< Zaburi 58 >

1 Kwa mwimbishaji. Mtindo wa “Usiharibu!” Utenzi wa Daudi. Enyi watawala, je, kweli mwanena kwa haki? Je, mnahukumu kwa unyofu miongoni mwa watu?
Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Ko, imi vatongi munotaura mukururama here? Munotonga pakati pavanhu nokururamisira here?
2 La, mioyoni mwenu mnatunga udhalimu, na mikono yenu hupima jeuri duniani.
Kwete, munofunga kusaruramisira mumwoyo menyu, uye maoko enyu anomanikidza panyika.
3 Waovu ni wapotovu tangu kuzaliwa kwao, toka tumboni mwa mama zao ni wakaidi na husema uongo.
Kunyange kubvira pakuberekwa, vakaipa vanofamba mukutsauka; kubva mudumbu ramai, vakaipa uye vanoreva nhema.
4 Sumu yao ni kama sumu ya nyoka, kama ile ya fira ambaye ameziba masikio yake,
Uturu hwavo hwakaita souturu hwenyoka, vakafanana nemhakure yadzivira nzeve dzayo,
5 ambaye hatasikia sauti ya kutumbuiza ya mwaguzi, hata kama mganga angecheza kwa ustadi kiasi gani.
isingateereri maimbiro enʼanga kunyange zvazvo achiimba nouchenjeri hukuru.
6 Ee Mungu, yavunje meno katika vinywa vyao; Ee Bwana, vunja meno makali ya hao simba!
Vhunai mazino mumiromo yavo, imi Mwari; bvisai, imi Jehovha, mazino marefu eshumba!
7 Na watoweke kama maji yapitayo kwa kasi, wavutapo pinde zao, mishale yao na iwe butu.
Ngavatsakatike semvura yapera kuerera; pavanowembura uta, miseve yavo ngaigomare.
8 Kama konokono ayeyukavyo akitembea, kama mtoto aliyezaliwa akiwa mfu, wasilione jua.
Vafanane nehozhwa inonyakatika painofamba, kufanana negavamwedzi, ngavarege kuona zuva.
9 Kabla vyungu vyenu havijapata moto wa kuni za miiba, zikiwa mbichi au kavu, waovu watakuwa wamefagiliwa mbali.
Hari dzenyu dzisati dzanzwa kupisa kweminzwa pamoto, ingava minyoro kana yakaoma, vakaipa vachakukurwa.
10 Wenye haki watafurahi waonapo wakilipizwa kisasi, watakapochovya nyayo zao katika damu ya waovu.
Vakarurama vachafara pavachatsivirwa, pavachashambidza tsoka dzavo muropa ravakaipa.
11 Ndipo wanadamu watasema, “Hakika utulivu wa wenye haki bado una thawabu, hakika kuna Mungu ahukumuye dunia.”
Ipapo vanhu vachati, “Zvirokwazvo vakarurama vachiri kungowana mubayiro; zvirokwazvo Mwari ariko anotonga nyika.”

< Zaburi 58 >