< Zaburi 25 >
1 Zaburi ya Daudi. Kwako wewe, Ee Bwana, nainua nafsi yangu,
Pisarema raDhavhidhi. Jehovha, ndinosimudzira mwoyo wangu kwamuri;
2 ni wewe ninayekutumainia, Ee Mungu wangu. Usiniache niaibike, wala usiache adui zangu wakanishinda.
haiwa Mwari wangu, ndinovimba nemi. Musandirega ndichinyadziswa, uye musarega vavengi vangu vachindikunda.
3 Kamwe hakuna hata mmoja anayekutegemea atakayeaibishwa, bali wataaibishwa wafanyao hila bila sababu.
Hapana munhu ane tariro mamuri achanyadziswa, asi vachanyadziswa avo vanonyengera pasina chikonzero.
4 Nionyeshe njia zako, Ee Bwana, nifundishe mapito yako,
Ndiratidzei nzira dzenyu, imi Jehovha, ndidzidzisei nzira dzenyu;
5 niongoze katika kweli yako na kunifundisha, kwa maana wewe ni Mungu Mwokozi wangu, nalo tumaini langu liko kwako wakati wote.
nditungamirirei muzvokwadi yenyu mugondidzidzisa, nokuti ndimi Mwari Muponesi wangu, uye tariro yangu iri pamuri zuva rose.
6 Kumbuka, Ee Bwana, rehema zako kuu na upendo, kwa maana zimekuwepo tangu zamani.
Rangarirai, imi Jehovha, ngoni dzenyu huru norudo, nokuti zvakabvira kare.
7 Usizikumbuke dhambi za ujana wangu wala njia zangu za uasi, sawasawa na upendo wako unikumbuke, kwa maana wewe ni mwema, Ee Bwana.
Regai kurangarira zvivi zvouduku hwangu, nenzira dzangu dzandaikumukirai nadzo; ndirangarirei nokuda kworudo rwenyu, nokuti makanaka, imi Jehovha.
8 Bwana ni mwema na mwenye adili, kwa hiyo huwafundisha wenye dhambi njia zake.
Jehovha akanaka uye akarurama; naizvozvo anodzidzisa vatadzi nzira dzake.
9 Huwaongoza wanyenyekevu katika haki, naye huwafundisha njia yake.
Anotungamirira vanozvininipisa mune zvakarurama, uye anovadzidzisa nzira yake.
10 Njia zote za Bwana ni za upendo na uaminifu kwa wale wanaoshika shuhuda za agano lake.
Nzira dzose dzaJehovha ndedzorudo nokutendeka, kuna avo vanochengeta zvirevo zvesungano yake.
11 Ee Bwana, kwa ajili ya jina lako, unisamehe uovu wangu, ijapokuwa ni mwingi.
Nokuda kwezita renyu, imi Jehovha, kanganwirai chakaipa changu, kunyange chiri chikuru.
12 Ni nani basi, mtu yule anayemcha Bwana? Atamfundisha katika njia atakayoichagua kwa ajili yake.
Ndiani, zvino, munhu anotya Jehovha? Achamudzidzisa nzira yaakasarudzirwa.
13 Mtu huyo atafanikiwa maishani mwake, nao wazao wake watairithi nchi.
Achararama upenyu hwake mukubudirira, uye zvizvarwa zvake zvichagara nhaka yenyika.
14 Siri ya Bwana iko kwa wale wamchao, yeye huwajulisha agano lake.
Jehovha anogara pakati pavanomutya; anozivisa sungano yake kwavari.
15 Macho yangu humwelekea Bwana daima, kwa kuwa yeye peke yake ndiye ataitoa miguu yangu kutoka mtego.
Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha, nokuti ndiye chete anosunungura tsoka dzangu pamusungo.
16 Nigeukie na unihurumie, kwa maana mimi ni mpweke na mwenye kuteseka.
Dzokerai kwandiri uye mundinzwire nyasha, nokuti ndiri ndoga uye ndinotambudzika.
17 Shida za moyo wangu zimeongezeka, niokoe katika dhiki yangu.
Matambudziko omwoyo wangu awanda; ndisunungurei pakurwadziwa kwangu.
18 Uangalie mateso na shida zangu na uniondolee dhambi zangu zote.
Tarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, mugobvisa zvivi zvangu zvose.
19 Tazama adui zangu walivyo wengi, pia uone jinsi wanavyonichukia vikali!
Tarirai kuwanda kwaita vavengi vangu, uye kuti vanondivenga zvakakura sei!
20 Uyalinde maisha yangu na uniokoe, usiniache niaibike, kwa maana nimekukimbilia wewe.
Rindai upenyu hwangu mugondinunura; ndirege kunyadziswa, nokuti ndinovanda mamuri.
21 Uadilifu na uaminifu vinilinde, kwa sababu tumaini langu ni kwako.
Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, nokuti tariro yangu iri mamuri.
22 Ee Mungu, wakomboe Israeli, katika shida zao zote!
Dzikinurai Israeri, imi Mwari, kuti vabve mumatambudziko avo ose!