< 1 Samweli 13 >

1 Sauli alikwa na umri wa miaka [thelathini] alipoanza kutawala; alipokuwa ametawala Israeli kwa miaka [arobaini],
Sauro akanga ava namakore makumi matatu paakava mambo, uye akatonga Israeri kwamakore makumi mana namaviri.
2 aliwachagua wanaume elfu tatu wa Israeli. Elfu mbili walikuwa pamoja naye huko Mikmashi na katika nchi ya milima ya Betheli, wakati huo wale elfu moja walikuwa pamoja na Yonathani katika Gibea ya Benyamini. Askari waliobaki aliwarudisha nyumbani, kila mtu hemani kwake.
Sauro akasarudza varume vaIsraeri zviuru zvitatu; zviuru zviviri zvavo zvaiva naye paMikimashi nomunyika yamakomo yeBheteri, uye chiuru chimwe chete chaiva naJonatani paGibhea muBhenjamini. Vamwe vose akavadzosa kumisha yavo.
3 Yonathani akaishinda ngome ya jeshi la Wafilisti iliyokuwa Geba na Wafilisti wakasikia habari hiyo. Baadaye Sauli alipiga tarumbeta katika nchi yote, akisema, “Sikieni enyi Waebrania.”
Jonatani akarwisa boka ravarwi vavaFiristia vakanga vari paGebha, vaFiristia vakazvinzwa. Uye Sauro akaridza hwamanda munyika yose akati, “VaHebheru, inzwai!”
4 Israeli yote imesikia kwamba Sauli ameipiga ngome ya Wafilisti, na pia kwamba Israeli imekuwa uvundo kwa Wafilisti. Ndipo askari wakaitwa kwa pamoja kuungana na Sauli huko Gilgali.
Uye Israeri yose yakanzwa nhau idzi dzokuti, “Sauro arwisa boka ravaFiristia, Israeri yava chinhu chinonyangadza pamberi pavaFiristia.” Zvino vanhu vakadanwa kuti vandobatana pamwe chete naSauro paGirigari.
5 Wafilisti walijikusanya pamoja kupigana dhidi ya Waisraeli: magari elfu tatu, watu elfu sita wakuendesha magari, na majeshi mengi kama mchanga ufukoni mwa bahari. Wakapanda na kupiga kambi huko Mikimashi, mashariki mwa Beth aveni.
VaFiristia vakaungana kuti varwise Israeri, vane zviuru zvitatu zvengoro, nezviuru zvitatu zvavachairi vengoro, navarwi vakawanda sejecha remhenderekedzo dzegungwa. Vakaenda vakandodzika misasa paMikimashi, kumabvazuva kweBhetiavheni.
6 Watu wa Israeli walipoona kuwa wapo katika matatizo -kwa maana watu walikata tamaa, wakajificha kwenye mapango, kwenye vichaka, kwenye miamba, kwenye visima na katika mashimo.
Varume veIsraeri vakati vaona kuti zvinhu zvaipa uye kuti hondo yavo yakanga yamanikidzwa zvikuru, vakavanda mumapako nomumatenhere, pakati pamatombo, nomumakomba nomumigodhi yemvura.
7 Baadhi ya Waebrania walipanda kwenda Yordani katika nchi ya Gadi na Gileadi. Lakini Sauli alibaki Gilgali, na watu waliomfuata wakitetemeka.
Vamwe vaHebheru vakatoyambuka Jorodhani vakaenda kunyika yeGadhi neGireadhi. Sauro akasara paGireadhi uye varwi vose vaaiva navo vakadedera nokutya.
8 Alisubiri kwa siku saba, muda uliopangwa na Samweli. Lakini Samweli hakufika huko Gilgali, na watu wakatawanyika mbali na Sauli.
Akamira kwamazuva manomwe, nguva yakanga yatarwa naSamueri; asi Samueri haana kuuya kuGirigari, uye varwi vaSauro vakatanga kupararira.
9 Sauli akasema, “Nileteeni sadaka ya kuteketezwa na sdaka ya amani.” Kisha akatoa sadaka ya kuteketezwa.
Saka akati, “Ndiunzirei chipiriso chinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa.” Ipapo Sauro akapa chipiriso chinopiswa.
10 Mara tu alipomaliza kutoa sadaka ya kuteketezwa Samweli akawasili. Sauli akatoka nje wakutane na kumsalimia.
Achingopedza kupa chipiriso, Samueri akasvika, Sauro akaenda kundomukwazisa.
