< Zaburi 138 >
1 Zaburi ya Daudi. Nitakusifu wewe, Ee Bwana, kwa moyo wangu wote, mbele ya “miungu” nitaimba sifa zako.
Pisarema raDhavhidhi. Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai pamberi pa“vamwari.”
2 Nitasujudu nikielekea Hekalu lako takatifu, nami nitalisifu jina lako kwa ajili ya upendo wako na uaminifu, kwa kuwa umelikuza jina lako na neno lako juu ya vitu vyote.
Ndichakotamira pasi ndakatarisa kutemberi yenyu tsvene, uye ndicharumbidza zita renyu nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu, nokuti makakudza zita renyu neshoko renyu pamusoro pezvinhu zvose.
3 Nilipoita, ulinijibu; ulinifanya jasiri na mwenye moyo hodari.
Pandakadana, imi makandipindura; makandishingisa nomwoyo wakasimba.
4 Wafalme wote wa dunia wakusifu wewe Ee Bwana, wakati wanaposikia maneno ya kinywa chako.
Madzimambo ose enyika ngaakurumbidzei, imi Jehovha, pavanonzwa mashoko omuromo wenyu.
5 Wao na waimbe kuhusu njia za Bwana, kwa maana utukufu wa Bwana ni mkuu.
Ngavaimbe pamusoro penzira dzaJehovha, nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru.
6 Ingawa Bwana yuko juu, humwangalia mnyonge, bali mwenye kiburi yeye anamjua kutokea mbali.
Kunyange Jehovha ari kumusoro, anoona vanozvininipisa, asi vanozvikudza anovaziva vari kure.
7 Nijapopita katikati ya shida, wewe unayahifadhi maisha yangu, unanyoosha mkono wako dhidi ya hasira ya adui zangu, kwa mkono wako wa kuume unaniokoa.
Kunyange ndikafamba pakati penhamo, munochengetedza upenyu hwangu; munotambanudza ruoko rwenyu pamusoro pehasha dzavavengi vangu, munondiponesa noruoko rwenyu rworudyi.
8 Bwana atatimiza kusudi lake kwangu, Ee Bwana, upendo wako wadumu milele: usiziache kazi za mikono yako.
Jehovha achazadzisa zvirongwa zvake neni; rudo rwenyu, imi Jehovha, runogara nokusingaperi, musasiya mabasa amaoko enyu.