< Zaburi 2 >
1 Kwa nini mataifa wanashauriana kufanya mabaya, na kabila za watu kula njama bure?
Ndudzi dzinoitireiko bope? Uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo?
2 Wafalme wa dunia wanajipanga na watawala wanajikusanya pamoja dhidi ya Bwana na dhidi ya Mpakwa Mafuta wake.
Madzimambo enyika azvigadzirira uye vabati vanoungana pamwe chete kuti vazorwa naJehovha, uye kuti vazorwisa Muzodziwa Wake.
3 Wanasema, “Tuvunje minyororo yao na kuvitupilia mbali vifungo vyao.”
Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo, tigorasa mabote avo.”
4 Yeye atawalaye mbinguni hucheka, Bwana huwadharau.
Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka; Ishe anovadadira.
5 Kisha huwakemea katika hasira yake na kuwaogopesha katika ghadhabu yake, akisema,
Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti,
6 “Nimemtawaza Mfalme wangu juu ya Sayuni, mlima wangu mtakatifu.”
“Ndakagadza Mambo wangu paZioni, gomo rangu dzvene.”
7 Nitatangaza amri ya Bwana: Yeye aliniambia, “Wewe ni Mwanangu, leo mimi nimekuzaa.
Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti: Iye akati kwandiri, “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava Baba vako.
8 Niombe, nami nitayafanya mataifa kuwa urithi wako, miisho ya dunia kuwa milki yako.
Kumbira kwandiri, uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako, migumo yenyika ive yako.
9 Utawatawala kwa fimbo ya chuma na kuwavunjavunja kama chombo cha mfinyanzi.”
Uchavatonga netsvimbo yesimbi; uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari.”
10 Kwa hiyo, ninyi wafalme, kuweni na hekima; mwonyeke, enyi watawala wa dunia.
Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai; munyeverwe, imi vabati venyika.
11 Mtumikieni Bwana kwa hofu na mshangilie kwa kutetemeka.
Shumirai Jehovha nokutya, uye mufare nokudedera.
12 Mbusu Mwana, asije akakasirika nawe ukaangamizwa katika njia yako, kwa maana hasira yake inaweza kuwaka ghafula. Heri wote wanaomkimbilia.
Tsvodai Mwanakomana, kuti arege kutsamwa mukazoparadzwa munzira yenyu, nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakaropafadzwa vose vanovanda maari.