< Zaburi 10 >
1 Kwa nini, Ee Bwana, unasimama mbali? Kwa nini unajificha wakati wa shida?
Munomirireiko kure, imi Jehovha? Munozvivanzireiko panguva yokutambudzika?
2 Katika kiburi chake, mwovu humtesa maskini, waovu na wanaswe katika hila wanazozitunga.
Pakuzvikudza kwake munhu akaipa anovhima vasina simba, vanobatwa namano okufunga kwake.
3 Hujivunia tamaa za moyo wake; humbariki mlafi na kumtukana Bwana.
Anozvirumbidza pamusoro pezvinopangwa nomwoyo wake; anoropafadza vanokara uye anozvidza Jehovha.
4 Katika kiburi chake, mwovu hamtafuti Mungu, katika mawazo yake yote hakuna nafasi ya Mungu.
Pakuzvikudza kwake akaipa haamutsvaki; mundangariro dzake dzose hamuna nzvimbo yaMwari.
5 Njia zake daima hufanikiwa; hujivuna na amri zako ziko mbali naye, huwacheka kwa dharau adui zake wote.
Nzira dzake dzinobudirira nguva dzose; anozvikudza uye mirayiro yenyu iri kure naye; anodadira vavengi vake vose.
6 Anajisemea mwenyewe, “Hakuna kitakachonitikisa, daima nitakuwa na furaha, kamwe sitakuwa na shida.”
Anoti pakufunga kwake, “Hakuna chichandizungunusa; ndichagara ndakafara uye handingatongotambudziki.”
7 Kinywa chake kimejaa laana, uongo na vitisho; shida na ubaya viko chini ya ulimi wake.
Muromo wake uzere nokutuka, kureva nhema, uye nokutyisidzira; matambudziko nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake.
8 Huvizia karibu na vijiji; kutoka mafichoni huwanasa wasio na hatia, akivizia wapitaji.
Anovandira ari pedyo nemisha; pakuvandira uku anouraya vasina mhosva, ari panzvimbo yakavanzika anotarira vaachaparadza.
9 Huvizia kama simba aliye mawindoni; huvizia kumkamata mnyonge, huwakamata wanyonge na kuwaburuza katika wavu wake.
Anovandira seshumba iri panzvimbo yayo; anovandira kuti abate vasina anovabatsira; anobata vasina anobatsira uye anovakweva achienda navo mumumbure wake.
10 Mateka wake hupondwa, huzimia; wanaanguka katika nguvu zake.
Vabatwa vake anovapwanya, vanowa; vanowira pasi pesimba rake.
11 Anajisemea mwenyewe, “Mungu amesahau, huficha uso wake na haoni kabisa.”
Anoti mumwoyo make, “Mwari akanganwa; akafukidza chiso chake uye haazoonizve.”
12 Inuka Bwana! Inua mkono wako, Ee Mungu. Usiwasahau wanyonge.
Simukai, imi Jehovha! Simudzai ruoko rwenyu, imi Mwari. Regai kukanganwa vanomanikidzwa.
13 Kwa nini mtu mwovu anamtukana Mungu? Kwa nini anajiambia mwenyewe, “Hataniita nitoe hesabu?”
Munhu akaipa anozvidzireiko Mwari? Seiko achiti mumwoyo make, “Haazondibvunzi?”
14 Lakini wewe, Ee Mungu, unaona shida na huzuni, umekubali kuyapokea mkononi mwako. Mhanga anajisalimisha kwako, wewe ni msaada wa yatima.
Asi imi, iyemi Mwari, munoona kutambudzika nokusuwa; munokutarisisa kuti mukupedze. Asina simba anozviisa kwamuri; muri mubatsiri wenherera.
15 Vunja mkono wa mtu mwovu na mbaya, mwite atoe hesabu ya maovu yake ambayo yasingejulikana.
Vhunai ruoko rweakaipa nerwomunhu akaipa; ngaazvidavirire pazvakaipa zvake zvakanga zvisingazoonekwi.
16 Bwana ni Mfalme milele na milele, mataifa wataangamia watoke nchini mwake.
Jehovha ndiye Mambo nokusingaperi-peri; ndudzi dzichaparara munyika yake.
17 Unasikia, Ee Bwana, shauku ya wanaoonewa, wewe huwatia moyo, na kusikiliza kilio chao,
Munonzwa henyu, imi Jehovha, zvishuvo zvavanotambura; munovakurudzira, uye munoteerera kuchema kwavo,
18 ukiwatetea yatima na walioonewa, ili mwanadamu, ambaye ni udongo, asiogopeshe tena.
muchiruramisira nherera nevakamanikidzwa, kuti munhu wenyika, arege kuramba achingovhundutsa.