< Ezekieli 13 >

1 Tena, neno la Yahwe likanijia, kusema,
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 “Mwanadamu, tabiri dhidi ya manabii wanaotabiri katika Israeli, na uwaambie wale wanotabiri nje ya fikra zao wenyewe, 'Lisikilizeni neno la Yahwe.
“Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pavaprofita vaIsraeri vari kukuprofitirai zvino. Uti kuna avo vanoprofita zvinobva pamurangariro wavo, ‘Inzwai shoko raJehovha!
3 Bwana Yahwe asema hivi: Ole wao manbii wajinga ambao wafwatao roho zao wenyewe, lakini wale wasioona kitu!
Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vaprofita mapenzi vanotevera mweya yavo pachavo ivo vasina chavakaona!
4 Israeli, manabii zako wamekuwa kama mbeha kwenye aridhi iliyoharibiwa na vita.
Vaprofita venyu, imi vaIsraeri, vakafanana namakava ari pakati pamatongo.
5 Hamkwenda kwenye nyufa katika ukuta uliozunguka nyumba ya Israeli kwa ajili ya kuukarabati, ili kupigana katika vita katika siku ya Yahwe.
Hamuna kukwira pakakoromoka porusvingo kuti mupagadzirire imba yaIsraeri, kuti igomira yakasimba pahondo pazuva raJehovha.
6 Watu wameona uongo na kufanya utabiri wa uongo, wale wasemao, “Hivi na hivi ndvyo Yahwe asemavyo.” Yahwe hajawatuma, lakini hata hivyo wamewafanya watu kutumaini kwamba ujumbe wao utakuwa kweli.
Zviratidzo zvavo ndezvenhema uye kuvuka kwavo inhema. Ivo vanoti, “Jehovha anoti,” asi Jehovha asina kuvatuma; asi vanotarisira kuti mashoko avo azadzisike.
7 Je hamkusikia maono ya uongo na kufanya utabiri wa uongo, ninyi msemao, “Hivi na hivi ndivyo Yahwe asemavyo” Wakati mimi mwenyewe sikuongea?'
Hauna kuona zviratidzo zvenhema here uye mukataura nhema pakuvuka pamainge muchiti, “Jehovha anoti,” kunyange zvangu ndisina kutaura?
8 Kwa hiyo Bwana Yahwe asema hivi, 'Kwa sababu mmesikia maono ya uongo na kuwaambia uongo-kwa hiyo hivi ndivyo Bwana Yahwe asemavyo dhidi yenu:
“‘Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwamashoko enyu enhema nezviratidzo zvenhema ndinokupai mhosva, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
9 Mkono wangu utakuwa juu yenu ninyi manabii mliodanganya maono na wale waliofanya unabii wa uongo. Hawatakuwepo kwenye kusanyiko la watu wangu, au kuandikishwa katika kumbukumbu ya nyumba ya Israeli; hawataenda kwenye nchi ya Israeli. Kwa kuwa mtajua yakwamba mimi ni Bwana Yahwe!
Ruoko rwangu rucharwa navaprofita vanoona zviratidzo zvenhema uye vanotaura kuvuka kwenhema. Havangavi pakati pamakurukota avanhu vangu kana kunyorwa muzvinyorwa zveimba yaIsraeri, uye havangapindi munyika yaIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
10 Kwa sababu hiyo, na kwa sababu wamewaongoza watu wangu kuwapotosha na kusema, “Amani!” wakati hakuna amani, wanajenga ukuta ambao wataupaka rangi ya chokaa.'
“‘Nokuda kwokuti vanotsausa vanhu vangu, vachiti, “Rugare,” ipo pasina rugare, uye nokuti pavanovaka rusvingo rwakatetepa vanorupenda nependi chena.
11 Waambie wale wanaopaka chokaa ukuta, 'Utaanguka chini; kutakuwa na mvua ya kufurika, na nitaleta mvua ya mawe kuufanya uanguke chini, na upepo wa dhoruba kupuliza hata kuuvunja chini.
Naizvozvo udza ivavo vanorupenda kuti ruchawa. Mvura ichanaya yakawanda, uye ndichatuma chimvuramabwe chicharova pasi, uye mhepo dzine simba dzichavhuvhuta.
12 Tazama, ukuta utaanguka chini. Je wengine hawakuwaambia, “Iko wapi chokaa mliyoipaka juu yake?”
Panoondomoka rusvingo vanhu havazokubvunzi here vachiti, “Iripiko pendi chena yamakarupenda nayo?”
13 Kwa hiyo Bwana Yahwe asema hivi: Nitaleta upepo wa dhoruba katika ghadhabu yangu, na kutakuwa na mafuriko ya mvua kwenye ghadhabu yangu! Mvua ya mawe katika ghadhabu yangu itauharibu kabisa.
“‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Muhasha dzangu ndichasunungura mhepo ine simba, uye pakutsamwa kwangu chimvuramabwe nemvura zhinji zvichanaya nokuparadza kunotyisa.
