< Zaburi 104 >
1 Ee nafsi yangu, umhimidi Bwana. Ee Bwana Mungu wangu, wewe ni mkuu sana, umejivika utukufu na enzi.
Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Haiwa Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; makashongedzwa nokubwinya noumambo.
2 Amejifunika katika nuru kama vile kwa vazi, amezitandaza mbingu kama hema
Iye anozviputira muchiedza seanozviputira nenguo; anotatamura matenga kunge tende
3 na kuziweka nguzo za orofa yake juu ya maji. Huyafanya mawingu kuwa gari lake, na hupanda kwenye mbawa za upepo.
uye anogadzika matanda edzimba dzake dzapamusoro pamusoro pemvura yadzo zhinji. Anoita makore ngoro dzake, uye anokwira pamapapiro emhepo.
4 Huzifanya pepo kuwa wajumbe wake, miali ya moto watumishi wake.
Anoita mhepo nhume dzake, namazhenje omoto varanda vake.
5 Ameiweka dunia kwenye misingi yake, haiwezi kamwe kuondoshwa.
Akamisa nyika pamusoro penheyo dzayo; haingatongozungunuswi.
6 Uliifunika kwa kilindi kama kwa vazi, maji yalisimama juu ya milima.
Makaifukidza nokwakadzika somunofukidza nenguo; mvura zhinji yakamira pamusoro pamakomo.
7 Lakini kwa kukemea kwako maji yalikimbia, kwa sauti ya radi yako yakatoroka,
Asi pakutsiura kwenyu mvura zhinji yakatiza, pakunzwa kutinhira wenyu yakatiza;
8 yakapanda milima, yakateremka mabondeni, hadi mahali pale ulipoyakusudia.
yakayerera napamusoro pamakomo, ikadzika nomumipata, ichienda kunzvimbo yamakairayira.
9 Uliyawekea mpaka ambao hayawezi kuuvuka, kamwe hayataifunika dunia tena.
Makatara muganhu waisingadariki; haichazombofukidzizve nyika.
10 Huzifanya chemchemi zimwage maji mabondeni, hutiririka kati ya milima.
Anoita kuti matsime adire mvura mumipata; inoyerera napakati pamakomo.
11 Huwapa maji wanyama wote wa kondeni, punda-mwitu huzima kiu yao.
Anonwisa mhuka dzose dzesango mvura; mbizi dzinopedza nyota yadzo.
12 Ndege wa angani hufanya viota kando ya maji, huimba katikati ya matawi.
Shiri dzedenga dzinovaka matendere adzo pedyo nemvura; dzinorira dziri pakati pamatavi.
13 Huinyeshea milima kutoka orofa zake, dunia inatoshelezwa kwa matunda ya kazi yake.
Anodiridza makomo ari padzimba dzake dzapamusoro; nyika inogutswa nezvibereko zvebasa rake.
14 Huyafanya majani ya mifugo yaote, na mimea kwa watu kulima, wajipatie chakula kutoka ardhini:
Anomeresa uswa hwemombe, nembeu kuti vanhu vasakure, achibudisa zvokudya kubva pasi:
15 divai ya kuufurahisha moyo wa mwanadamu, mafuta kwa ajili ya kungʼarisha uso wake, na mkate wa kutia mwili nguvu.
iyo waini inofadza mwoyo womunhu, namafuta anopenyesa chiso chake, nechingwa chinosimbisa mwoyo wake.
16 Miti ya Bwana inanyeshewa vizuri, mierezi ya Lebanoni aliyoipanda.
Miti yaJehovha inodiridzwa zvakanaka, iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima.
17 Humo ndege hufanya viota vyao, korongo ana nyumba yake kwenye msunobari.
Shiri dzinoruka matendere adzo ipapo; dambiramurove rakaita imba yaro mumiti yomupaini.
