< Zaburi 37 >

1 Zaburi ya Daudi. Usisumbuke kwa ajili ya watendao maovu, wala usiwaonee wivu watendao mabaya,
Pisarema raDhavhidhi. Usava neshungu nokuda kwavanhu vakaipa, uye usaitira godo avo vanoita zvakaipa;
2 kwa maana kama majani watanyauka mara, kama mimea ya kijani watakufa mara.
nokuti souswa vachaoma nokukurumidza, somuriwo wakasvibira vachakurumidza kuoma.
3 Mtumaini Bwana na utende yaliyo mema; Kaa katika nchi ukafurahie malisho salama.
Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika ufarikane pamafuro manyoro.
4 Jifurahishe katika Bwana naye atakupa haja za moyo wako.
Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako.
5 Mkabidhi Bwana njia yako, mtumaini yeye, naye atatenda hili:
Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi;
6 Yeye atafanya haki yako ingʼae kama mapambazuko, na hukumu ya shauri lako kama jua la adhuhuri.
achaita kuti kururama kwako kupenye samambakwedza, nokururamisirwa kwako sezuva ramasikati.
7 Tulia mbele za Bwana na umngojee kwa uvumilivu; usisumbuke watu wanapofanikiwa katika njia zao, wanapotekeleza mipango yao miovu.
Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo, pavanoita mano avo akaipa avakaronga.
8 Epuka hasira na uache ghadhabu, usihangaike: itakuongoza tu kutenda uovu.
Rega kutsamwa, uzvidzore pahasha; usava neshungu zvinokutungamirira mune zvakaipa.
9 Kwa maana waovu watakatiliwa mbali, bali wale wanaomtumaini Bwana watairithi nchi.
Nokuti vasakarurama vachagurwa, asi avo vanomirira Jehovha vachagara nhaka yenyika.
10 Bado kitambo kidogo, nao waovu hawataonekana, ingawa utawatafuta, hawataonekana.
Chinguva chiduku duku, vakaipa havachazovapozve; kunyange ukavatsvaka, havazowanikwi.
11 Bali wanyenyekevu watairithi nchi na wafurahie amani tele.
Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafarikana norugare rukuru.
12 Waovu hula njama dhidi ya wenye haki na kuwasagia meno,
Vakaipa vanofungira vakarurama mano akaipa, uye vanovarumanyira meno avo.
13 bali Bwana huwacheka waovu, kwa sababu anajua siku yao inakuja.
Asi Ishe anoseka vakaipa nokuti anoziva kuti zuva ravo riri kuuya.
14 Waovu huchomoa upanga na kupinda upinde, ili wawaangushe maskini na wahitaji, kuwachinja wale ambao njia zao ni nyofu.
Vakaipa vanovhomora munondo uye vanowembura uta kuti vawisire pasi varombo navanoshayiwa, kuti vauraye avo vane nzira dzakarurama.
15 Lakini panga zao zitachoma mioyo yao wenyewe, na pinde zao zitavunjwa.
Asi minondo yavo ichabaya mwoyo yavo pachavo, uye uta hwavo huchavhunika.
16 Bora kidogo walicho nacho wenye haki kuliko wingi wa mali wa waovu wengi;
Zvishoma zvowakarurama zviri nani kupinda pfuma yavakaipa vazhinji;
17 kwa maana nguvu za waovu zitavunjwa, lakini Bwana humtegemeza mwenye haki.
nokuti simba ravakaipa richavhuniwa, asi Jehovha anotsigira vakarurama.
18 Bwana anazifahamu siku za wanyofu, na urithi wao utadumu milele.
Mazuva avakarurama anozivikanwa naJehovha, uye nhaka yavo ichagara nokusingaperi.
19 Siku za maafa hawatanyauka, siku za njaa watafurahia wingi wa vitu.
Panguva yamatambudziko, havanganyadziswi; mumazuva enzara ivo vachava nezvakawanda.
20 Lakini waovu wataangamia: Adui za Bwana watakuwa kama uzuri wa mashamba, watatoweka, watatoweka kama moshi.
Asi vakaipa vachaparara: vavengi vaJehovha vachafanana norunako rweminda, vachanyangarika soutsi.
