< Zaburi 91 >

1 Yeye akaaye mahali pa salama pake Yeye Aliye Juu Sana, atadumu katika uvuli wake Mwenyezi.
Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro achazorora mumumvuri weWamasimba Ose.
2 Nitasema kumhusu Bwana, “Yeye ndiye kimbilio langu na ngome yangu, Mungu wangu, ambaye ninamtumaini.”
Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.”
3 Hakika yeye ataniokoa na mtego wa mwindaji, na maradhi ya kuambukiza ya kuua.
Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi napadenda rinouraya.
4 Atakufunika kwa manyoya yake, chini ya mbawa zake utapata kimbilio, uaminifu wake utakuwa ngao na kinga yako.
Achakufukidza neminhenga yake, uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake; kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako.
5 Hutaogopa vitisho vya usiku, wala mshale urukao mchana,
Haungatyiswi nokuvhundutsa kwousiku, kana museve unopfurwa masikati,
6 wala maradhi ya kuambukiza yanayonyemelea gizani, wala tauni iharibuyo adhuhuri.
kana hosha inofamba murima, kana denda rinoparadza masikati.
7 Ijapo watu elfu wataangukia kando yako, kumi elfu mkono wako wa kuume, lakini haitakukaribia wewe.
Chiuru chingawa parutivi rwako, zviuru gumi kurudyi pako, asi hazvingaswederi kwauri.
8 Utatazama tu kwa macho yako na kuona adhabu ya waovu.
Uchangozviona nameso ako chete, uye uchaona kurangwa kwavakaipa.
9 Kama ukimfanya Aliye Juu Sana kuwa makao yako: naam, Bwana ambaye ni kimbilio langu,
Kana ukaita Wokumusoro-soro ugaro hwako, kunyange Jehovha, iye utiziro hwangu,
10 basi hakuna madhara yatakayokupata wewe, hakuna maafa yataikaribia hema yako.
ipapo hapana chakaipa chichakuwira, hakuna njodzi ichasvika patende rako.
11 Kwa kuwa atawaagiza malaika zake kwa ajili yako, wakulinde katika njia zako zote.
Nokuti acharayira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete panzira dzako dzose;
12 Mikononi mwao watakuinua, ili usijikwae mguu wako kwenye jiwe.
vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.
13 Utawakanyaga simba na nyoka wakali, simba mkubwa na nyoka utawaponda kwa miguu.
Uchatsika pamusoro peshumba napamusoro pechiva; uchatsika-tsika shumba huru nenyoka.
14 Bwana asema, “Kwa kuwa ananipenda, nitamwokoa; nitamlinda, kwa kuwa analikiri Jina langu.
“Nokuti anondida,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “neni ndichamununura; ndichamudzivirira, nokuti anoziva zita rangu.
15 Ataniita, nami nitamjibu; nitakuwa pamoja naye katika taabu, nitamwokoa na kumheshimu.
Achadana kwandiri, uye ndichamupindura; ndichava naye pakutambudzika, ndichamurwira uye ndichamukudza.
16 Kwa siku nyingi nitamshibisha na kumwonyesha wokovu wangu.”
Ndichamugutsa noupenyu hurefu, uye ndichamuratidza ruponeso rwangu.”

< Zaburi 91 >