< Zaburi 70 >

1 Kwa mwimbishaji. Zaburi ya Daudi. Maombi. Ee Mungu, ufanye haraka kuniokoa; Ee Bwana, njoo hima unisaidie.
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Chikumbiro. Kurumidzai kundiponesa, imi Mwari; Haiwa Jehovha kurumidzai kuuya mundibatsire.
2 Wale wanaotafuta kuuondoa uhai wangu, waaibishwe na kufadhaishwa; wote wanaotamani kuangamizwa kwangu, warudishwe nyuma kwa aibu.
Vanotsvaka upenyu hwangu ngavanyadziswe uye vakanganiswe; vose vanofarira kuparara kwangu ngavadzorwe shure vanyare.
3 Wale waniambiao, “Aha! Aha!” warudi nyuma kwa sababu ya aibu yao.
Vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!” ngavadzorerwe shure nokuda kwenyadzi dzavo.
4 Lakini wote wakutafutao washangilie na kukufurahia, wale wapendao wokovu wako siku zote waseme, “Mungu na atukuzwe!”
Asi vose vanokutsvakai ngavafare nokufarisisa mamuri; vanoda ruponeso rwenyu ngavagare vachiti, “Mwari ngaakudzwe!”
5 Lakini bado mimi ni maskini na mhitaji; Ee Mungu, unijie haraka. Wewe ndiwe msaada wangu na mwokozi wangu; Ee Bwana, usikawie.
Asi ndiri murombo nomushayiwi; uyai nokukurumidza kwandiri, imi Mwari. Imi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu; Haiwa Jehovha, musanonoka.

< Zaburi 70 >