< Zaburi 41 >

1 Kwa mwimbishaji. Zaburi ya Daudi. Heri mtu yule anayemjali mnyonge, Bwana atamwokoa wakati wa shida.
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Akaropafadzwa uyo ane hanya navasina simba; Jehovha anomurwira panguva dzokutambudzika.
2 Bwana atamlinda na kuyahifadhi maisha yake, atambariki katika nchi na hatamwacha katika tamaa ya adui zake.
Jehovha achamudzivirira uye achachengetedza upenyu hwake; achamuropafadza panyika uye haangamuisi kuchido chavavengi vake.
3 Bwana atamtegemeza awapo mgonjwa kitandani, atamwinua kutoka kitandani mwake.
Jehovha achamuraramisa panhoo yake yourwere uye achamuponesa panhoo yake yourwere.
4 Nilisema, “Ee Bwana nihurumie, niponye, maana nimekutenda dhambi wewe.”
Ini ndakati, “Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni; ndiporesei, nokuti ndakakutadzirai.”
5 Adui zangu wanasema kwa hila, “Lini atakufa, na jina lake litokomee kabisa.”
Vavengi vangu vachindigodora vanoti, “Achafa riniko uye zita rake rigoparara?”
6 Kila anapokuja mtu kunitazama, huzungumza uongo, huku moyo wake hukusanya masingizio; kisha huondoka na kuyasambaza huku na huko.
Kana mumwe achiuya kuzondiona, anotaura zvenhema, mwoyo uchiunganidza makuhwa; ipapo anobuda ondozviparadzira kumwe.
7 Adui zangu wote hunongʼonezana dhidi yangu, hao huniwazia mabaya sana, wakisema,
Vavengi vangu vose vanoita zevezeve pamwe chete pamusoro pangu; vanondifungira zvakaipisisa, vachiti,
8 “Ugonjwa mbaya sana umempata, kamwe hatainuka tena kitandani mwake.”
“Chirwere chakaipa chakamubata, haachambomukizve panzvimbo paakarara.”
9 Hata rafiki yangu wa karibu niliyemwamini, yule aliyekula chakula changu ameniinulia kisigino chake.
Kunyange neshamwari yangu yapedyo yandaivimba nayo, yandaigovana zvokudya nayo, yandisimudzira chitsitsinho chayo.
10 Lakini wewe, Ee Bwana, nihurumie, ukaniinue tena, ili niweze kuwalipiza kisasi.
Asi imi, iyemi Jehovha, mune tsitsi neni, ndisimudzei, kuti ndivatsive.
11 Najua kwamba wapendezwa nami, kwa kuwa adui yangu hanishindi.
Ndinoziva kuti munofadzwa neni, nokuti muvengi wangu haandikundi.
12 Katika uadilifu wangu unanitegemeza na kuniweka kwenye uwepo wako milele.
Munonditsigira pakutendeka kwangu, uye munondiisa pamberi penyu nokusingaperi.
13 Msifuni Bwana, Mungu wa Israeli, tangu milele na hata milele.
Kurumbidzwa ngakuve kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira nokusingaperi.

< Zaburi 41 >