< Zaburi 109 >
1 Kwa mwimbishaji. Zaburi ya Daudi. Ee Mungu, ambaye ninakusifu, usiwe kimya,
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Mwari, imi wandinorumbidza, regai kunyarara,
2 kwa maana watu waovu na wadanganyifu wamefungua vinywa vyao dhidi yangu; wasema dhidi yangu kwa ndimi za udanganyifu.
nokuti vanhu vakaipa vanonyengera vakandishamira miromo yavo; vakataura nhema pamusoro pangu nendimi dzavo.
3 Wamenizunguka kwa maneno ya chuki, wananishambulia bila sababu.
Vakandikomba namashoko okuvenga; vanorwa neni pasina mhosva.
4 Wanachonilipa badala ya urafiki wangu ni kunishtaki, lakini mimi ninawaombea.
Pachinzvimbo choushamwari hwangu navo, vanondipa mhosva, asi ini ndiri munhu wokunyengetera.
5 Wananilipiza mabaya kwa mema, chuki badala ya urafiki wangu.
Vanonditsivira zvakaipa pane zvakanaka, uye vanondivengera ushamwari hwangu.
6 Agiza mtu mwovu ampinge, mshtaki asimame mkono wake wa kuume.
Tumai munhu akaipa kuti apikisane naye; mupomeri ngaamire kuruoko rwake rworudyi.
7 Anapohukumiwa, apatikane na hatia, nayo maombi yake yamhukumu.
Paanotongwa, ngaawanikwe ane mhosva, uye minyengetero yake ngaimupe mhaka.
8 Siku zake za kuishi na ziwe chache, nafasi yake ya uongozi ichukuliwe na mtu mwingine.
Mazuva ake ngaave mashoma; mumwe ngaatore nzvimbo youkuru hwake.
9 Watoto wake na waachwe yatima, mke wake na awe mjane.
Vana vake ngavave nherera, uye mukadzi wake ave chirikadzi.
10 Watoto wake na watangetange wakiomba, na wafukuzwe kwenye magofu ya nyumba zao.
Vana vake ngavave vapemhi vanodzungaira; ngavadzingwe vabve mumatongo emisha yavo.
11 Mtu anayemdai na ateke vyote alivyo navyo, matunda ya kazi yake yatekwe nyara na wageni.
Waakakwereta ngaatore zvose zvaanazvo; vatorwa ngavapambe zvose zvaakashandira.
12 Asiwepo mtu yeyote wa kumtendea mema wala wa kuwahurumia yatima wake.
Ngakurege kuva neanomunzwira ngoni kana kunzwira tsitsi nherera dzake.
13 Uzao wake na ukatiliwe mbali, majina yao yafutike katika kizazi kifuatacho.
Zvizvarwa zvake ngazvirove, mazita avo adzimwe parudzi runotevera.
14 Maovu ya baba zake na yakumbukwe mbele za Bwana, dhambi ya mama yake isifutwe kamwe.
Mhosva yamadzibaba ake ngairangarirwe pamberi paJehovha; chivi chamai vake ngachirege kumbodzimwa.
15 Dhambi zao na zibaki daima mbele za Bwana, ili apate kukatilia mbali kumbukumbu lao duniani.
Zvivi zvavo ngazvirambe zviri pamberi paJehovha, kuti aparadze chirangaridzo chavo panyika.
16 Kwa maana kamwe hakuweza kutenda wema, bali alimfukuza mnyonge na mhitaji, aliwafanyia jeuri wahitaji na waliovunjika moyo.
Nokuti haana kumbofunga kuita zvakanaka, asi akavhima varombo kusvika parufu, vanoshayiwa navane mwoyo yakaputsika.
17 Alipenda kulaani, nayo laana ikampata; hakupenda kubariki, kwa hiyo baraka na ikae mbali naye.
Aifarira kutaura chituko, ngachichiuya pamusoro pake; iye asina kufadzwa nokuropafadza, ngakuve kure naye.
18 Alivaa kulaani kama vazi lake, nayo laana ikamwingia mwilini mwake kama maji, kwenye mifupa yake kama mafuta.
Aifuka kutuka senguo yake; zvakapinda mumuviri wake semvura, nomumapfupa ake samafuta.
19 Na iwe kama joho alilozungushiwa, kama mshipi aliofungiwa daima.
Ngazvive sejasi rakamonerwa paari, sebhanhire rakasungirirwa paari nokusingaperi.
20 Haya na yawe malipo ya Bwana kwa washtaki wangu, kwa wale wanaoninenea mabaya.
Uyu ngauve muripo waJehovha kuvapomeri vangu, kuna avo vanotaura zvakaipa pamusoro pangu.
21 Lakini wewe, Ee Bwana Mwenyezi, unitendee wema kwa ajili ya jina lako, uniokoe kwa wema wa pendo lako.
Asi imi, Ishe Jehovha, ndiitirei zvakanaka nokuda kwezita renyu; ndirwirei, kubudikidza nokunaka kworudo rwenyu.
22 Maana mimi ni maskini na mhitaji, moyo wangu umejeruhiwa ndani yangu.
Nokuti ndiri murombo uye ndinoshayiwa, uye mwoyo wangu wakuvara mukati mangu.
23 Ninafifia kama kivuli cha jioni, nimerushwa-rushwa kama nzige.
Ndinopera somumvuri wamadekwana; ndinozunzwa semhashu.
24 Magoti yangu yamelegea kwa kufunga, mwili wangu umedhoofika na kukonda.
Mabvi angu apera simba nokutsanya; muviri wangu waonda uye ndaonda kwazvo.
25 Nimekuwa kitu cha kudharauliwa kwa washtaki wangu, wanionapo, hutikisa vichwa vyao.
Ndiri chinhu chinosekwa navapomeri vangu; pavanondiona, vanodzungudza misoro yavo.
26 Ee Bwana, Mungu wangu nisaidie, niokoe sawasawa na upendo wako.
Ndibatsirei, imi Jehovha Mwari wangu; ndiponesei zvakafanira rudo rwenyu.
27 Watu na wafahamu kuwa ni mkono wako, kwamba wewe, Ee Bwana, umetenda hili.
Ngavazive kuti ndirwo ruoko rwenyu, kuti imi, iyemi Jehovha, makazviita.
28 Wanaweza kulaani, lakini wewe utabariki, watakaposhambulia wataaibishwa, lakini mtumishi wako atashangilia.
Ivo vangatuka havo, asi imi mucharopafadza; vachanyadziswa pavanorwisa, asi muranda wenyu achafara.
29 Washtaki wangu watavikwa fedheha, na kufunikwa na aibu kama joho.
Vapomeri vangu vachafukidzwa nenyadzi, uye vachaputirwa nokunyara sokunge nejasi.
30 Kwa kinywa changu nitamtukuza sana Bwana, katika umati mkubwa nitamsifu.
Ndicharumbidza Jehovha nomuromo wangu zvikuru; paungano huru, ndichamurumbidza.
31 Kwa maana husimama mkono wa kuume wa mhitaji, kuokoa maisha yake kutoka kwa wale wanaomhukumu.
Nokuti anomira kuruoko rworudyi rwouyo anoshayiwa, kuti amuponese pane avo vanomupomera mhosva.