< Zaburi 13 >
1 Kwa mwimbishaji. Zaburi ya Daudi. Mpaka lini, Ee Bwana? Je, utanisahau milele? Utanificha uso wako mpaka lini?
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Kusvikira riniko, nhai Jehovha? Muchandikanganwa nokusingaperi here? Muchasvika riniko makandivanzira chiso chenyu?
2 Nitapambana na mawazo yangu mpaka lini, na kila siku kuwa na majonzi moyoni mwangu? Adui zangu watanishinda mpaka lini?
Ndichaita mutsimba nepfungwa dzangu kusvikira riniko, uye ndine shungu mumwoyo mangu zuva rimwe nerimwe? Muvengi wangu achandikurira kusvikira riniko?
3 Nitazame, unijibu, Ee Bwana Mungu wangu. Yatie nuru macho yangu, ama sivyo nitalala usingizi wa mauti.
Tarirai kwandiri mugondipindura, imi Jehovha Mwari wangu. Vhenekerai meso angu, kana kuti ndichafa ndakarara;
4 Adui yangu atasema, “Nimemshinda,” nao adui zangu watashangilia nitakapoanguka.
muvengi wangu achati, “Ndamukurira ndamukunda,” uye vadzivisi vangu vachapembera kana ndawa.
5 Lakini ninategemea upendo wako usiokoma; moyo wangu unashangilia katika wokovu wako.
Asi ini ndinovimba norudo rwenyu rusingaperi; mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu.
6 Nitamwimbia Bwana, kwa kuwa amekuwa mwema kwangu.
Ndichaimbira Jehovha, nokuti akandinakira.