11 Basi Samweli akasema, “Umefanya nini?” Sauli akajibu, “Nilipoona kwamba watu wanaiacha, na kwamba umechelewa hukufika kwa muda uliopangwa, na kwamba Wafilisti wamekwisha jikusanya huko Mikmashi,
Samueri akati, “Waiteiko?” Sauro akapindura achiti, “Pandaona kuti varume vava kupararira, uye kuti hamuna kusvika nenguva yakataurwa, uye kuti vaFiristia vava kuungana paMikimashi,
12 nikasema, 'Sasa Wafilisti watashuka dhidi yangu huko Gilgali, na sijaomba kibali cha BWANA.' Kwa hiyo nikajilazimisha mwenyewe kutoa sadaka ya kuteketezwa.”.
ndafunga kuti, ‘Zvino vaFiristia vachauya kuzondirwisa paGirigari, uye handisati ndatsvaka nyasha dzaJehovha.’ Naizvozvo ndazvimanikidza kuti ndipe chipiriso chinopiswa.”
13 Ndipo Samweli akamwambia Sauli, “Umetenda mambo ya kipumbavu. Hukuheshimu amri ya BWANA Mungu wako aliyokupatia. Kwa maana BWANA angeutengeneza utawala wako juu ya Israeli milele.
Samueri akati, “Waita zvoupenzi. Hauna kuchengeta murayiro wawakapiwa naJehovha Mwari wako; dai wanga wadaro, Jehovha angadai asimbisa umambo hwako pamusoro peIsraeri kwenguva yose.
14 Lakini sasa utawala wako hautaendelea. BWANA ametafuta mtu anayekubaliwa na moyo wake, kwa sababu wewe hukutii alichokuamuru.”
Asi iye zvino umambo hwako hahuchagari; Jehovha azvitsvakira munhu anofadza mwoyo wake, akamugadza kuti ave mutungamiri wavanhu vake, nokuti hauna kuchengeta murayiro waJehovha.”
15 Ndipo Samweli akasimama akapanda kutoka Gilgali hadi Gibea ya Benyamini. Basi Sauli akawahesabu watu waliokuwapo pamoja naye, idadi yao ilikuwa kama watu mia sita.
Uye Samueri akabva paGirigari akakwidza akaenda kuGibhea muBhenjamini, uye Sauro akaverenga varume vaakanga anavo. Vaikarosvika mazana matanhatu.
16 Sauli, mtoto wake Yonathani, na watu waliokuwa pamoja nao, wakabaki Geba ya Benyamimni. Lakini Wafilisti wakapiga kambi huko Mikmashi.
Sauro nomwanakomana wake Jonatani navarume vaakanga anavo, vaigara muGibhea muBhenjamini, asi vaFiristia vakanga vakadzika misasa paMikimashi.
17 Wateka nyara makundi matatu wakaja kutoka kambi ya Wafilisti. Kundi moja likapinda kuelekea Ofra, hadi nchi ya Shuali.
Vapambi vakabuda mumisasa yavaFiristia vari mumapoka matatu. Rimwe boka rakananga kuOfira munharaunda yeShuari,
18 Kundi jingine likageuka kuelekea Bethholoni, na kundi jingine likaelekea katika mpaka kulikabili bonde la Seboimu kuelekea jangwani.
rimwe boka rakananga kuBhetihoroni, uye rechitatu rakananga kumuganhu wakatarisana noMupata weZebhoimi kurutivi rwerenje.
19 Hakuna hata mhunzi aliyeonekana katika nchi yote ya Israeli, kwa sababu Wafilisti walisema, “Waebrania wasije wakajitengenezea mapanga au mikuki.”
Zvino kwakanga kusina mupfuri munyika yeIsraeri nokuti vaFiristia vakanga vati, “Zvichida vaHebheru vangagadzira minondo kana mapfumo!”
20 Lakini Waisraeli wote huwa wakiteremka kwa Wafilisti, kila mtu kunoa jembe lake, sululu yake, shoka lake na mundu wake.
Naizvozvo vaIsraeri vose vaidzika kuvaFiristia kuti vandorodzerwa miromo yamagejo, mapiki, matemo namajeko.
21 Gharama za kunoa ncha za majembe, sululu, mashoka na kunyoosha michokoo ilikuwa theluthi moja ya shekeli.
Muripo wokurodzesa miromo yamagejo, namapiki, waiva zvikamu zviviri kubva muzvitatu zveshekeri, uye muripo wokurodzesa forogo namatemo, nezvibayiso zvemombe waiva chikamu chimwe chete kubva muzvitatu cheshekeri.
22 Hivyo siku ya vita, hakukuwa na mapanga au mikuki iliyoonekana katika mikono yoyote ya askali waliokuwa na Sauli na Yonathani; Ni Sauli na mtoto wake tu ndio walikuwa nazo.
Saka pazuva rokurwa hapana murwi waSauro naJonatani aiva nomunondo kana pfumo muruoko rwake; Sauro chete nomwanakomana wake Jonatani ndivo vaiva nazvo.
23 Vikosi vya Wafilisti wakatokeza katika nija ya Mikmashi.
Zvino boka ravarwi ravaFiristia rakanga rabuda richienda kumupata weMikimashi.

< 1 Samweli 13 >