18 Milima mirefu ni makao ya mbuzi-mwitu, majabali ni kimbilio la pelele.
Makomo marefu ndeengururu; mapako ndiwo utiziro hwembira.
19 Mwezi hugawanya majira, na jua hutambua wakati wake wa kutua.
Mwedzi unotara nguva, uye zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro.
20 Unaleta giza, kunakuwa usiku, wanyama wote wa mwituni huzurura.
Munouyisa rima, usiku hugovapo, uye zvikara zvose zvesango zvinobuda kundovhima.
21 Simba hunguruma kwa mawindo yao, na kutafuta chakula chao kutoka kwa Mungu.
Shumba dzinoomba dzichitsvaka nyama, uye dzinotsvaka zvokudya zvadzo kubva kuna Mwari.
22 Jua huchomoza, nao huondoka, hurudi na kulala katika mapango yao.
Kana zuva robuda, idzo dzinoenda kure; dzinodzokera dzondovata mumapako adzo.
23 Kisha mwanadamu huenda kazini mwake, katika kazi yake mpaka jioni.
Ipapo munhu anobuda oenda kubasa rake, kumushando wake kusvikira madekwana.
24 Ee Bwana, jinsi matendo yako yalivyo mengi! Kwa hekima ulizifanya zote, dunia imejaa viumbe vyako.
Haiwa Jehovha, mabasa enyu manganiko! Makaaita ose nenjere; nyika izere nezvisikwa zvenyu.
25 Pale kuna bahari, kubwa na yenye nafasi tele, imejaa viumbe visivyo na idadi, vitu vyenye uhai vikubwa na vidogo.
Hero gungwa, rakakura uye rakapamhama, rine zvisikwa zvisingagoni kuverengwa, zvipenyu zvikuru nezviduku.
26 Huko meli huenda na kurudi, pia Lewiathani, uliyemuumba acheze ndani yake.
Hezvo zvikepe zvinofamba-famba, nengwena, yamakaumba kuti itambemo.
27 Hawa wote wanakutazamia wewe, uwape chakula chao kwa wakati wake.
Zvose izvi zvinotarira kwamuri kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira.
28 Wakati unapowapa, wanakikusanya, unapofumbua mkono wako, wao wanashibishwa mema.
Pamunozvipa, zvinozviunganidza; pamunozarura ruoko rwenyu, izvo zvinogutswa nezvinhu zvakanaka.
29 Unapoficha uso wako, wanapata hofu, unapoondoa pumzi yao, wanakufa na kurudi mavumbini.
Pamunovanza chiso chenyu, izvo zvinovhundutswa; pamunozvitorera mweya, izvo zvinofa uye zvinodzokera kuguruva.
30 Unapopeleka Roho wako, wanaumbwa, nawe huufanya upya uso wa dunia.
Pamunotuma Mweya wenyu, izvo zvinosikwa, uye munovandudza chiso chenyika.
31 Utukufu wa Bwana na udumu milele, Bwana na azifurahie kazi zake:
Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi; Jehovha ngaafare nebasa rake,
32 yeye aitazamaye dunia, nayo ikatetemeka, aigusaye milima, nayo ikatoa moshi.
iye anotarira nyika, yobva yabvunda, iye anobata makomo obva apwititika utsi.
33 Nitamwimbia Bwana maisha yangu yote; nitaimba sifa kwa Mungu wangu muda wote ninaoishi.
Ndichaimbira Jehovha upenyu hwangu hwose; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.
34 Kutafakari kwangu na kumpendeze yeye, ninapofurahi katika Bwana.
Kurangarira kwangu ngakumufadze, pandinofara muna Jehovha.
35 Lakini wenye dhambi na watoweke katika dunia na waovu wasiwepo tena. Ee nafsi yangu, msifu Bwana. Msifuni Bwana.
Asi vatadzi ngavaparadzwe panyika, uye vakaipa ngavarege kuzovapozve. Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Rumbidzai Jehovha.