14 Kwa kuwa nitaurarua chini ukuta ambao mlioufunika kwa chokaa, na nitaubomoa hata kwenye nchi na kuifunua misingi yake. Hivyo utaanguka, nanyi nyote mtaangamizwa katikati ya huo.
Ndichaparadza rusvingo rwawakapenda nependi chena uye ndicharukoromora ndigorusiya rwati ware ware pasi zvokuti nheyo dzarwo dzichasara dzava pachena. Paruchakoromoka, nemi muchaparadzwa murimo; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.
15 Ndivyo nitakavouangamiza kwa ghadhabu yangu ukuta na wale walioupaka chokaa. Nitawaambia, “Ukuta hautaonekana tena, wala watu wanaoupaka chokaa-
Saka ndichapedzera hasha dzangu parusvingo napamusoro pavaya vairupenda nependi chena. Ndichati kwamuri, “Rusvingo rwaparara uye naivowo vakarupenda nependi chena,
16 manabii wa Israeli wale waliotabiri kuhusu Yerusalemu na wale waliokuwa wameona amani kwa ajili yake. Lakini hakuna amani! -hivi ndivyo Bwana Yahwe asemavyo.”
vaya vaprofita veIsraeri vakaprofita pamusoro peJerusarema uye vakaona zviratidzo zvorugare rwaro nyamba kwakanga kusina rugare, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”’
17 Hivyo wewe, mwanadamu, weka uso wako dhidi ya binti za watu wako wale wanaotabiri kwa akili zao wenyewe, na kutabiri dhidi yao.
“Zvino, iwe mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro pavanasikana vavanhu vako vanoprofita zvinobva mundangariro dzavo. Profita pamusoro pavo,
18 Sema, 'Bwana Yahwe asema hivi: Ole kwa wanawake washonao hiziri kwenye kila sehemu ya mkono wao na kutengeza vitambaa vya shela kwa ajili ya vichwa vyao kwa kila kipimo, ili kuwinda watu. Je mtawawinda watu wangu ila kuokoa maisha yenu wenyewe?
uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vakadzi vanosonera mazango pamaoko avo uye vanoita zvifukidzo zvemisoro yavo zvemhando dzakasiyana-siyana pakureba vachiitira kuti vateye vanhu nazvo. Ko, imi muchateya upenyu hwavanhu vangu asi muchichengetedza hwenyu here?
19 Ninyi mmenikufuru mbele ya watu wangu kwa ajili ya makonzi ya shayiri na vipande vya mkate, kuwaua watu ambao hawakutakiwa kufa, na kuyalinda maisha ya wale ambao hawatakiwi kuendelea kuishi, kwa sababu ya uongo wenu kwa watu wangu walio wasikiliza.
Makandisvibisa pakati pavanhu vangu nokuda kwezviyero zvishoma zvebhari namafufu echingwa. Pamakareva nhema kuvanhu vangu, vanoteerera nhema, makauraya vaya vakanga vasingafaniri kufa, mukasiya vakanga vasingafaniri kurarama.
20 Kwa hiyo Bwana Yahwe asema hivi: Niko kinyume dhidi ya hirizi ambazo mlizozitumia kuyakamata kwa hila maisha ya watu kana kwamba wamekuwa ndege. Naam, nitazichana kutoka kwenye mikono yenu; na wale watu mlio watega kama ndege-nitawaacha waende huru.
“‘Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Ndinovenga mazango enyu amunoteya nawo vanhu kunge munoteya shiri, zvino ndichaadambura pamaoko enyu; ndichasunungura vanhu vamunoteya seshiri.
21 Nitavichana mbali vitambaa vya shela na kuwaokoa watu wangu kutoka kwenye mikono yangu, kwa hiyo hawatategwa tena kwenye mikono yenu. Mtajua kwamba mimi ni Yahwe.
Ndichabvarura mavhoiri enyu ndigoponesa vanhu vangu pamaoko enyu, uye havachazovi nyama mumaoko enyu, uye havachazobatwizve nesimba renyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
22 Kwa sababu mmeuvunja moyo wa mtu mwenye haki kwa uongo, ingawa hata mimi sikutamani kuvunjwa kwake moyo, na kwa sababu mmemtia moyo badala yake matendo ya mtu mwovu ili kwamba asitaweze kurudi kutoka kwenye njia yake kuokoa maisha yake-
Nokuti makaodza mwoyo yavakarurama nenhema dzenyu, vandakanga ndisina kuchemedza ini, uye nokuti makakurudzira vakaipa kuti varege kutendeuka panzira dzavo dzakaipa nokudaro vaponese mweya yavo,
23 kwa hiyo hamtayaona tena maono ya uongo au kuendelea kufanya utabiri, kwa kuwa nitawaokoa watu wangu kutoka kwenye mkono wako. Nanyi mtajua kwamba mimi ni Yahwe.'”
naizvozvo hamuchazoonizve zviratidzo zvenhema kana kuita zvokuvuka. Ndichaponesa vanhu vangu pamaoko enyu. Ipapo zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.’”

< Ezekieli 13 >