21 Waovu hukopa na hawalipi, bali wenye haki hutoa kwa ukarimu.
Vakaipa vanokwereta uye havadzori, asi vakarurama vanopa zvakawanda;
22 Wale wanaobarikiwa na Bwana watairithi nchi, bali wale anaowalaani watakatiliwa mbali.
avo vanoropafadzwa naJehovha vachagara nhaka yenyika, asi avo vaanotuka vachaparadzwa.
23 Kama Bwana akipendezwa na njia ya mtu, yeye huimarisha hatua zake,
Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu, anosimbisa mafambiro ake;
24 ajapojikwaa, hataanguka, kwa maana Bwana humtegemeza kwa mkono wake.
kunyange akagumburwa, haangawi, nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.
25 Nilikuwa kijana na sasa ni mzee, lakini sijaona kamwe wenye haki wameachwa au watoto wao wakiombaomba chakula.
Ndakanga ndiri muduku uye zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachiraswa, kana vana vavo vachipemha chingwa.
26 Wakati wote ni wakarimu na hukopesha bila masharti. Watoto wao watabarikiwa.
Vanogara vachingopa vamwe, uye vachikweretesa pasina muripo; vana vavo vacharopafadzwa.
27 Acha ubaya na utende wema, nawe utaishi katika nchi milele.
Dzoka pane zvakaipa ugoita zvakanaka; ipapo uchagara panyika nokusingaperi.
28 Kwa kuwa Bwana huwapenda wenye haki naye hatawaacha waaminifu wake. Watalindwa milele, lakini uzao wa waovu utakatiliwa mbali.
Nokuti Jehovha anoda vanoruramisira uye haangazosiyi vanhu vake vakatendeka. Vachadzivirirwa nokusingaperi; asi vana vowakaipa vachaparadzwa;
29 Wenye haki watairithi nchi, na kuishi humo milele.
vakarurama vachagara nhaka yenyika uye vachagara mairi nokusingaperi.
30 Kinywa cha mwenye haki hutamka hekima, nao ulimi wake huzungumza lililo haki.
Muromo womunhu akarurama unotaura uchenjeri, uye rurimi rwake runotaura kururamisira.
31 Sheria ya Mungu wake imo moyoni mwake; nyayo zake hazitelezi.
Murayiro waMwari wake uri pamwoyo wake; tsoka dzake hadzitedzemuki.
32 Watu waovu huvizia wenye haki, wakitafuta kuwaua;
Vakaipa vanovandira vakarurama, vachitsvaka upenyu hwavo chaihwo;
33 lakini Bwana hatawaacha mikononi mwao wala hatawaacha wahukumiwe kuwa wakosa wanaposhtakiwa.
asi Jehovha haangavasiyi vari musimba ravo, kana kuvarega vachipomerwa kana vamira pakutongwa.
34 Mngojee Bwana, na uishike njia yake. Naye atakutukuza uirithi nchi, waovu watakapokatiliwa mbali, utaliona hilo.
Rindira Jehovha, uye uchengete nzira yake. Achakusimudzira kuti ugare nhaka yenyika; kana vakaipa voparadzwa, iwe uchazviona.
35 Nimemwona mtu mwovu na mkatili akistawi kama mwerezi wa Lebanoni,
Ndakaona munhu akaipa uye ano utsinye achibudirira somuti wakasvibira pavhu romunyika yawo,
36 lakini alitoweka mara na hakuonekana, ingawa nilimtafuta, hakupatikana.
asi nokukurumidza akapfuura uye akasazovapozve; kunyange ndakamutsvaka, haana kuzowanikwa.
37 Watafakari watu wasio na hatia, wachunguze watu wakamilifu, kuna mafanikio kwa mtu apendaye amani.
Cherechedza asina mhosva, ongorora akarurama; ane ramangwana rakanaka munhu worugare.
38 Lakini watenda dhambi wote wataangamizwa, mafanikio yao yatakatiliwa mbali.
Asi vatadzi vose vachaparadzwa; ramangwana rowakaipa richagurwa.
39 Wokovu wa wenye haki hutoka kwa Bwana, yeye ni ngome yao wakati wa shida.
Ruponeso rwavakarurama runobva kuna Jehovha; ndiye nhare yavo panguva yamatambudziko.
40 Bwana huwasaidia na kuwaokoa, huwaokoa kutoka kwa waovu na kuwahifadhi, kwa maana wanamkimbilia.
Jehovha anovabatsira uye anovanunura; anovanunura kubva kuna vakaipa uye anovaponesa, nokuti vanovanda maari.

< Zaburi 37 >