< Zaburi 149 >
1 Msifuni Bwana. Mwimbieni Bwana wimbo mpya, sifa zake katika kusanyiko la watakatifu.
Rumbidzai Jehovha. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, rumbidzo yake paungano yavatsvene.
2 Israeli na washangilie katika Muumba wao, watu wa Sayuni na wafurahi katika Mfalme wao.
Israeri ngavafarire Muiti wavo; vanhu veZioni ngavafarire Mambo wavo.
3 Na walisifu jina lake kwa kucheza na wampigie muziki kwa matari na kinubi.
Ngavarumbidze zita rake vachitamba, uye vamuridzire nziyo namatambureni nembira.
4 Kwa maana Bwana anapendezwa na watu wake, anawavika wanyenyekevu taji ya wokovu.
Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; vanozvininipisa anovashongedza korona noruponeso.
5 Watakatifu washangilie katika heshima hii, na waimbe kwa shangwe vitandani mwao.
Vatsvene ngavafare nokukudzwa kwake, uye vaimbe nomufaro vari pamibhedha yavo.
6 Sifa za Mungu na ziwe vinywani mwao na upanga ukatao kuwili mikononi mwao,
Kurumbidzwa kwaMwari ngakuve pamiromo yavo, nomunondo unocheka kwose, mumaoko avo,
7 ili walipize mataifa kisasi na adhabu juu ya mataifa,
kuti vatsive pamusoro pendudzi, uye varange marudzi avanhu,
8 wawafunge wafalme wao kwa minyororo, wakuu wao kwa pingu za chuma,
vasunge madzimambo avo nengetani, namakurukota avo nezvisungo zvamatare,
9 ili kuwafanyia hukumu iliyoandikwa dhidi yao. Huu ndio utukufu wa watakatifu wake wote. Msifuni Bwana.
kuti vaite zvavakatongwa nazvo, zvakanyorwa pamusoro pavo. Ndiko kukudzwa kwavatsvene vose. Rumbidzai Jehovha.