngombe wachanga, kondoo au kondoo wa sadaka ya kutekezwa kwa ajili ya Mungu wa mbinguni, ngano, chumvi, divai na mafuta kadri ya maagizo ya makuhani wa Yerusalem - wapatie vitu hivi kila siku bila kikomo.
Zvose zvinodiwa, dzingava hando duku, makondobwe, namakwayana makono, zvokuita nazvo zvipiriso zvinopiswa kuna Mwari wokudenga, uye gorosi, munyu, waini namafuta, zvinenge zvakumbirwa navaprista muJerusarema, zvinofanira kupiwa kwavari zuva rimwe nerimwe musingadariki,
10 fanya hivyo ili kwamba wataleta sadaka kwa Mungu wa mbinguni na wataomba kwa ajili yangu mfalme na watoto wangu.
kuti vagone kupa zvibayiro zvinofadza kuna Mwari wokudenga uye kuti vagone kunyengetererawo upenyu hwamambo nohwavanakomana vake.
11 Mimi nina agiza kwamba yeyote atakayevunja amri hii, Chuma kitolewe katika nyumba yake. Na awekwe juu yake. Na nyumba yake itabadilishwa kuwa takataka kwa sababu hii.
Pamusoro pezvo, ndinotemawo chirevo, kuti ani naani anoshandura shoko iri, bango rinofanira kubviswa paimba yake, uye anofanira kuturikwa agorovererwa pariri. Uye nokuda kwemhaka iyi, imba yake inofanira kuitwa murwi wamarara.
12 Mungu huyu aliyesababisha jina lake kuwepo atamwondoa mfalme au mtu atakayebadili agizo hili au kuondosha nyumba ya Mungu katika Yerusalem. Mimi Dario nimeagiza hili, lifanyike kwa makini.
Mwari, akagarisa Zita rake ipapo, ngaaparadze mambo upi noupi kana vanhu vangatambanudza maoko avo kuti vashandure chirevo ichi kana kuparadza temberi iyi muJerusarema. Ini Dhariasi ndini ndatema chirevo ichi. Ngachizadziswe nenzira yakanyanyisa kunaka.
13 Na kwa sababu ya amri iliyotumwa na mfalme Dario, Tatenai kiongozi mji ngambo ya mto na Sheshthar -Bozenai na wenzao. wakafanya kila kitu kama Mfalme Dario alivyoagiza.
Ipapo, nokuda kwechirevo chakanga chatumirwa naMambo Dhariasi, Tatenai mubati wemhiri kwaYufuratesi, naShetari-Bhozenai neshamwari dzavo vakaita izvi nenzira yakanakisisa.
14 Hivyo wazee wa kiyahudi wakajenga kama Hagai na Zakaria walivyoelekeza kwa kutabiri. Wakajenga kama amri ilivyotolewa na Mungu wa Israel na Koreshi, Dario na Artashasta mfalme wa Uajemi.
Nokudaro vakuru vavaJudha vakaenderera mberi nokuvaka uye vakabudirira vachiparidzirwa naHagai muprofita naZekaria mwanakomana waIdho. Vakavaka temberi vakaipedza sokurayirwa kwavakanga vaitwa naMwari weIsraeri nechirevo chaSirasi, Dhariasi naAtazekisesi madzimambo ePezhia.
15 Nyumba ikakamilika siku ya tatu ya mwezi wa adari, katika mwaka wa sita wa kutawala mfalme Dario.
Temberi yakapera kuvakwa pazuva rechitatu romwedzi waAdhari, mugore rechitanhatu rokutonga kwamambo Dhariasi.
16 watu wa Israel, makuhani, walawi na watu waliobaki wa uhamisho wakasheherekea kuweka wakfu nyumba ya Mungu kwa furaha.
Ipapo vanhu veIsraeri, vaprista, vaRevhi uye navamwe vose vakanga vakatapwa, vakapemberera kukumikidzwa kweimba yaMwari nomufaro.
17 Wakatoa ngombe mia moja, kondoo mia moja na kondoo wengine mia nne kwa ajili ya kuweka wakfu nyumba ya Mungu. Mbuzi wa kiume kumi na wawili walitolewa kama sadaka ya dhambi kwa ajili ya waisrael wote kila kabila katika Israel.
Pakukumikidzwa kweimba iyi yaMwari vakabayira hando zana, makondobwe mazana maviri, namakwayana makono mazana mana uye sechipiriso chechivi chavaIsraeri vose, vakabayira nhongo dzembudzi gumi nembiri, imwe ichimirira rudzi rumwe norumwe rwaIsraeri.
18 Pia wakawapa wajibu makuhani na walawi kufanya mgawanyo wa kazi ya Mungu katika Yerusalem. Kama ilivyoandikwa katika kitabu cha Musa.
Vakagadza vaprista mumapoka avo uye navaRevhi muzvikwata zvawo kuti vaite basa raMwari paJerusarema, sezvazvakanyorwa muBhuku raMozisi.
19 Hivyo wale waliokuwa utumwani wakasherehekea pasaka siku ya kumi na nne ya mwezi wa kwanza.
Pazuva regumi namana romwedzi wokutanga, vatapwa vakapemberera Pasika.
20 Makuhani na walawi wakajitakasa wenyewe na wakachinja pasaka ya sadaka kwa ajili ya waliokuwa mateka wakiwemo na wao wenyewe.
Vaprista navaRevhi vakanga vazvinatsa uye vose vakanga vanatswa. VaRevhi vakabayira vatapwa vose gwayana rePasika, vakabayirawo hama dzavo vaprista naivo vamene.
21 watu wa Israel ambao walikula nyama ya Pasaka ni wale waliorudi kutoka uhamishoni na walikuwa wamejitenga wenyewe kutoka kwa watu wasio safi wa nchi ile na kumchagua Yahwe, Mungu wa Israel.
Nokudaro vaIsraeri vakanga vadzoka kubva kuutapwa vakaidya, pamwe chete navose vakanga vazvitsaura kubva pazviito zvisina kururama zvaiitwa navavakidzani vavo vokune dzimwe ndudzi, kuti vatsvake Jehovha, Mwari waIsraeri.
22 Walifurahi na kushangilia siku kuu ya mikate isiyochacha kwa siku saba, kwa sababu Yahwe amewarejeshea furaha na ameugeuza moyo wa mfalme wa Ashuru, na kuwatia nguvu kwa kazi ya nyumba, nyumba ya Mungu wa Israel.
Kwamazuva manomwe vakapemberera nomufaro Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, nokuti Jehovha akanga avapa mufaro nokushandura mwoyo wamambo weAsiria, kuti avabatsire pakuitwa kwebasa reimba yaMwari, iye Mwari weIsraeri.

< Ezra 6 >