< Zaburi 59 >
1 Kwa mwimbishaji. Mtindo wa “Usiharibu!” Utenzi wa Daudi. Wakati Sauli alipotuma wapelelezi nyumbani mwa Daudi ili wamuue. Ee Mungu, uniokoe na adui zangu, unilinde kutokana na hao wanaoinuka dhidi yangu.
Kumutungamiri wokuimba namaimbiro anoti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Sauro paakanga atuma varume kundorinda imba yaDhavhidhi kuti amuuraye. Ndirwirei pavavengi vangu, imi Mwari; Ndidzivirirei kubva kuna avo vanondimukira.
2 Uniponye na watu watendao mabaya, uniokoe kutokana na wamwagao damu.
Ndirwirei pavaiti vezvakaipa, uye mundiponese pavanhu vanokarira kuteura ropa.
3 Tazama wanavyonivizia! Watu wakali wananifanyia hila, ingawa Ee Bwana, mimi sijakosea wala kutenda dhambi.
Tarirai kundivandira kwavakaita! Vanhu vanotyisa vanondirangana pasina mhosva yandapara kana chivi, nhai Jehovha.
4 Sijatenda kosa; hata hivyo wako tayari kunishambulia. Inuka unisaidie, uone hali yangu mbaya!
Handina chandakakanganisa, asi ivo vagadzirira kundirwisa. Simukai mundibatsire; tarirai dambudziko rangu!
5 Ee Bwana Mwenye Nguvu Zote, Mungu wa Israeli! Zinduka uyaadhibu mataifa yote, usionyeshe huruma kwa wasaliti.
Haiwa Jehovha, Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, mukai murange ndudzi dzose; musanzwira ngoni vakaipa navapanduki. Sera
6 Hurudi wakati wa jioni, wakibweka kama mbwa, wakiuzurura mji.
Vanodzoka madekwana, vachihonʼa sembwa, uye vachinyahwaira muguta.
7 Tazama yale wanayotema kutoka vinywa vyao, hutema upanga kutoka midomo yao, nao husema, “Ni nani atakayetusikia?”
Onai zvavanorutsa mumiromo yavo: vanorutsa minondo kubva pamiromo yavo, uye vanoti, “Ndiani angatinzwa?”
8 Lakini wewe, Bwana, uwacheke; unayadharau mataifa hayo yote.
Asi imi, iyemi Jehovha, munovaseka; munodadira ndudzi dzose.
9 Ee nguvu yangu, ninakutazama wewe, wewe, Ee Mungu, ndiwe ngome yangu,
Haiwa imi simba rangu, ndinokurindirai; imi, iyemi Mwari, ndimi nhare yangu,
10 Mungu wangu unipendaye. Mungu atanitangulia, naye atanifanya niwachekelee wale wanaonisingizia.
Mwari anondida achanditungamirira uye achanditendera kuti ndifare pamusoro pavanondireva.
11 Lakini usiwaue, Ee Bwana, ngao yetu, au sivyo watu wangu watasahau. Katika uwezo wako wafanye watangetange na uwashushe chini.
Asi musavauraya, imi Ishe nhoo yedu, zvimwe vanhu vangu vangakanganwa. Musimba renyu itai kuti vadzungaire, uye muvaderedze.
12 Kwa ajili ya dhambi za vinywa vyao, kwa ajili ya maneno ya midomo yao, waache wanaswe katika kiburi chao. Kwa ajili ya laana na uongo wanaotamka,
Nokuda kwezvivi zvemiromo yavo, nokuda kwamashoko emiromo yavo, ngavabatwe pakuzvikudza kwavo. Nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura,
13 wateketeze katika ghadhabu, wateketeze hadi wasiwepo tena. Ndipo itakapofahamika katika miisho ya dunia kwamba Mungu anatawala juu ya Yakobo.
vaparadzei nehasha dzenyu, vaparadzei kusvikira vapera. Ipapo zvichazivikanwa kumigumo yenyika kuti Mwari anotonga pamusoro paJakobho. Sera
14 Hurudi jioni, wakibweka kama mbwa, wakiuzurura mji.
Vanodzoka madekwana, vachihonʼa sembwa, uye vachinyahwaira muguta.
15 Wanatangatanga wakitafuta chakula, wasipotosheka hubweka kama mbwa.
Vanodzungaira vachitsvaka zvokudya, uye vanohuhudza kana vasina kuguta.
16 Lakini mimi nitaziimba nguvu zako, asubuhi nitaimba juu ya upendo wako; kwa maana wewe ndiwe ngome yangu na kimbilio langu wakati wa shida.
Asi ini ndichaimba nezvesimba renyu, ndichaimba nezvorudo rwenyu mangwanani; nokuti imi muri nhare yangu, utiziro hwangu panguva dzokutambudzika.
17 Ee uliye Nguvu zangu, ninakuimbia sifa. Wewe, Ee Mungu, ndiwe ngome yangu, Mungu unipendaye.
Haiwa imi simba rangu, ndinokuimbirai nziyo dzokukurumbidzai; imi, Mwari, ndimi nhare yangu, Mwari anondida.