< Zaburi 47 >
1 Kwa mwimbishaji. Zaburi ya wana wa Kora. Pigeni makofi, enyi mataifa yote, mpigieni Mungu kelele za shangwe!
Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema. Uchirai maoko, imi vanhu vose; pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro.
2 Jinsi gani alivyo wa kutisha, Bwana Aliye Juu Sana, Mfalme mkuu juu ya dunia yote!
Jehovha Wokumusoro-soro anotyisa sei, iye Mambo mukuru pamusoro penyika yose!
3 Ametiisha mataifa chini yetu watu wengi chini ya miguu yetu.
Akaisa ndudzi dzavanhu pasi pedu, marudzi pasi petsoka dzedu.
4 Alituchagulia urithi wetu, fahari ya Yakobo, aliyempenda.
Akatitsaurira nhaka yedu, iyo pfuma yaJakobho, waakada. Sera
5 Mungu amepaa kwa kelele za shangwe, Bwana kwa sauti za tarumbeta.
Mwari akwidza kumusoro pakati pokudanidzira kwomufaro, Jehovha pakati pokurira kwehwamanda.
6 Mwimbieni Mungu sifa, imbeni sifa, mwimbieni sifa Mfalme wetu, imbeni sifa.
Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo. Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo.
7 Kwa kuwa Mungu ni mfalme wa dunia yote, mwimbieni zaburi za sifa.
Nokuti Mwari ndiye Mambo wenyika yose; muimbirei pisarema rokurumbidza.
8 Mungu anatawala juu ya mataifa, Mungu ameketi juu ya kiti chake cha enzi kitakatifu.
Mwari anotonga pamusoro pendudzi dzose; Mwari agere pamusoro pechigaro chake chitsvene.
9 Wakuu wa mataifa wanakusanyika kama watu wa Mungu wa Abrahamu, kwa kuwa wafalme wa dunia ni mali ya Mungu; yeye ametukuka sana.
Makurukota amarudzi aungana savanhu vaMwari waAbhurahama, nokuti madzimambo enyika ndeaMwari; iye anokudzwa zvikuru kwazvo.